RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Ramba Uri Pedyo neSangano raJehovha
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
    • 8 Jakobho akatiyeuchidza kuti kutsungirira kunokosha paakanyora kuti: “Hama dzangu, pamunosangana nemiedzo yakasiyana-siyana, farai kwazvo, sezvo muchiziva kuti kutenda kwenyu uku kwakaedzwa kunoita kuti mutsungirire. Asi kutsungirira ngakupedze basa rakwo, kuti muve vakakwana uye vakanaka pazvinhu zvese, pasina chamusina.” (Jak. 1:2-4) Jakobho anoti sevaKristu tinofanira kufara patinosangana nemiedzo nekuti inotibatsira kutsungirira. Wakambofunga saizvozvo here? Jakobho anobva aratidza kuti kutsungirira kune basa rakunoita pakunatsiridza unhu hwedu hwechiKristu uye pakuita kuti tifarirwe naMwari. Zvechokwadi kutsungirira kwedu kunowedzera zuva nezuva patinosangana nemiedzo toikurira. Kutsungirira ikoko kunoitawo kuti tive nehumwe unhu hwakanaka hwatinoda.

  • Ramba Uri Pedyo neSangano raJehovha
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
    • 10 Kana tichida kuramba tichitsungirira mumazuva ano akaoma, tinofanira kunzwisisa kuti kana tiri vaKristu tichatotambura. Yeuka kuti Jakobho akati: “Farai kwazvo.” Izvozvo zvingasava nyore nekuti pamwe tinenge tichirwadziwa kana kushungurudzika. Asi yeuka kuti kuzowana kwedu upenyu husingaperi kunobva pakuti tatsungirira here. Zvakasangana nevaapostora zvinotibatsira kuona kuti tingafara sei patinenge tichitambura. Nyaya yacho iri mubhuku raMabasa, uye inoti: “Vakashevedza vaapostora, vakavarova, vakavaudza kuti varege kutaura pamusoro pezita raJesu, vakavarega vachienda. Saka vakabva pamberi peSanihedrini vachifara nekuti vakanga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa zita rake.” (Mab. 5:40, 41) Vaapostora vacho vakanzwisisa kuti kutambura kwavaiita kwairatidza kuti vaiteerera murayiro waJesu uye kuti Jehovha aivafarira. Pashure pemakore akawanda nyaya yekurohwa kwevaapostora yaitika, Petro paainyora tsamba yake yekutanga, akataura kuti kutambura kwakadaro nekuda kwekururama kwakakosherei.—1 Pet. 4:12-16.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe