Tevedzera Kutenda Kwavo
Akaratidza Uchenjeri, Ushingi, Uye Kuzvipira
ESTERI akananaira akananga kuchigaro choumambo, hana yake ichiita kuridza ngoma. Imbofungidzira runyararo rwakangoerekana rwava mumuzinda wamambo wokuPezhiya waiva muShushani, makati mwi-i zvokuti Esteri aitogona kunzwa ruzha rwetsoka dzake uye rwenguo dzake dzoumambo padzaiti shwaka-shwaka nokufamba kwaaiita. Maziso ake akaramba akati twii kuna mambo asingabwairi. Haana kuvhiringidzwa nokushongedzwa kwomuzinda wamambo, mbiru dzinoyevedza, uye sirin’i yaiva yakagadzirwa nemapuranga omusidhari akanga abva kure-kure kuRebhanoni. Akaramba akati nde-e pamurume aiva akagara pachigaro choumambo, murume aigona kusarudza kuti aurayiwe kana kuti aregwe ari mupenyu.
Mambo akaramba akamuti nde-e, achibva amutambanudzira tsvimbo yake yendarama. Kutambanudza tsvimbo iyi kungaita sechinhu chisina basa, asi kwakaponesa Esteri nokuti kwairatidza kuti mambo akanga amukanganwira mhosva yaakanga achangobva kupara, yokuuya pamberi pake iye asina kumushevedza. Paakasvika pachigaro choumambo, Esteri akananavira tsvimbo yacho akabata pamusoro payo.—Esteri 5:1, 2.a
Zvose zvaiva naAhashivheroshi zvairatidza kuti aiva akapfuma chaizvo uye aiva nesimba guru. Zvakaongororwa nenyanzvi muzvinyorwa zvekare zvinoratidza kuti nguo dzaipfekwa nemadzimambo ePezhiya panguva iyoyo dzaidhura zvokusvika mazana emamiriyoni emadhora. Kunyange zvakadaro Esteri akaona kuti maziso omurume wake airatidza ushamwari; uye kuti aimuda. Akati: “Unei, haiwa mambokadzi Esteri, uye unokumbirei? Chipiwe—kusvikira kuhafu youmambo!”—Esteri 5:3.
Esteri akanga agara atoratidza kutenda kunoshamisa uye chivindi paakauya pamberi pamambo kuti azodzivirira vanhu vake pazano rakanga rarongwa rokuvatsakatisa vose. Apa akanga abudirira, asi pakanga pachine zvimwe zvakaoma zvaaifanira kuita. Aifanira kutaura zvaizoita kuti mambo uyu aizvikudza abvume kuti chipangamazano wake waaivimba naye aiva nyoka yomunhu yakanga yamunyengera kuti atongere vanhu vaEsteri rufu. Esteri aizonyengerera sei mambo, uye tingadzidzei nezvokutenda kwake?
Akaratidza Uchenjeri Pakusarudza “Nguva Yokutaura”
Esteri aifanira kuudza mambo dambudziko rake vashandi vamambo vose vachinzwa here? Izvozvo zvingadai zvakanyadzisa mambo uye zvakaita kuti chipangamazano wake Hamani awane nguva yokuita nharo. Saka Esteri akaitei? Pachine mazana emakore izvi zvisati zvaitika, Mambo akachenjera Soromoni akafuridzirwa kunyora kuti: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa, . . . nguva yokunyarara nenguva yokutaura.” (Muparidzi 3:1, 7) Tinogona kuona mupfungwa dzedu murume akanga akatendeka Modhekai uyo aiva baba vokurera vaEsteri achidzidzisa mwanasikana wake pfungwa idzi dzinokosha paaikura. Zviri pachena kuti Esteri ainzwisisa kukosha kwokunyatsosarudza “nguva yokutaura.”
Esteri akati: “Kana zvakanaka kuna mambo, mambo ngaauye naHamani nhasi kumabiko andamuitira.” (Esteri 5:4) Mambo akabvuma uye akaita kuti Hamani ashevedzwe. Apa unoona here uchenjeri hwaEsteri pamatauriro aakaita? Akaremekedza chiremerera chomurume wake uye akaita kuti awane nguva yakakodzera yokuti azomudururira zvaimudya mwoyo.
