RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kuzarura Nzira Yokudzokera kuParadhiso
    Nharireyomurindi—1989 | August 15
    • 8. Nderipi raiva donzo rapakuvamba raJehovha pamusoro papasi, uye chii chinoratidza kuti iye anonamatira kudonzo iroro?

      8 Dzose idzodzi dzakanga dziri nhano mudonzo raMwari rokuita kuti pasi rose rifukidzwe norunako rweparadhiso, hungu, rive paradhiso yapasi pose. (Genesi 1:28; Isaya 55:10, 11) Pana 1 VaKorinte 15:45, muapostora Pauro anonongedzera kuna Jesu sa“Adhama wokupedzisira.” Ikoku kunoratidzira kuti Mwari akabatirira kudonzo rake rapakuvamba pamusoro papasi uye kuti mumwe munhu achazadzika donzo iro Adhama wokutanga akakundikana kuita.

  • Kuzarura Nzira Yokudzokera kuParadhiso
    Nharireyomurindi—1989 | August 15
    • 17, 18. (a) Chii chiri revo yokudanwa kwaJesu kuti “Adhama wokupedzisira”? (b) Chii icho zvinoitika zvenyika chibviro cha 1914 zvinoratidzira?

      17 Jesu aziva kuti Musiki weParadhiso yokutanga pasi pano aizoisa paari musengwa wokumutsidzira Paradhiso ndokutarisira kuzadzwa kwebindu rapasi rose. Pana 1 VaKorinte 15:45, 47, tinorava, kuti: “Zvakanyorwawo saizvozvo, zvichinzi: ‘Munhu wokutanga, Adhama, wakaitwa mupenyu;’ Adhama wokupedzisira wakaitwa [mudzimu, NW], unopa upenyu. Munhu wokutanga ndowenyika, wevhu; munhu wechipiri wakabva kudenga.” Adhama wechipiri akaburuka achibva kudenga uye ndiye uyo Jehovha anoshandisa kutangazve Paradhiso pano pasi pano. Pakanga pari pahwaro ihwohwu kuti Ishe Jesu akati kumuiti wezvakaipa anonzwira tsitsi: “Iwe uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43, NW) Kubva muiyi kurukurirano kuri pachena zvakare kuti Paradhiso ichatangwa pasi pano muUmambo hwokudenga musimba raJesu Kristu akapiwa mbiri, “Adhama wokupedzisira.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe