-
Nyaradzo Kune Vaya VanotamburaNharireyomurindi—2003 | January 1
-
-
Mwari haana kusika vanhu kuti vatambure. Asi, akapa vanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha, pfungwa nemiviri zvakakwana, akagadzira bindu rakaisvonaka kuti rive musha wavo, uye akavapa basa rinokosha, rinogutsa. (Genesi 1:27, 28, 31; 2:8) Zvisinei, mufaro wavo usingaperi waitsamira pakuziva kwavo utongi hwaMwari uye kodzero yake yokusarudza zvakanga zvakanaka nezvakanga zvakaipa. Murayiro waMwari iwoyo waimiririrwa nomuti unonzi “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesi 2:17) Adhamu naEvha vaizoratidza kuzviisa kwavo pasi paMwari kudai vakateerera murayiro wake wokurega kudya muchero womuti iwoyo.a
-
-
Nyaradzo Kune Vaya VanotamburaNharireyomurindi—2003 | January 1
-
-
a Pamashoko omuzasi aGenesi 2:17, The Jerusalem Bible rinotsanangura “zivo yezvakanaka nezvakaipa” se“simba rokusarudza . . . zvakanaka nezvakaipa uye rokuita zvinoenderana naizvozvo, kuzivisa kuzvitonga kwakakwana kunoratidza kuramba kwomunhu kuti iye akasikwa.” Rinotizve: “Chivi chokutanga kwaiva kudenhwa kwouchangamire hwaMwari.”
-