RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zvatingaita Kuti Tirambe Tichizvipira
    Nharireyomurindi—2014 | March 15
    • 6. ‘Tinoramba’ sei tiri mumutemo wakakwana?

      6 Somuenzaniso, tinogona kuverenga Shoko raMwari nguva dzose, kunyange zuva nezuva asi totadza kuona kuti tine kakuzvifunga kari kukura matiri. Izvi zvingaitika sei? Funga izvi: Mumuenzaniso waJakobho, dambudziko harisi rokuti munhu wacho haana kunyatsotarira mugirazi. Jakobho akanyora kuti munhu wacho “anozvitarira.” Apa Jakobho akashandisa shoko rechiGiriki rinoreva kunan’anidza kana kuti kunyatsoongorora. Saka dambudziko romunhu uyu raiva rei? Jakobho akati munhu wacho akaenda achibva “akanganwa kuti iye munhu akaita sei.” Saka munhu wacho akabva pagirazi asina kugadzirisa zvaakaona. Asi munhu anobudirira haangogumiri pakunyatsotarira “mumutemo wakakwana” asiwo “anorambira mauri.” Pane kukanganwa mutemo wakakwana weShoko raMwari, anoramba achiita zvaunotaura. Jesu akataura pfungwa yakafanana paakati: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, chokwadi muri vadzidzi vangu.”—Joh. 8:31.

      7. Tingashandisa sei Bhaibheri kuona kana tichingoda zvakatinakira?

      7 Saka kana uchida kubudirira kurwisa kungoda zvakakunakira, unofanira kutanga wanyatsoverenga Shoko raMwari. Izvozvo zvinogona kukubatsira kuona paunofanira kugadzirisa. Asi haufaniri kugumira ipapo. Unofanira kutsvakurudza. Kana wava kunyatsonzwisisa nhoroondo yeBhaibheri, zvibvunze mibvunzo yakadai seiyi: ‘Dai ndaiva mumamiriro ezvinhu akadai ndingadai ndakaita sei? Chokwadi ndingadai ndakaita zvakarurama here?’ Chinonyanya kukosha ndechokuti, pashure pokufungisisa zvawaverenga, edza kuzvishandisa. (Mat. 7:24, 25) Ngatikurukurei kuti tingabatsirwa sei nenyaya yaMambo Sauro uye yomuapostora Petro kuti tirambe tichizvipira.

  • Zvatingaita Kuti Tirambe Tichizvipira
    Nharireyomurindi—2014 | March 15
    • 19. Chii chatingaita kuti tisaodzwe mwoyo nezvatinoona kana tikatarisa muShoko raMwari?

      19 Kana tikanyatsozvitarira tichishandisa Shoko raMwari rakaita segirazi toona pasina kumira zvakanaka, kana kuti pfungwa yokuda zvakangotinakira, tinogona kuora mwoyo. Kana izvozvo zvikaitika kwauri, funga nezvemunhu anoita zvakanaka anotaurwa mumufananidzo waJakobho. Jakobho haana kusimbisa kuti munhu wacho akakurumidza zvakadini kugadzirisa zvaakaona zvisina kumira zvakanaka uye haanawo kuti akagadzirisa kese kainge kasina kumira zvakanaka; asi akati munhu wacho ‘akarambira mumutemo wakakwana.’ (Jak. 1:25) Akayeuka zvaakaona mugirazi ndokuramba achishanda kuti azvigadzirise. Saka usaora mwoyo uye yeuka kuti uri munhuwo anotadza. (Verenga Muparidzi 7:20.) Ramba uchinyatsotarira mumutemo wakakwana, uye shanda nesimba kuti urambe uchizvipira. Jehovha anoda chaizvo kukubatsira, sekubatsira kwaakaita hama dzako dzakawanda, idzo dzinokwanisa kufarirwa uye kukomborerwa naMwari pasinei nokuti dzinotadza.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe