RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kuomesa Chitunha—Kungaitwa nevaKristu Here?
    Nharireyomurindi—2002 | March 15
    • Kuomesa Chitunha—Kungaitwa nevaKristu Here?

      Zvaakanga ava pedyo nokufa, tateguru wechiHebheru akatendeka Jakobho akakumbira kokupedzisira kuti: “Munondiviga kuna madzibaba angu, mubako riri mumunda waEfroni, muHeti, bako riri mumunda weMakpera, pakatarisana neMamre, panyika yeKanani.”—Genesi 49:29-31.

      JOSEFA akaremekedza zvakanga zvakumbirwa nababa vake nokushandisa tsika yakanga yakapararira muIjipiti panguva iyoyo. Akarayira “vashandi vake, vanachiremba, kuti vaomese baba vake.” Maererano nenhoroondo inowanikwa pana Genesi chitsauko 50, vanachiremba vakashandisa tsika yokugadzira chitunha chacho mumazuva 40. Kuomeswa kwechitunha chaJakobho kwakabvumira kufamba zvishoma nezvishoma makiromita anenge 400 kweboka raiva parwendo renhengo dzemhuri huru uye vakuru vakuru veIjipiti kuendesa chitunha chaJakobho kuHebhroni kunovigwa.—Genesi 50:1-14.

      Zvingabvira here kuzowana mutumbi waJakobho wakaomeswa rimwe zuva? Mikana yacho, kana ichitombovapo, mishomanana. Dunhu reIsraeri raiva nemvura yakawanda, zvinova zvinoita kuti kusawanikwa zvicherwa zvomumatongo zvakagadzirwa nevanhu zvemhando dzakawanda. (Eksodho 3:8) Zvigadzirwa zvekare zvesimbi nematombo zvakawanda ikoko, asi zvinhu zvizhinji zvisina kunyanya kusimba, zvakadai semachira, matehwe, uye mitumbi yakaomeswa, zvakaparadzwa nounyoro uye kuchinja kwenguva.

  • Kuomesa Chitunha—Kungaitwa nevaKristu Here?
    Nharireyomurindi—2002 | March 15
    • Jakobho akaomeswa nevanhu vaiva nezvitendero zvakasiyana nezvake. Asi hazvingaiti kuti Josefa paakapa mutumbi wababa vake kuna vanachiremba, akakumbira kuti paitwe minamato uye tsika dzaiwanzoitwa pakuomesa zvitunha muIjipiti panguva iyoyo. Jakobho naJosefa vose vaiva varume vokutenda. (VaHebheru 11:21, 22) Kunyange zvazvo asiri Jehovha akarayira, kuchengetedzwa kwechitunha chaJakobho hakushorwi muMagwaro. Kuomeswa kwomutumbi waJakobho hakuna kuitirwa kuti kugotevedzerwa norudzi rwaIsraeri kana kuti neungano yechiKristu. Zvechokwadi, hapana mirayiridzo panyaya iyi muShoko raMwari. Pashure pokunge Josefa pachake aomeswa muIjipiti, hapanazve pamwe panotaurwa muitiro uyu muMagwaro.—Genesi 50:26.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe