Dzidziso Youmwari Inorwisana Nedzidziso Dzemadhemoni
“Vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dze[madhemoni, NW].”—1 TIMOTIO 4:1.
1. VaKristu vari pakati pehondoi?
FUNGIDZIRA kurarama upenyu hwako hwose munzvimbo yehondo. Kwaizova kwakadini kurara uchinzwa kurira kwepfuti ndokumuka uchinzwa kurira kwepfuti huru? Nenzira isingafadzi, muna mamwe mativi enyika, ikoko ndiko zvamazvirokwazvo kurarama kunoita vanhu. Mupfungwa yomudzimu, kunyanguvezvo, vaKristu vose vanorarama neiyi nzira. Vari pakati pehondo huru yave ichirwiwa kwamakore 6 000 uye mumazuva edu yakomba. Chii chiri iyi hondo yekare kare? Hondo yezvokwadi inorwisana nenhema, yedzidziso youmwari inorwisana nedzidziso dzemadhemoni. Hakusati kuri kukatutsira kuidana kuti—panenge pamusoro pezviito zvomumwe wavatungamiriri vayo—rwisano isina tsitsi zvikurusa neinouraya zvikurusa munhau yorudzi rwomunhu.
2. (a) Mukuwirirana naPauro, mativii maviri ari kushorana? (b) Pauro akarevei nokuti “kutenda”?
2 Muapostora Pauro akadudza mativi maviri eiyi rwisano apo akanyorera Timotio, kuti: “Mweya unoreva pachena, kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dze[madhemoni, NW].” (1 Timotio 4:1) Cherechedza kuti dzidziso dzemadhemoni dzaizova dzinopesvedzera zvikuru mu“nguva dzinouya.” Sezvakwairangarirwa kuvambira muzuva raPauro, tiri kurarama munguva yakadaro. Cherechedzawo chinoshora dzidziso dzemadhemoni, ndiko kuti “kutenda.” Pano, “kutenda” kunomirira dzidziso youmwari, yakavakirwa pakutaura kwakafuridzirwa nenzira youmwari kwaMwari kuri muBhaibheri. Kutenda kwakadaro kunopa upenyu. Kunodzidzisa muKristu kuita kuda kwaMwari. Ndiyo zvokwadi inotungamirira kuupenyu husingagumi.—Johane 3:16; 6:40.
3. (a) Chii chinoitika kuvanyajambwa muhondo iri pakati pezvokwadi nenhema? (b) Ndiani ari mutsigiri wedzidziso dzemadhemoni?
3 Vapi navapi vanobva pakutenda vanorasikirwa noupenyu husingaperi. Ivo ndivanyajambwa muhondo. Muuyo une ngwavaira yakadini wokuzvibvumira umene kutsauswa nedzidziso dzemadhemoni! (Mateo 24:24) Isu savanhu vamwe navamwe tinogona sei kudzivisa kuva vanyajambwa? Kupfurikidza nokuramba chose chose idzi dzidziso dzokureva nhema, dzinobatira bedzi donzo ro“muchinda we[madhemoni, NW],” Satani Dhiabhorosi. (Mateo 12:24) Nenzira yokudeya kutaura, dzidziso dzaSatani inhema, sezvo Satani ari “baba wenhema.” (Johane 8:44, NW) Rangarira nzira yaakashandisa nayo nhema nounyanzvi kutsausa vabereki vedu vokutanga.
Dzidziso Dzamadhemoni Dzakaziviswa
4, 5. Satani akaudza Evha nhemai, uye nei ikoko kwakanga kwakaipa kwazvo?
4 Zvinoitika zvacho zvakanyorwa muBhaibheri pana Genesi 3:1-5. Achishandisa nyoka, Satani akasvika mukadzi Evha ndokumubvunza, kuti: “Ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yomunda?” Mubvunzo wacho unoratidzika kuva usingakuvadzi, asi utarire zvakare. “Ndizvo here?” Satani anonzwika seashamiswa, sokunge kuti, ‘Neiko Mwari aizotaura chinhu chakadaro?’