Hapana mubvunzo kuti Esteri akanyatsogadzirira mabiko iwayo, achiva nechokwadi chokuti akaringa twose twaifarirwa nomurume wake. Pamabiko acho paiva newaini yakanaka, kuitira kufadza vaivapo. (Pisarema 104:15) Ahashivheroshi akanakirwa, achibva abvunzazve Esteri kuti chikumbiro chake chaiva chei. Nguva yokuti Esteri ataure yakanga yakwana here?
Esteri akaona sokuti yakanga isati yakwana. Saka akakumbira mambo naHamani kuti vauye kune mamwezve mabiko mangwana acho. (Esteri 5:7, 8) Akaregerei kubva angotaura ipapo? Yeuka kuti mambo akanga apa mutemo wokuti vanhu vorudzi rwaEsteri vose vaizourayiwa. Saka Esteri aifanira kuva nechokwadi chokuti aizotaura panguva chaiyo yakakodzera. Naizvozvo akamirira, akaita kuti pave nomumwe mukana wokuratidza murume wake kuti aimuremekedza zvakadini.
Vazhinji vedu hatina mwoyo murefu, nepo unhu hunokosha chaizvo. Kunyange zvazvo aitambudzika uye aine shungu dzokutaura zvaiva pamwoyo pake, Esteri akaratidza mwoyo murefu nokumirira nguva yakakodzera. Isuwo tinogona kudzidza zvakawanda pane zvaakaita, nokuti tose zvedu tingadaro takamboona zvimwe zvinhu zvisina kunaka zvataifunga kuti zvinoda kugadziriswa. Kana tichida kuudza munhu ane masimba kuti agadzirise dambudziko racho, tingadawo kutevedzera Esteri pakuva nomwoyo murefu. Zvirevo 25:15 inoti: “Mutungamiriri anonyengetedzwa nokushivirira, uye rurimi runyoro runogona kutyora pfupa.” Kana tikaratidza mwoyo murefu tomirira nguva yakakodzera uye totaura nounyoro sezvakaitwa naEsteri, tinogona kukurira kunyange kupikiswa kwakaoma sepfupa. Jehovha, Mwari waEsteri, akakomborera mwoyo murefu wake nouchenjeri here?
Mwoyo Murefu Unoita Kuti Zvinhu Zvigadziriswe
Mwoyo murefu waEsteri wakaita kuti pazoitika zvinhu zvakawanda zvinoshamisa. Hamani akabva pamabiko okutanga aya achiita kunge achabata denga, “achifara uye aine mwoyo unofara” kuti mambo namambokadzi vakanga vamuratidza mutsa wakadai. Asi paakapfuura nepagedhi akabva ati dhuma dhuma naModhekai, muJudha uya akanga achiri kuramba kumupfugamira. Kuramba kwaModhekai hakusi kuti akanga asingaremekedzi Hamani, asi yaiva nyaya yehana yake noukama hwake naJehovha Mwari. Asi Hamani “akabva ashatirirwa Modhekai kwazvo.”—Esteri 5:9.
Hamani paakaudza mudzimai wake neshamwari dzake nezvenyaya iyi, vakamuti agadzire danda rakakura, rakareba mamita anopfuura 22, obva akumbira mvumo yamambo yokuturika Modhekai padanda iroro. Akafarira zano iroro achibva atotanga kugadzira danda racho.—Esteri 5:12-14.
Hamani paaiita izvi, usiku hwacho mambo haana kurara zvakanaka. Bhaibheri rinoti “hope dzamambo dzakatiza,” saka akarayira kuti vamuverengere bhuku rezvinyorwa zveHurumende. Pavaiverenga, vakawanawo paitaura nezvevanhu vaida kuuraya mambo Ahashivheroshi. Mambo akayeuka nyaya yacho uye kuti vaida kumuuraya vaya vakabatwa vakaurayiwa. Ko murume uya akanga afumura nyaya yacho, Modhekai? Mambo akabva abvunza kana Modhekai akanga apiwa mubayiro. Mhinduro yacho yaiva yokutii? Hapana chaakanga amboitirwa.—Esteri 6:1-3.
Achinetseka, mambo akabvunza kuti ndeapi machinda akanga aripo kuti vamubatsire kugadzirisa chikanganiso ichi. Sezvineiwo Hamani akanga ari mumuzinda wamambo, uye zvinoita sokuti akanga afumira kuti azopiwa mvumo yokuuraya Modhekai. Asi Hamani asati akumbira zvaaida, mambo akamubvunza zvaifanira kuitirwa murume akanga afarirwa namambo. Hamani akafunga kuti hapana mumwe angambova achirehwa namambo kunze kwake. Saka akati: Munhu wacho ngaapfekedzwe zvipfeko zvoumambo uye mumwe wemachinda amambo anokudzwa ngaamutenderedze muShushani mose akatasva bhiza ramambo pachake, achishevedzera achimurumbidza kuti vanhu vose vanzwe. Imbofungidzira kuunyana kwakaita chiso chaHamani paakaziva kuti munhu aifanira kukudzwa uyu ndiModhekai! Uye ndiani akatumwa namambo kuti ashevedzere achirumbidza Modhekai? Iye Hamani wacho!—Esteri 6:4-10.
Hamani akaita zvaakanga atumwa akafundumwara uye akabva atowedzera kuvenga Modhekai, uye apedza akamhanya kumba kwake achishungurudzika. Mudzimai wake neshamwari dzake vakatomuti zvaitika izvi zvaisazoguma zvakanaka uye kuti aisazombokunda pakurwisana nemuJudha uyu Modhekai.—Esteri 6:12, 13.
Mwoyo murefu waEsteri uyo wakaita kuti ambomira rimwezve zuva kukwidza nyaya yake kuna mambo, wakapa Hamani mukana wokuzvirongera zvinhu zvakazoguma zvamuipira. Uye zvinoita sokuti Jehovha ndiye akaita kuti mambo atadze kurara. (Zvirevo 21:1) Ndokusaka Shoko raMwari richitikurudzira ku“mirira.” (Mika 7:7) Patinomirira Mwari, tinoona kuti magadzirisiro aanoita matambudziko edu ari nani kupfuura chero zvatingava tichironga isu.
Akataura Neushingi
Esteri haana kuzoda kuramba akamisa mambo asi aifanira kumuudza zvose pamabiko echipiri. Aizomuudza sei? Zvakaitika ndezvokuti mambo akamupa mukana, achimubvunzazve chaaikumbira. (Esteri 7:2) Nguva yokuti Esteri ataure yakanga yakwana.
Esteri angangodaro akanyengetera chinyararire kuna Mwari wake asati ataura mashoko okuti: “Kana mandinzwira nyasha, haiwa mambo, uye kana zvakanaka kuna mambo, regai ndipiwe mweya wangu pane zvandinoteterera nevanhu vangu pane zvandinokumbira.” (Esteri 7:3) Unoona here kuti akatanga avimbisa mambo kuti aizoremekedza zvinenge zvanzi namambo ndizvo zvakanaka? Esteri akanga akasiyana chaizvo naVhashti, aimbova mukadzi wamambo, uyo akanga anyadzisa murume wake nemaune! (Esteri 1:10-12) Uyezve Esteri haana kutsoropodza mambo kuti sei aivimba naHamani. Asi akateterera mambo kuti iye adzivirirwe pangozi yaigona kumuuraya.
Chikumbiro ichi chakavhundutsa mambo. Ndiani iyeye akanga ava kupinda nemwenje mudziva? Esteri akaenderera achiti: “Tatengeswa, ini nevanhu vangu, kuti titsakatiswe, tiurayiwe uye tiparadzwe. Zvino kudai tanga tangotengeswa kuti tive hedu varandarume uye tive hedu vashandikadzi, ndingadai ndaramba ndakanyarara. Asi kutambudzika kwacho hakuna kukodzera kana kuchikuvadza mambo.” (Esteri 7:4) Waona here kuti Esteri akanyatsotaura dambudziko racho pachena, asi akawedzera kuti dai vakanga vangonzi vachatengeswa kuva varanda, angadai akanyarara? Asi haana kunyarara nokuti kuparadzwa kworudzi rwake rwose kwaizorwadzisa mambo zvikuru sezvo Esteri aivawo worudzi urwu.
Zvakaitwa naEsteri zvine zvazvinotidzidzisa nezvounyanzvi hwokunyengetedza. Kana uchida kuudza mumwe munhu waunoda kana kuti mumwe ane masimba nezvedambudziko rakakura, zvingabatsira chaizvo kana ukaratidza mwoyo murefu, ruremekedzo uye ukanyatsobudisa dambudziko racho pachena.—Zvirevo 16:21, 23.
Ahashivherosi akabvunza kuti: “Ndiani uyu, uye azvishingisa kuita saizvozvo aripiko?” Chimbofungidzira Esteri achinongedza murume wacho achibva ati: “Munhu wacho, mhandu nomuvengi, ndiHamani uyu akaipa.” Chii chaizoitika? Hamani akatya zvokutya zviya. Chimbofungidzira chiso chamambo chichiwunyana nehasha paakaziva kuti chipangamazano wake waaivimba naye akanga amunyengera kuti asayine mutemo waizoita kuti aparadze mudzimai wake waaida! Mambo akasimuka nehasha ndokuenda mubindu achimbonotura befu.—Esteri 7:5-7.
Hamani paakaona kuti zvaaironga zvakanga zvafumurwa, akakambaira achienda patsoka dzamambokadzi. Mambo paakadzoka mumba akaona Hamani achiteterera Esteri ari pamubhedha wake, achibva amupomera mhosva yokuda kubata mambokadzi chibharo mumba mamambo. Mhosva iyoyo yaitozoita kuti Hamani afe chete. Akatorwa akaendeswa kunze kwomuzinda chiso chake chakafukidzwa. Zvadaro rimwe jinda ramambo rakamuudza kuti Hamani akanga agadzirira Modhekai danda rakakura. Ahashivheroshi akabva angorayira kuti Hamani aturikwe padanda iroro.—Esteri 7:8-10.
Munyika ino izere zvakaipa, zviri nyore kufunga kuti vanhu havazombofi vakatongwa zvakakodzera. Wakambozvifungawo here izvozvo? Esteri haana kumbokanda mapfumo pasi, haana kufunga kuti zvinhu hazvizombofi zvanaka, uyewo haana kurasa kutenda kwake. Nguva yacho payakasvika, akaratidza chivindi akataura zvakanga zvakarurama, uye aivimba kuti zvimwe zvose Jehovha aizopedzisa. Ngatimutevedzereiwo. Jehovha haana kuchinja. Achiri kukwanisa kubata vakaipa nemisungo yavo younyengeri yavanozviteyera sezvakaitika kuna Hamani.—Pisarema 7:11-16.
Haana Kungozvifunga Iye Asi Akafungawo Jehovha Nevanhu Vake
Mambo akazoziva kuti Modhekai akanga asingori munhu akamudzivirira kuti asaurayiwa asiwo kuti aiva baba vokurera vaEsteri. Ahashivheroshi akabva apa Modhekai chinzvimbo chaHamani chokuva mukuru wemakurukota. Mambo akapa Esteri imba yaHamani, yaisanganisira pfuma yake yakawanda, uye Esteri akabva aita kuti itarisirwe naModhekai.—Esteri 8:1, 2.
Mambokadzi akanga ava kugona kuzorora hake here sezvo iye naModhekai vakanga vasisiri mungozi yokuurayiwa? Aizodaro kudai aingozvifunga iye chete. Panguva iyoyo, murayiro waHamani wokuuraya vaJudha vose wakanga uri kutumirwa munyika yacho yose. Hamani akanga akanda mijenya, kana kuti Puri, ine chokuita nemidzimu kuti aone nguva yakakodzera yokuuraya vaJudha. (Esteri 9:24-26) Pakanga pachine mwedzi kuti musi wacho usvike, asi mazuva aimhanya. Vaigona here kumisa murayiro wacho?
Esteri haana kungozvifunga iye, asi akaisa upenyu hwake pangozi akaendazve pamberi pamambo asina kushevedzwa. Iye zvino akasvimha misodzi nokuda kwevanhu vorudzi rwake, achiteterera murume wake kuti achinje murayiro wakanga wapiwa uyu. Asi mitemo yainge yaiswa chidhindo chamambo wePezhiya yaisagona kuchinjwa. (Dhanieri 6:12, 15) Saka mambo akapa Esteri naModhekai simba rokunyora mimwe mitemo mitsva. Vakabva vatumira mutemo mutsva waipa vaJudha kodzero yokuzvidzivira. Vatasvi vemabhiza vakamhanya muumambo hwacho hwose, vakaendesera vaJudha mashoko aya akanaka. Vakawanda vakatangazve kuva netariro. (Esteri 8:3-16) Tinogona kufungidzira vaJudha vari muumambo ihwohwo vachigadzirira kurwa, zvavangadai vasina kukwanisa kuita kudai pasina kunyorwa mutemo mutsva. Asi chinonyanya kukosha ndechokuti “Jehovha wemauto” aizova nevanhu vake here?—1 Samueri 17:45.
