-
Umambo hwaMwari Hwaberekwa!Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
22, 23. (a) Ko Johane anoti chii chinoitika pashure pokunge dragoni yaburutsirwa kupasi? (b) Ko kunobvirira sei dragoni kutambudza “mukadzi akasununguka mwanarume”?
22 Chifo chokubudiswa kwengwavaira kwaSatani, hama dzaKristu dzichiri pasi pano dzakatsungirira masimba masimba okutsamwa kwake. Johane anoshuma, kuti: “Zvino apo dragoni yakaona kuti yakandirwa pasi, yakatambudza mukadzi akasununguka mwanarume. Asi mapapiro maviri egondo guru akapiwa mukadzi, kuti iye agobhururukira kurenje kunzvimbo yake; ikoku ndiko kwaanodyiswa kwenguva nedzinguva nehafu yenguva kure nechiso chenyoka.”—Zvakazarurwa 12:13, 14.
-
-
Umambo hwaMwari Hwaberekwa!Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
24. Ko Vadzidzi veBhaibheri vakava nechinoitikai chakanga chakafanana nokununurwa kwavaIsraeri muEgipita?
24 Apo hondo yenyika yokutanga yakanga ichirwiwa, hama dzaJesu mukutendeka dzakapfuurira nokupupurira kwadzo kuukuru hunobvira. Ikoku kwakaitwa mukunangana nechishoro chakakudziridzwa chinobva kuna Satani navatsigiri vake vanorura. Pakupedzisira, kupupurira kwapamhene kwaVadzidzi veBhaibheri kwakamiswa chose chose. (Zvakazarurwa 11:7-10) Ipapa pakanga pari apo ivo vakava nechinoitika chakafanana zvikuru nechecho chavaIsraeri vari muEgipita avo vakatsungirirawo mudzvinyiriro huru. Pakanga pari panguva iyoyo apo Jehovha akavaendesa nokukurumidza, sokunge kuti vari pamapapiro amakondo, kukotsekano murenje reSinai. (Eksodho 19:1-4) Nomutoo wakafanana, pashure pechitambudzo chakakasharara cha1918-19, Jehovha akanunura zvapupu zvake, sezvinomirira mukadzi wake, ndokuzvipinza mumugariro womudzimu wakanga wakakotsekana kwazviri sezvakanga zvakaita renje nokuda kwavaIsraeri. Ikoku kwakaitika semhinduro yeminyengetero yazvo.—Enzanisa nePisarema 55:6-9.
25. (a) Ko Jehovha akaberekei muna 1919, sezvo iye akabereka vaIsraeri sorudzi rutsva murenje? (b) Ndivanaani vanoumba urwu rudzi, uye ivo vakapinzwa muchii?
25 Murenje, Jehovha akabereka vaIsraeri sorudzi, achivagovera mumudzimu nomunyama. Nomutoo wakafanana, kutanga muna 1919, Jehovha akabereka mbeu yomukadzi sorudzi rwomudzimu. Ikoku hakuzati kuchifanira kuvhiringidzwa noUmambo hwouMesiya hwave huchibata ushe huri kumatenga chifo cha1914. Panzvimbo pakwo, uru rudzi rutsva runoumbwa navakasarira vezvapupu zvakazodzwa pasi pano, zvakapinzwa mumugariro une mbiri womudzimu muna 1919. Zvichiva zvinogoverwa zvino “chiyero chazvo chemigove yezvokudya panguva yakafanira” izvozvi zvakasimbaradzwa nokuda kwebasa riri mberi.—Ruka 12:42; Isaya 66:8.
26. (a) Ko nhambo yenguva inodudzwa pana Zvakazarurwa 12:6, 14 yakareba zvakadini? (b) Chii chakanga chiri donzo renhambo dzenguva nhatu nehafu, dzakavamba rini, uye dzakaguma rini?
26 Ko uku kutindika kwembeu yomukadzi waMwari kwakagara kwenguva yakareba zvakadini? Zvakazarurwa 12:6 inoti mazuva 1 260. Zvakazarurwa 12:14 inoidza nhambo yacho kuti nguva, dzinguva, nehafu yenguva; namamwe mashoko, nguva nhatu nehafu. Kureva idika, kutaura kwose kuri kuviri kunomirira makore matatu nehafu, kuvambira muchirimo cha1919 kusvikira mumunakamwe wa1922 Kuchamhembe Kwapakati Penyika. Iyoyi yakanga iri nhambo yokunaya kunozorodza nokurongazve nokuda kweboka raJohane rakadzorerwa.
-