5 Mukusava nemhaka kwake, Evha akaratidzira kuti ikoku kwakanga kwakadaro. Iye aiziva dzidziso youmwari panhau iyoyi, kuti Mwari akanga audza Adhama kuti vaizofa kana vakadya zvomuti wezivo yezvakanaka nezvakaipa. (Genesi 2:16, 17) Mubvunzo waSatani sezviri pachena wakanyandura fariro yake, naizvozvo iye akateerera sezvaakasvika kupfundo rake guru: “Nyoka ikati kumukadzi: Hamungafi zvirokwazvo.” Chinhu chakaipa zvakadini kutaura! Satani akapomera Jehovha, Mwari wezvokwadi, Mwari worudo, Musiki, kurevera nhema vana Vake vohunhu!—Pisarema 31:5; 1 Johane 4:16; Zvakazarurwa 4:11.
6. Satani akadenha sei runako nouchangamire zvaJehovha?
6 Asi Satani akataura zvakawanda. Akapfuurira, kuti: “Nokuti Mwari unoziva kuti nomusi wamunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” Mukuwirirana naSatani, Jehovha Mwari—uyo akanga agovera zvakawanda kwazvo nokuda kwavabereki vedu vokutanga—akanga achida kuvanyima chimwe chinhu chinoshamisa. Aida kuvadzivisa kuva vakafanana navamwari. Nokudaro, Satani akadenha runako rwaMwari. Akasimudzirawo kuzvigutsa nokufuratirwa kwamaune kwemitemo yaMwari, achitaura kuti kuita neiyi nzira kwaizova kunobetsera. Chaizvoizvo, Satani akadenha uchangamire hwaMwari pachisiko Chake amene, achitaura kuti Mwari akanga asina maruramiro okuisa miganhu pane izvo munhu aiita.
7. Dzidziso dzemadhemoni dzakatanga kunzwiwa rini, uye dzakafanana sei nhasi?
7 Namashoko iwayo aSatani, dzidziso dzemadhemoni dzakavamba kunzwiwa. Idzi dzidziso dzakaipa dzichiri kusimudzira nheyo dzakafanana dzisiri dzoumwari. Sezvaakangoita mubindu reEdheni, Satani, zvino akakumbanirwa nemimwe midzimu inopandukira, achiri kudenha maruramiro aMwari okugadza mipimo yechiito. Achiri kupanikira uchangamire hwaJehovha uye anoedza kupesvedzera vanhu kusateerera Baba vavo vokudenga.—1 Johane 3:8, 10.
8. Adhama naEvha vakarasikirwa nei muEdheni, asi Jehovha akabvumikiswa sei kuva wechokwadi?
8 Mubonderano yokutanga iyoyo muhondo pakati pedzidziso youmwari nedzidziso dzemadhemoni, Adhama naEvha vakaita chisarudzo chakaipa ndokurasikirwa netariro yavo youpenyu husingaperi. (Genesi 3:19) Sezvo makore akapfuura uye miviri yavo yakavamba kuipa, kwakasimbiswa zvakakwana kwavari pamusoro pokuti ndiani akanga areva nhema uye ndiani akanga ataura zvokwadi shure muEdheni. Zvisinei, mazana amakore vasati vafa mupfungwa yokunyama, ivo vakava vanyajambwa vokutanga muhondo iri pakati pezvokwadi nenhema apo vakatongwa kuva vasina kufanirwa noupenyu noMusiki wavo, Manyuko oupenyu. Ipapo ndipo apo vakafa mupfungwa yomudzimu.—Pisarema 36:9; enzanisa naVaEfeso 2:1.
Dzidziso Dzemadhemoni Nhasi
9. Dzidziso dzemadhemoni dzave dzichibudirira sei mumazana ose amakore?
9 Sezvakanyorwa mubhuku raZvakazarurwa, muapostora Johane akaendeswa nokufuridzirwa ku“zuva raShe,” iro rakavamba muna 1914. (Zvakazarurwa 1:10) Panguva iyoyo Satani namadhemoni ake vakadzingwa mudenga vachienda pedyo napasi—mhinganidzo huru nokuda kwouyu mushori woMusiki wedu Mukuru. Inzwi rake harina kuzonzwikazve mudenga achipomera nguva dzose vabatiri vaJehovha. (Zvakazarurwa 12:10) Ifambiro mberi yakadini, kunyanguvezvo, dzidziso dzemadhemoni dzakanga dzaita pasi pano chifo cheEdheni? Chinyorwa chinoti: “Shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose.” (Zvakazarurwa 12:9) Nyika yose yakanga yatera kunhema dzaSatani! Hakushamisi kuti Satani anonzi “muchinda wenyika ino”!—Johane 12:31; 16:11.
