-
‘Zvichenjererei Kupfuura Zvamunosiita’Nharireyomurindi—2002 | September 15
-
-
‘Zvichenjererei Kupfuura Zvamunosiita’
“Zvakafanira kuti isu tizvichenjerere kupfuura zvatinosiita pazvinhu zvatakanzwa, kuti tirege kumbokukurwa.”—VAHEBHERU 2:1.
1. Ipa muenzaniso unoratidza kuti kutsauswa kunogona sei kutungamirira kunjodzi.
TSAONA dzemotokari dzinouraya vanhu vanenge 37 000 gore rimwe nerimwe muUnited States moga. Nyanzvi dzinoti dzakawanda dzetsaona idzi dzingadai dzisina kuitika kudai vatyairi vainyatsochenjerera mumugwagwa. Vamwe vatyairi vanoyeverwa nezviratidzo zvavanoona nezvikwangwani zvokushambadzira kana kuti nokushandisa nhare dzavo dzeserura. Kunewo vaya vane tsika yokudya vachityaira. Mumamiriro ezvinhu ose aya, kutsauswa kunogona kutungamirira kunjodzi.
2, 3. Pauro akayambira vaKristu vechiHebheru kutii, uye nei zano rake rakanga rakakodzera?
2 Makore anoda kusvika 2 000 motokari dzisati dzatanga kugadzirwa, muapostora Pauro akataura nezvorumwe rudzi rwokutsauswa kwakanga kuri kuparira njodzi kune vamwe vaKristu vechiHebheru. Pauro akasimbisa kuti Jesu Kristu akanga amutswa akapiwa chinzvimbo chakakwirira kudarika ngirozi dzose, nokuti akaitwa kuti agare kuruoko rworudyi rwaMwari. Ipapo muapostora wacho akati: “Ndokusaka zvakafanira kuti isu tizvichenjerere kupfuura zvatinosiita pazvinhu zvatakanzwa, kuti tirege kumbokukurwa.”—VaHebheru 2:1.
3 Nei vaKristu vechiHebheru vaifanira ‘kuchenjerera kupfuura zvavaisiita zvinhu zvavakanzwa’ nezvaJesu? Nokuti kwakanga kwapfuura makore anoda kusvika 30 Jesu abva pasi pano. Tenzi wavo asisipo, vamwe vaKristu vechiHebheru vakanga vava kutanga kukukurwa kubva pakutenda kwavo kwechokwadi. Vakanga vava kutsauswa nechiJudha, kunamata kwavo kwakare.
Vaifanira Kunyatsochenjerera
4. Nei vamwe vaKristu vechiHebheru vangadaro vakanzwa kuda kudzokera kuchiJudha?
4 Nei muKristu angadaro akanzwa kuda kudzokera kuchiJudha? Kunamata kwaiitwa pasi poMutemo kwaisanganisira zvinhu zvaioneka. Vanhu vaigona kuona vapristi uye kunzwa munhuwi wezvibayiro zvaipisirwa. Zvisinei, pazvimwe zvinhu, chiKristu chakanga chakati siyanei. VaKristu vaiva noMupristi Mukuru, Jesu Kristu, asi kwakanga kwapera makore makumi matatu asina kumboonekwa pasi pano. (VaHebheru 4:14) Vaiva netemberi, asi kudenga ndiko kwaiva kunzvimbo yayo tsvene. (VaHebheru 9:24) Kusiyana nokudzingiswa panyama kwaiitwa pasi poMutemo, kudzingiswa kwevaKristu kwaiva “kuya kwemwoyo nomudzimu.” (VaRoma 2:29) Naizvozvo, kuvaKristu vechiHebheru, chiKristu chingadaro chakatanga kuratidza sechisiri chechokwadi.
5. Pauro akaratidza sei kuti kunamata kwakatangwa naJesu kwaikosha kudarika kuya kwaiitwa pasi poMutemo?
5 VaKristu vechiHebheru vaifanira kuziva chimwe chinhu chinokosha kwazvo pamusoro pokunamata kwakatangwa naKristu. Kwakanga kwakavakirwa zvikuru pakutenda kudarika pakuona, asi kwaikosha kukunda Mutemo wakapiwa kuburikidza nomuprofita Mosesi. “Kana ropa rembudzi nerenzombe nemadota etsiru zvinosaswa pane vakasvibiswa zvichitsvenesa kusvikira nyama yachena,” akanyora kudaro Pauro, “ropa raKristu, uyo akazvipa nomudzimu usingaperi asina gwapa kuna Mwari, richachenesa zvikuru sei hana dzedu pamabasa akafa kuti tiitire Mwari mupenyu basa dzvene?” (VaHebheru 9:13, 14) Chokwadi, kukanganwirwa kunowanikwa nokutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu kunokosha kwazvo munzira dzakawanda kukunda kuya kwaiwaniswa nezvibayiro zvaipiwa pasi poMutemo.—VaHebheru 7:26-28.
6, 7. (a) Chii chakaita kuti zvive zvokukurumidzira kuti vaKristu vechiHebheru va‘zvichenjerere kupfuura zvavaisiita pazvinhu zvavakanzwa’? (b) Pauro paakanyorera vaHebheru tsamba yake, Jerusarema rakanga rasarirwa nenguva yakadini? (Ona mashoko omuzasi.)
6 Paiva nechimwe chikonzero nei vaKristu vechiHebheru vaifanira kunyatsochenjerera zvinhu zvavakanga vanzwa pamusoro paJesu. Akanga afanotaura kuti Jerusarema raizoparadzwa. Jesu akati: “Mazuva achauya pauri apo vavengi vako vachakupoteredza nomuchinjiziri une mapango akapinza uye vachakukomberedza nokukutambudza kubva kumativi ose, uye vachakurovera pasi iwe nevana vako vari mukati mako, uye havazosiyi dombo pamusoro pedombo mauri, nokuti hauna kunzwisisa nguva yokuongororwa kwako.”—Ruka 19:43, 44.
7 Izvi zvaizoitika rini? Jesu haana kutaura zuva neawa yacho. Asi, akapa murayiro uyu: “Pamunoona Jerusarema rakombwa nemauto akadzika misasa, zvadaro zivai kuti kuitwa dongo kwaro kwaswedera pedyo. Zvadaro vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo, nevari mukati maro ngavabude, uye vari kumaruwa ngavarege kupinda mariri.” (Ruka 21:20, 21) Mumakore 30 pashure pokutaura kwaJesu mashoko iwayo, vamwe vaKristu muJerusarema vakakanganwa kuti zvinhu ndezvokukurumidzira, vakatsauswa. Vakaita sokuti vatarisa kurutivi ivo vachityaira. Kana vaisagadzirisa mafungiro avo, zvechokwadi paizoitika njodzi. Jerusarema rakanga rava pedyo nokuparadzwa, kunyange vaizvifunga kana kuti kwete!a Tinodavira kuti zano raPauro rakapa nyevero yakamutsa vaKristu vomuJerusarema vakanga vachikotsira mumudzimu.
‘Kuzvichenjerera Kupfuura Zvatinosiita’ Nhasi
8. Nei tichifanira ‘kuchenjerera’ chokwadi cheShoko raMwari “kupfuura zvatinosiita”?
8 Kufanana nevaKristu vomuzana remakore rokutanga, tinofanira ‘kuchenjerera’ chokwadi cheShoko raMwari “kupfuura zvatinosiita.” Nei? Nokuti isuwo takatarisana nokuparadzwa kwava kuda kuitwa nyika yose, kwete rudzi rumwe chete. (Zvakazarurwa 11:18; 16:14, 16) Ichokwadi kuti hatizivi zuva chairo neawa apo Jehovha achaita izvi. (Mateu 24:36) Kunyange zvakadaro, tave tichiona kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri hunonyatsoratidza kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1-5) Saka, tinofanira kungwarira chinhu chipi nechipi chinogona kutitsausa. Tinofanira kuteerera Shoko raMwari toramba tiine pfungwa yokukurumidzira. Tichango‘gona kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika’ kana bedzi taita izvozvo.—Ruka 21:36.
-
-
‘Zvichenjererei Kupfuura Zvamunosiita’Nharireyomurindi—2002 | September 15
-
-
a Tsamba kuvaHebheru ingangova yakanyorwa muna 61 C.E. Kana zvakadaro, paingova pashure pemakore anenge mashanu bedzi apo Jerusarema rakakombwa nemauto akadzika misasa aCestius Gallus. Munguva pfupi, mauto iwayo akadzokera, zvichibvumira kuti vaKristu vakanga vakachenjerera vatize. Makore mana pashure pazvo, guta rakakombwa nemauto eRoma aitungamirirwa noMukuru Wemauto Titus.
-