RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Chakavanzika Chinoyera chaMwari—Mugumo Wacho Une Mbiri!
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
    • 6. Ko Johane anosuma sei chiziviso chokuva kwaKristu akagadzwa pachigaro choumambo muUmambo hwaMwari?

      6 Kristu akagadzwa pachigaro choumambo muUmambo hwaMwari​—⁠haiwa mufaro wakadini wakaratidzirwa nechiziviso ichochi! Johane anoshuma, kuti: “Zvino vakuru vanamakumi maviri navana vakanga vagere pamberi paMwari pazvigaro zvavo zvoumambo vakawira pasi nezviso zvavo ndokunamata Mwari, vachiti: ‘Isu tinokuongai, Jehovha Mwari, Wamasimba ose, Uyo aripo naakanga aripo, nokuti makatora simba renyu guru uye makavamba kubata ushe samambo.’ ”​—⁠Zvakazarurwa 11:​16, 17.

      7. Ko kuonga kwakapiwa sei kuna Jehovha Mwari (a) navakasarira vavakuru vane 24 vokufananidzira pasi pano? (b) naavo vavakuru vane 24 vokufananidzira vakanga vamutsirwa kunzvimbo dzavo mudenga?

      7 Avo vanoita uku kuonga kuna Jehovha Mwari ndivo vakuru 24, vanofananidzira hama dzakazodzwa dzaKristu munzvimbo dzavo dzokudenga. Kubvira muna 1922 zvichienda mberi vakasarira vari pasi pano vaava vakazodzwa vane 144 000 vakabatikana mubasa rakatangwa nokurira kwehwamanda. Vakasvika pakuziva revo huru yechiratidzo chiri pana Mateo 24:​3-25:​46. Kunyange pakuvamba-vamba muzuva raShe, zvisinei, zvapupu biyavo izvo zvakanga zvato‘bvumikisa kuva zvakatendeka kunyange kusvikira kurufu’ zvakanga zvamutswa kuti zvitore nzvimbo dzazvo mudenga, kuti zvigone zvino kumirira boka rose ravane 144 000 mukuwira pasi nezviso zvavo kuti zvinamate Jehovha. (Zvakazarurwa 1:​10; 2:​10) Haiwa vanoonga sei vose ivava kuti Changamire Ishe wavo haana kunonoka mukusvitsa chakavanzika chake chinoyera kumugumo wokupedzisira!

  • Chakavanzika Chinoyera chaMwari—Mugumo Wacho Une Mbiri!
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
    • Zvirevo zvinokosha zviri pana Zvakazarurwa 11:​15-19 isumo dzezviono zvinotevera. Zvakazarurwa ganhuro 12 itsinhirwo yezvinoitika zvakaitika pakuvamba-vamba zvinokudziridza muudzame zviziviso zvakaisvonaka zviri pana Zvakazarurwa 11:​15, 17. Ganhuro 13 inopa chirongwa chiri pa11:​18, sezvainorondedzera mviromviro nokukudziridzika kwesangano rezvamatongerwe enyika raSatani iro rakaparira ruparadziko kupasi. Ganhuro 14 ne15 dzinorondedzerazve muudzame marutongeso oUmambo anobatanidzwa nokuridzwa kwehwamanda yechinomwe nenhamo yechitatu.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe