-
Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2017 | Nha. 3
-
-
AKATASVA BHIZA DEMA
“Ndakaona, uye, tarira! bhiza dema; uye akanga akaritasva akanga aine chikero muruoko rwake. Ndakanzwa inzwi raiita sokuti riri pakati pezvisikwa zvina richiti: ‘Rita regorosi richaita dhinari, uye marita matatu ebhari achaita dhinari; usakanganisa mafuta omuorivhi newaini.’”—Zvakazarurwa 6:5, 6.
Mutasvi uyu anomiririra nzara. Pano tinoona kuti zvekudya zvaizoshomeka zvekuti zvaizoita zvekuyerwa; rita regorosi (0.7 kg) raizotengwa nedhinari. Mumazuva akararama Jesu panyika, munhu aihoreswa dhinari pashure pekushanda kwezuva rimwe chete. (Mateu 20:2) Dhinari raigonawo kutenga marita matatu ebhari (2.1 kg), nekuti bhari rainge risingakoshi sezvaiita gorosi. Kana munhu aiva nemhuri yakakura, zvekudya izvi hapana kwazvaimbosvika. Mafuta emuorivhi newaini ndizvo zvaishandiswa nevanhu kare ikako mazuva ese, saka vanhu vari kunyeverwa kuti vachengetedze zvekudya zvezuva nezuva.
Kubvira muna 1914, tiri kuzviona here kuti mutasvi webhiza dema haasi kumira? Ehe! Vanhu vanenge 70 miriyoni vakaurayiwa nenzara mumakore ekuma1900. Imwe ongororo yakati “pasi rese kubva muna 2012-2014, munhu mumwe chete pa9 vega vega, ainge asina utano nenyaya yekushayiwa zvekudya zvinovaka muviri.” Imwewo yakati, “Nhamba yevanhu vanourayiwa nenzara gore rimwe nerimwe inopfuura nhamba yevanhu vose vanofa neAIDS, malaria uye TB.” Pasinei nezvakawanda zviri kuedza kuitwa kuti vanhu vane nzara vabatsirwe, mutasvi webhiza dema haasi kumira.
-