10, 11. Satani namadhemoni ake vanoshingaira munzirai nhasi?
10 Satani akabvuma kukundwa pashure pokudzingwa kwake mudenga here? Nyangwe! Akatsunga kuramba achirwisana nedzidziso youmwari naavo vanoomerera kwairi. Pashure pokudzingwa kwake kudenga, Satani akapfuuridzira hondo yake: “Shato [Satani] yakatsamwira mukadzi, ikaenda kundorwa navamwe vana vake, vanochengeta mirairo yaMwari, navanobata kupupurira kwaJesu.”—Zvakazarurwa 12:17.
11 Mukuwedzera kukurwisa vabatiri vaMwari, Satani ari kuzadza nyika neparadziro yake, achivavarira kuchengeta kudzora kwake parudzi rwomunhu. Muchimwe chezviono zvake zvaZvakazarurwa zvezuva raShe, muapostora Johane akaona zvikara zvitatu izvo nenzira yokufananidzira zvakamirira Satani, sangano rake rapasi rezvamatongerwe enyika, uye simba guru renyika renguva yedu. Mumiromo yeizvi zvitatu, matatya akabuda. Iwaya akafananidzirei? Johane anonyora, kuti: “Ndiyo mweya yakaipa inoita zviratidzo; inoenda kumadzimambo enyika yose, kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari Wamasimba ose.” (Zvakazarurwa 16:14) Nenzira yakajeka, dzidziso dzemadhemoni dzinoshingaira zvikuru mupasi. Satani namadhemoni ake vachiri kurwisana nedzidziso youmwari, uye vachapfuurira kuita kudaro kusvikira vamiswa nesimba naJesu Kristu, Mambo wouMesia.—Zvakazarurwa 20:2.
Kuzivisa Dzidziso Dzemadhemoni
12. (a) Neiko kuchibvira kudzivisa dzidziso dzemadhemoni? (b) Satani anoedza sei kuwana madonzo ake navabatiri vaMwari?
12 Vanhu vanotya Mwari vanogona here kudzivisa dzidziso dzemadhemoni? Vanogona zvamazvirokwazvo, nokuda kwezvikonzero zviviri. Chokutanga, nemhaka yokuti dzidziso youmwari ine simba zvikuru; uye chechipiri, nemhaka yokuti Jehovha akaratidzira matandi aSatani kuitira kuti tigone kuadzivisa. Seizvo muapostora Pauro akataura, “mano ake tinoaziva.” (2 VaKorinte 2:11) Tinoziva kuti Satani anoshandisa chitambudzo somutoo mumwe wokuita nawo madonzo ake. (2 Timotio 3:12) Namanomano zvikuru kwazvo, kunyanguvezvo, anoedza kupesvedzera ndangariro nomwoyo zvaavo vanobatira Mwari. Akatsausa Evha ndokuisa zvishuvo zvakaipa mumwoyo wake. Anoedza chinhu chimwe chetecho nhasi. Pauro akanyorera vaKorinte, kuti: “Ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Evha namano ayo, zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomwoyo kuri kuna Kristu.” (2 VaKorinte 11:3) Rangarira kushatisa kwaakaita kufunga kworudzi rwomunhu rwose zvarwo.
13. Satani akaudza nhemai rudzi rwomunhu chifo cheEdheni?
13 Kuna Evha, Satani akapomera Jehovha kureva nhema ndokutaura kuti vanhu vaigona kuva vakafanana navamwari kana vakasateerera Musiki wavo. Mugariro wokutadza worudzi rwomunhu nhasi unobvumikisa kuti Satani, kwete Jehovha, akanga ari murevi wenhema. Vanhu nhasi havasati vari vamwari! Zvisinei, Satani akatevera nhema iyoyo yokutanga nedzimwe nhema. Iye akatanga pfungwa yokuti mweya womunhu haufi, hausati uchifa. Iye nokudaro akapa nenzira yokuedza rudzi rwomunhu bviro yokuva vakafanana navamwari mune imwe nzira. Ipapo, kwakavakirwa padzidziso iyoyo yenhema, akasimudzira dzidziso dzehero yomwoto, purigatori, kushandisa midzimu, uye kunamatwa kwavakare. Idzi nhema dzichiri kubata mazana amamirioni muuranda.—Dheuteronomio 18:9-13.
14, 15. Chii chiri zvokwadi pamusoro porufu netariro yomunhu yenguva yemberi?