Zuva rakasarudzwa parakazosvika, vanhu vaMwari vakanga vagadzirira. Kunyange machinda akawanda ePezhiya zvino akanga ava kuvatsigira, sezvo shoko rakanga rapararira rokuti Modhekai muJudha ndiye akanga ava mukuru wemakurukota. Jehovha akaita kuti vanhu vake vakunde zvine mutsindo. Akava nechokwadi chokuti vavengi vevanhu vake vakundwa zvokuti vaisazombonetsazve vanhu vake.b—Esteri 9:1-6.
Uyezve, Modhekai aisazosununguka kutungamirira imba yaHamani ipo pachine vanakomana vake gumi. Nokudaro vakaurayiwawo. (Esteri 9:7-10) Saka uprofita hweBhaibheri hwakazadzika, nokuti Mwari akanga agara ataura kuti vaAmareki vaizoparadzwa zvachose, nokuti vakanga varatidza kuti vaivenga vanhu vake. (Dheuteronomio 25:17-19) Vanakomana vaHamani vangadaro varivo vamwe vevakapedzisira kuurayiwa parudzi rwacho.
Kunyange zvazvo aiva mudiki, Esteri aifanira kutakura mutoro unorema, uyo waisanganisira kurayira vanhu zvokuita muimba youmambo zvine chokuita nehondo uye nokuurayiwa kwevanhu. Zvinofanira kunge zvakanga zvisiri nyore. Asi Jehovha aida kuti vanhu vake vasaparadzwa. Mesiya aifanira kubva murudzi rwaIsraeri uye vanhu vose vaitarisira kwaari! (Genesisi 22:18) Nhasi vashumiri vaMwari vanofara kuziva kuti Mesiya Jesu paakauya pasi pano, haana kuzobvumira vateveri vake kuti varwisane nevamwe vanhu.—Mateu 26:52.
Kunyange zvazvo vaKristu vasingarwi nevanhu, vari kurwa hondo yokunamata nokuti Satani anoda chaizvo kuvhiringidza kutenda kwavo muna Jehovha Mwari. (2 VaKorinde 10:3, 4) Chokwadi kuva nemienzaniso yakaita saEsteri chikomborero chaicho! Tinogona kutevedzera kutenda kwake toratidza uchenjeri nomwoyo murefu pakunyengetedza, tiine ushingi uye chido chokutsigira vanhu vaMwari, tisingangozvifungi isu.
[Mashoko Omuzasi]
a Mune imwe nyaya yakapfuura, takaona kuti Esteri uyo aiva nherera akachengetwa nehanzvadzi yake Modhekai, akazosarudzwa kuti ave mudzimai wamambo wePezhiya, Ahashivheroshi. Hamani, uyo aiva chipangamazano wamambo, akaronga zano rakaipa rokutsakatisa vaJudha vorudzi rwaModhekai. Modhekai akaudza Esteri kuti aitofanira kuenda pamberi pamambo kuti anotetererera vanhu vake.—Ona nyaya inoti, “Tevedzera Kutenda Kwavo—Akamira-mira Pakudzivirira Vanhu vaMwari,” iri muNharireyomurindi yaOctober 1, 2011.
b Mambo akapa vaJudha rimwe zuva rokuti vapedzise kukunda vavengi vavo. (Esteri 9:12-14) Nanhasi vaJudha vanopemberera kukunda kwavakaita ikoko gore roga roga mumwedzi waAdha unoenderana nenguva iri pakati pokupera kwaFebruary nokutanga kwaMarch. Mutambo wacho unonzi Purimu, wakatumidzwa zita iroro zvichibva pamijenya yakakandwa naHamani achida kuparadza vaIsraeri.
[Bhokisi riri papeji 28]
Mibvunzo Pamusoro paEsteri
Nei Modhekai akabvumira kuti Esteri aroorwe nemunhu wemamwe marudzi asingatendi?
