-
Chivi Chokutanga Chaiva Chei?Mukai!—2006 | July
-
-
Mwari paakasika Adhamu naEvha, akavagarisa mumunda wakanaka kwazvo waiva uzere nemiriwo yaidyiwa uye miti yaibereka michero. Muti mumwe chete bedzi ndiwo wakarambidzwa—“muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” Sezvo vaiva norusununguko rwokuzvisarudzira, Adhamu naEvha vaigona kusarudza kuteerera Mwari kana kusamuteerera. Zvisinei, Adhamu akanyeverwa kuti, “nezuva raunoudya [muti wokuziva] chokwadi uchafa.”—Genesisi 1:29; 2:17.
Kurambidza Kwakakodzera
Kurambidza uku kwakanga kusiri kuvaomesera; Adhamu naEvha vaigona kudya mimwe miti yose yaiva mumunda. (Genesisi 2:16) Uyezve, kurambidza kwacho kwaisareva kuti pane chakanga chisina kunaka pavari, uyewo kwakanga kusiri kuvazvidza. Kudai Mwari akanga arambidza zvinhu zvakaipa zvakaita sokurara nemhuka kana kuti kuponda, vamwe vaigona kuti vanhu vakakwana vakanga vaine humwe unhu hwakaipa hwakanga huchifanira kugadziriswa. Zvisinei, zvakanga zvakakodzera kuti vanhu vadye.
Muchero wakarambidzwa waimiririra zvepabonde here, semafungiro anoita vamwe? Pfungwa iyi haitsigirwi neMagwaro. Kutanga, Mwari paakarambidza, Adhamu akanga ari oga uye zviri pachena kuti akaramba akadaro kwenguva yakati. (Genesisi 2:23) Chechipiri, Mwari akaudza Adhamu naEvha kuti ‘vabereke vawande, vazadze nyika.’ (Genesisi 1:28) Zvechokwadi, aisazovarayira kuti vaputse mutemo wake ozovaranga norufu pamusana pokukanganisa kwavo! (1 Johani 4:8) Chechitatu, Evha akatangira Adhamu kudya muchero wacho, gare gare ndokuzopa murume wake. (Genesisi 3:6) Saka zvakajeka kuti muchero wacho wakanga usiri zvepabonde.
Kuedza Kuzvimiririra Patsika
Muti wokuziva waiva muti chaiwoiwo. Zvisinei, waimiririra kodzero yaMwari soMutongi kuti asarudzire vanhu vake zvakarurama nezvakaipa. Naizvozvo, kudya muti wacho kwaisangova kuba chete—kutora chinhu chaiva chaMwari—asiwo kwaiva kuedza kuzvimiririra patsika kana kuti kuzvisarudzira. Ona kuti pashure pokunyepera Evha kuti kana iye nomurume wake vakadya muchero, ‘vaisazofa zvechokwadi,’ Satani akati: “Nokuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”—Genesisi 3:4, 5.
-
-
Chivi Chokutanga Chaiva Chei?Mukai!—2006 | July
-
-
Nokusarudza kuzvimiririra, Adhamu naEvha vakakanganisa zvisingagadzirisiki ukama hwavo naJehovha uye vakaita kuti chivi chive mumiviri yavo nokusingaperi, kusvikira pamaumbirwo avo chaiwo. Zvechokwadi, vakararama kwemazana emakore, asi vakatanga kufa “muzuva” ravakatadza, sezvinongoita bazi rinenge ratemwa pamuti. (Genesisi 5:5) Uyezve, kwenguva yokutanga, vakanzwa kuti vakanga vasisina rugare mumwoyo mavo. Vakaziva kuti vakanga vasina kupfeka uye vakaedza kuvanda Mwari. (Genesisi 3:7, 8) Vakanzwawo kuti vakanga vaine mhosva, vasina kuchengeteka, uye vakanzwa vaine nyadzi. Chivi chavo chakaita kuti ivo pachavo vanzwe vasina kugadzikana, hana dzavo dzichivapomera mhosva.
-