-
Umambo Hwamwari HunotongaZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
-
-
9 Nenzira yakafanana, Jehovha anotipa vimbiso youchokwadi hwoUmambo. Sezvinoratidzwa mubhuku reBhaibheri ravaHebheru, mativi akawanda oMutemo akafanofananidzira gadziriro yoUmambo. (VaHebheru 10:1) Zviono zvouporofita zvezvaizova zvakaita Umambo hwaMwari zvaivawo pachena muumambo hwapasi hwaIsraeri. Iyoyo yakanga isati ichingova hurumendewo zvayo, nokuti vatongi vacho vaigara pa“chigaro choumambo chaJehovha.” (1 Makoronike 29:23, NW) Uyezve, kwakanga kwafanotaurwa, kuti: “Tsvimbo yo[umambo, NW) haingabvi kuna Judha, kana mudonzvo womubati pakati petsoka dzake, kusvikira Shiro auya; ndudzi dzose dzavanhu dzichamuteerera iye.” (Genesi 49:10)a Hungu, makanga muri muuyu mutsara waJudha wamadzimambo umo Jesu, Mambo wechigarire wehurumende yaMwari, aizoberekerwa.—Ruka 1:32, 33.
-
-
Umambo Hwamwari HunotongaZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
-
-
a Zita rokuti Shiro rinoreva “Hwake; Mwene Wahwo.” Pashure penguva yakati, kwakava pachena kuti “Shiro” akanga ari Jesu Kristu, “Shumba yorudzi rwaJudha.” (Zvakazarurwa 5:5) Dzimwe dzeshanduro dzechiJudha dzeAramaiki dzezvikamu zveTestamente Yekare dzakangotsiva zvadzo shoko rokuti “Shiro” na“Mesiya” kana kuti “mambo Mesiya.”
-