Hapana chinotsigira zvinotaurwa nedzimwe nyanzvi zvokuti Modhekai aiva munhu asingadi kupotsa mukana, asingafungi zvingazoitika uye kuti akaroodza Esteri kuna mambo kuti azviwanire rukudzo. Sezvo aiva muJudha akatendeka, aisazotsigira zvinhu zvakadaro. (Dheuteronomio 7:3) Nyaya dzekare idzo dzinotaurawo nezvenyaya iyi dzinoti Modhekai akatoedza kurambidza kuroorana kwacho. Zvinoita sokuti Modhekai naEsteri vakanga vasina zvavaigona kuita sezvo vaiva vatorwa munyika yaitongwa nemunhu aiti chaatema atema achiita samwari chaiye. Nokufamba kwenguva zvakazojeka kuti Mwari akashandisa kuroorwa kwaEsteri senzira yokuti adzivirire vanhu vake.—Esteri 4:14.
Nei bhuku raEsteri risina kunyorwa zita raMwari rokuti Jehovha?
Hapana mubvunzo kuti Modhekai ndiye akafuridzirwa kunyora bhuku racho. Zvingangodaro kuti bhuku iri rakambochengetedzwa pamwe chete nezvinyorwa zvekuPezhiya risati razodzorerwa kuJerusarema. Kunyora zita raJehovha kwaizogona kuita kuti vanhu vainamata vanamwari vePezhiya vaparadze bhuku racho. Asi zvakajeka kuti Jehovha anotaurwawo nezvake munyaya iyi. Zvinofadza kuti mubhuku raEsteri zita raMwari pachake rakanyorwa zvisiri pachena kanokwana ka4 muzvinyorwa zvechiHebheru chepakutanga, uye rakanyorwa nenzira yokuti mabhii okutanga kana kuti okupedzisira pamashoko mana anenge achitevedzana anoumba zita raMwari.—Esteri 1:20, Reference Bible, mashoko omuzasi.
Nhoroondo dzekare dziri mubhuku raEsteri dzakavimbika here?
Vashoropodzi vanoti bhuku iri harina kururama pakutsanangura nhoroondo dzekare. Asiwo dzimwe nyanzvi dzakaona kuti munyori webhuku iri ainyatsoziva nezvedzinza remadzimambo ePezhiya uye zvivako netsika dzavo. Ichokwadi kuti Mambokadzi Esteri haataurwi nezvake muzvinyorwa zvenyika zviripo iye zvino asi haasi iye oga munhu wemumba memadzimambo ane nhoroondo isimo muzvinyorwa izvi. Chimwe chinokosha ndechokuti zvinyorwa zvenyika zvinoratidza kuti murume ainzi Mardukâ, ane zita rinonyorwa richinzi Modhekai kuPezhiya, akashanda muimba yedare muShushani panguva inotaurwawo nebhuku raEsteri.
[Bhokisi riri papeji 29]
Uprofita Hwakazadzika
Esteri naModhekai vakazadzisa humwe uprofita hweBhaibheri panguva yavairwira vanhu vaMwari. Makore anopfura 1 200 vasati vararama, Jehovha akafuridzira musoro wemhuri Jakobho kuti afanozivisa nezvemumwe mwanakomana wake achiti: “Bhenjamini acharamba achibvambura semhumhi. Mangwanani achadya mhuka yakabatwa uye manheru achagova zvakapambwa.” (Genesisi 49:27) ‘Mumangwanani’ enhoroondo yeumambo hwevaIsraeri, vanakomana vaBhenjamini vaisanganisira Mambo Sauro uye vamwe varwi vaiva nesimba pakati pevanhu vaJehovha. Ava “manheru” kana kuti zuva ranyura kuumambo hwaIsraeri, kureva panguva apo umambo hwaIsraeri hwakaperera kutonga, Modhekai naEsteri avo vaibva kudzinza raBhenjamini vakarwa nevavengi vaJehovha vakakunda. Zvinganziwo vakagovana zvakapambwa pakuti zvinhu zvose zvaHamani zvakaiswa pasi pavo.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Esteri akazvininipisa akaonga mambo nokuti akanga amuratidza ngoni
[Mufananidzo uri pamapeji 26, 27]
Esteri akaita chivindi akataura pachena kuipa kwaHamani
[Mufananidzo uri pamapeji 28, 29]
Esteri naModhekai vakatumira shoko kuvaJudha vaiva muUmambo hwePezhiya