14 Chokwadika, iyo Jehovha akaudza Adhama yakanga iri zvokwadi. Adhama akafa apo akatadzira Mwari. (Genesi 5:5) Apo Adhama navazukuru vake vakafa, vakava mweya yakafa, vasingazivi uye vasingaiti basa. (Genesi 2:7; Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4) Nemhaka yokugara nhaka chivi chakabva kuna Adhama, mweya yose yavanhu inofa. (VaRoma 5:12) Shure muEdheni, zvisinei, Jehovha akapikira kuuya kwembeu yakanga ichizokurira mabasa aDhiabhorosi. (Genesi 3:15) Mbeu iyoyo yakanga iri Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe bedzi. Jesu akafa asina chivi, uye upenyu hwake hwakabairwa hwakava rudzikinuro rwokutenga rudzi rwomunhu kuti rubve mumugariro warwo wokufa. Avo vanotenda Jesu nenzira yokuteerera vane banza rokugamuchira upenyu husingaperi uhwo Adhama akarasa.—Johane 3:36; VaRoma 6:23; 1 Timotio 2:5, 6.
15 Rudzikinuro, kwete pfungwa yakati isina kujeka yokuti mweya unopukunyuka rufu, ndirwo tariro chaiyoiyo yorudzi rwomunhu. Iyi ndiyo dzidziso youmwari. Izvokwadi. Kuratidzirwawo kunoshamisa kworudo rwaJehovha nouchenjeri. (Johane 3:16) Tinofanira kuva vanoonga sei kuva takadzidza iyi zvokwadi uye kuva takasunungurwa mudzidziso dzemadhemoni mune idzi nhau!—Johane 8:32.
16. Chii chiri miuyo yenguva refu apo vanhu vanotevera uchenjeri hwavo vamene?
16 Kupfurikidza nenhema dzake mubindu reEdheni, Satani akakurudzira Adhama naEvha kushuva kuva vakazvimirira pana Mwari uye kuvimba nouchenjeri hwavo vamene. Nhasi, tinoona miuyo yenguva refu yaikoko muutsotsi, nhamo dzemari, hondo, uye kusaenzana kukuru kuripo munyika nhasi. Hakushamisi kuti Bhaibheri rinoti: “Uchenjeri hwenyika ino hupenzi kuna Mwari”! (1 VaKorinte 3:19) Kunyanguvezvo, vanhu vazhinjisa noufuza vanosarudza kutambura panzvimbo pokupa ngwariro kudzidziso dzaJehovha. (Pisarema 14:1-3; 107:17) VaKristu, avo vakagamuchira dzidziso youmwari, vanodzivisa kuwira mumusungo iwoyo.
17. I“zivo[i] inonzi zivo” yakasimudzirwa naSatani, uye chii chiri miuyo yayo?
17 Pauro akanyorera Timotio, kuti: “Iwe, Timotio, chengeta icho chawakapiwa, ufuratire kutaura kusine hanya naMwari nokuramba kunobva pazivo inonzi zivo, dziri nhema hadzo; iyo yakapupurwa navamwe, vakazorashika pakutenda.” (1 Timotio 6:20, 21) “Zivo” iyoyo inomirirawo dzidziso dzemadhemoni. Muzuva raPauro, sezvingabvira yakanongedzera kupfungwa dzokuwa pakutenda idzo vamwe muungano vakanga vachisimudzira. (2 Timotio 2:16-18) Gare gare, inonzi zivo zvenhema nhema, zvakadai sechiGnostic nouzivi hwechiGiriki, zvakashatisa ungano. Munyika nhasi, kusadavira kuvapo kwaMwari, kupanikira kuvapo kwaMwari, rondedzero dzemhindumupindu, uye kutsoropodzwa kukuru zvikuru kweBhaibheri mienzaniso yeinonzi zivo zvenhema nhema, sezvakaita pfungwa dzisiri dzapaMagwaro dzinosimudzirwa navawi pakutenda vazvino uno. Miuyo yeiyi yose inonzi zivo zvenhema nhema inooneka mukuipa kwetsika, kuzvidzwa kwakapararira kwechiremera, kusatendeseka, uye udyire hunozivisa tsika yaSatani yezvinhu.
