-
Basa Rako Harizotsvi Nemoto Here?Nharireyomurindi—1998 | November 1
-
-
5. Nheyo yeungano yechiKristu ndiani, uye izvi zvakafanotaurwa sei?
5 Pauro akanyora kuti: “Hakuna mumwe ungaronga dzimwe nheyo, asi idzo dzakarongwa kare, ndiye Jesu Kristu.” (1 VaKorinte 3:11) Iyi yakanga isiri nguva yokutanga yakafananidzwa Jesu nenheyo. Kutaura chokwadi, Isaya 28:16 yakafanotaura kuti: “Ishe Jehovha unoti: Tarirai, ndinoisa paZioni ibwe rakaidzwa, rinokosha rekona kuita nheyo yakasimba.” Jehovha akanga agara aronga kuti Mwanakomana wake ave nheyo yeungano yechiKristu.—Pisarema 118:22; VaEfeso 2:19-22; 1 Petro 2:4-6.
6. Pauro akavaka sei nheyo yakafanira muvaKristu vemuKorinte?
6 Nheyo yomuKristu mumwe nomumwe chii? Sezvakataura Pauro, hakuna nheyo yomuKristu wechokwadi kunze kweiri muShoko raMwari—Jesu Kristu. Pauro akavaka chaizvoizvo nheyo yakadaro. MuKorinte, umo uzivi hwaikosheswa zvikuru, haana kutsvaka kufadza vanhu nouchenjeri hwenyika. Panzvimbo pezvo, Pauro akaparidza “Kristu, wakarovererwa pamuchinjikwa,” wairambwa namarudzi so“upenzi.” (1 VaKorinte 1:23) Pauro akadzidzisa kuti Jesu musimboti wezvinangwa zvaJehovha.—2 VaKorinte 1:20; VaKorose 2:2, 3.
-
-
Basa Rako Harizotsvi Nemoto Here?Nharireyomurindi—1998 | November 1
-
-
8. Tinoisa Kristu senheyo muvadzidzi vanokarirwa munzirai?
8 Patinoisa Kristu senheyo, hatimutori somwana asingabetseri ari muchidyiro, kana kuti seakaenzana naJehovha muUtatu. Kwete, mufungo usiri wemagwaro wakadaro unoumba nheyo yevaKristu vokunyepedzera. Panzvimbo pezvo, tinodzidzisa kuti akanga ari munhu mukurusa ati amborarama, kuti wakarasikirwa noupenyu hwake hwakakwana achiitira isu, uye kuti nhasi ndiMambo wakagadzwa waJehovha ari kutonga kudenga. (VaRoma 5:8; Zvakazarurwa 11:15) Tinodawo kukurudzira vadzidzi vedu kuti vafambe mumakwara aJesu ndokutevedzera mavara ake. (1 Petro 2:21) Tinoda kuti vasundwe nokushingairira ushumiri kwaJesu, tsitsi dzake kuvanozvininipisa nevakadzvinyirirwa, ngoni dzake kuvatadzi vaitambudzwa nemhaka dzavo pachavo, ushingi hwake husingazununguki pasinei zvapo nemiedzo. Chokwadi, Jesu inheyo yakaisvonaka. Asi chii chinotevera?
-