-
Kufarikanya Ukama Hwoushamwari Hwehama DzomurooranoMukai!—1990 | April 8
-
-
Kuziva Chisungo Chitsva
Bhaibheri rinopa mufananidzo wakajeka wegadziriro yapaMagwaro yeroorano. Pashure pokunge Mwari asika vaviri vokutanga vohunhu ndokuvaisa pamwe chete, iye akagadza nheyo inotevera: “Murume achasiya baba vake naamai vake uye iye achanamatira kumudzimai wake uye ivo vanofanira kuva nyama imwe.” (Genesi 2:24) Naizvozvo vanyakuroorana vatsva vanofanira kuziva kuti ivo vapinda muchisungo chitsva. Vanofanira zvino kunamatirana semhuri inozvimirira kunyange zvazvo ivo vangave vachigara nehama dzavo dzomuroorano.
Zvisinei, kusiya baba naamai hakuzati kuchireva kuti vana apo ivo vanoroora vanogona kutendeutsira makotsi avo pana vabereki vavo uye kuti ivo havazati vachadazve kuvaremekedza nokuvakudza. “Usazvidza amai vako nemhaka bedzi yokuti ivo vachembera,” rinoraira kudaro Bhaibheri. (Zvirevo 23:22) Asika, neroorano, pane gadziridzo muukama. Chero bedzi mutezo mumwe nomumwe wemhuri uchisanorangarira iyoyi, vanyakuroorana vechiduku vanogona kubetserekana noruzivo rwokuzviwanira nouchenjeri hwavabereki.
-
-
Kufarikanya Ukama Hwoushamwari Hwehama DzomurooranoMukai!—1990 | April 8
-
-
Ko zvino, murume anogona sei kuita basa rokushingaira mukuita rugare mumhuri yake? Mitsuharu anotaura kuti kushandisa kwake nheyo dzeBhaibheri kwakabetsera mhuri yake. “Chisungo pakati paamai nomwanakomana wavo chakasimba zvikuru kunyange zvazvo iye akura kuva mukuru,” iye anobvuma kudaro, “naizvozvo mwana anofanira kuita nhamburiko yokuitira hanya ‘kusiya baba vake naamai vake ndokunamatira kumudzimai wake.’” Akashandisa nheyo kupfurikidza nokukurukura nhau pamusoro petarisirwo yavana nerovedzwo inoitwa bedzi nomudzimai wake, uye iye haana kuenzanisa mudzimai wake naamai vake pakwakauya pabasa rapamba. “Zvino,” iye anopfuurira, “isu navabereki vangu tinoremekedzana. Mumwe nomumwe anoziva apo kupindira kuchava kunoshatirisa uye apo betsero nebatira pamwe zvichava zvichaongwa.”
Mukuwedzera kuku‘namatira kumudzimai wake’ murume anofanira kuva mureveri pakati paamai vake nomudzimai wake. (Genesi 2:24) Anoda kuva muteereri akanaka uye kuvaita kuti vadurure mwoyo yavo. (Zvirevo 20:5) Mumwe murume, uyo akadzidza kutarisira migariro mukuchenjera, anotanga kuwana kuti mudzimai wake anonzwa sei. Ipapo, mudzimai wake aripo, iye anotaura naamai vake pamusoro penhau dzinobatanidzwa. Kupfurikidza nokudarokwo kuita basa rake somuyananisi, mwanakomana anogona kubetsera kuparira ukama hunofadza mumusha pakati pavakadzi vaviri vaanoda.
-