Kunamatira Kudzidziso Youmwari
18. Ndivanaani nhasi vanotsvaka dzidziso youmwari?
18 Kunyange zvazvo Satani ave achizadza pasi nedzidziso dzemadhemoni chifo chenguva yeEdheni, nguva dzose pave pana vamwe vakatsvaka dzidziso youmwari. Vanhu vakadaro vanosvika mamirioni nhasi. Vanobatanidza vaKristu vakasarira vakazodzwa vane tariro ine chokwadi yokutonga naJesu muUmambo hwake hwokudenga neboka guru rinokura ra“mamwe makwai” rine tariro iri yokugara nhaka nzvimbo yapasi yoUmambo ihwohwo. (Mateo 25:34; Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:3, 9) Nhasi, ivava vakaunganidzwa pamwe musangano rimwe renyika yose kwariri kunoshanda mashoko aIsaya, okuti: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru.”—Isaya 54:13.
19. Kudzidziswa naJehovha kunobatanidzei?
19 Kudzidziswa naJehovha kunoreva zvinopfuura kuziva dzidziso yechokwadi—kunyange zvazvo ikoko kuchikosha. Jehovha anotiraidza nzira yokurarama nayo, nzira yokushandisa nayo dzidziso youmwari kuupenyu hwedu hwomunhu oga. Somuenzaniso, tinodzivisa udyire, utere, uye mudzimu wokuzvimirira izvo zvakapararira kwazvo munyika yakatipoteredza. Tinoziva kurondwa kwoutsinye kwepfuma munyika ino nokuda kwezvairi—kunouraya. (Jakobho 5:1-3) Hatitongokanganwi dzidziso youmwari inotaurwa mumashoko omuapostora Johane, anoti: “Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.”—1 Johane 2:15.
20, 21. (a) Satani anoshandisei munhamburiko dzake dzokupofumadza vanhu? (b) Zvikomboreroi zvinouya kuna avo vanonamatira kudzidziso youmwari?
20 Muuyo wedzidziso dzemadhemoni pavanyajambwa vadzo unoonekwa mumashoko aPauro kuvaKorinte: “Vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro na[Satani], kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheEvhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari.” (2 VaKorinte 4:4) Satani angada kupofumadza vaKristu vechokwadi mune iyi nzirawo. Shure muEdheni, akashandisa nyoka kutsausa mumwe wavabatiri vaMwari. Nhasi, anoshandisa mabhaisikopo ane masimba masimba kana kuti ane utere nepurogiramu dzeterevhizheni. Anoshandisa zvisina kufanira nhepfenyuro, mabhuku, uye nziyo. Chombo chine simba chaanogona kushandisa isonganiro yakaipa. (Zvirevo 4:14; 28:7; 29:3) Nguva dzose ziva zvinhu zvakadaro nokuda kwezvazviri—zvinhu nedzidziso dzemadhemoni.
21 Yeuka, mashoko aSatani muEdheni aiva nhema; mashoko aJehovha akabvumikisa kuva echokwadi. Chifo chamazuva iwayo apakuvamba, kumwe cheteko kwakapfuurira kuva kwakadaro. Satani nguva dzose akabvumikisa kuva murevi wenhema, uye dzidziso youmwari yave iri yechokwadi nenzira isingakundikani. (VaRoma 3:4) Kana tikanamatira kuShoko raMwari, nguva dzose tichava kurutivi runokunda muhondo iri pakati pezvokwadi nenhema. (2 VaKorinte 10:4, 5) Ipapo, ngative vakatsunga kuramba dzidziso dzose dzemadhemoni. Nenzira iyoyo tichatsungirira kusvikira nguva apo hondo pakati pezvokwadi namanyepo inopera. Zvokwadi ichave yakurira. Satani achave asipo, uye dzidziso youmwari bedzi ichanzwika pasi pano.—Isaya 11:9.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Dzidziso dzoudhemoni dzakatanga kunzwiwa rini?
◻ Ndedzipi dzimwe nhema dzakasimudzirwa naSatani namadhemoni ake?
◻ Satani ari kushingaira zvikurusa munzirai nhasi?
◻ Satani anoshandisei kutsigira dzidziso dzemadhemoni?
◻ Zvikomboreroi zviri zvaavo vanonamatira kudzidziso youmwari?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Dzidziso youdhemoni yakatanga kunzwiwa mubindu reEdheni
[Mufananidzo uri papeji 10]
Dzidziso youmwari pamusoro porudzikinuro noUmambo inopa tariro bedzi yorudzi rwomunhu