Kariro dzeParadhiso Dzakanaka Pasinei Zvapo Nokusateerera Kwavanhu
1. Nokupfuura kwenguva, ndokupi uko murume nomukadzi vokutanga vanofanira kuonwa uye mumhoteredzoi?
NGUVA yapfuura. Murume nomukadzi vokutanga havasati vachasiri vasina kupfeka nenzira isina mhaka. Ivo vakapfeka—nguvo refu dzeganda remhuka. Ivo vari panze chaipo pesuo romubindu rakakwana reEdheni. Makotsi avo ari kubindu. Ivo vanotarira kuchiono chiri mberi kwavo. Ivo vanongoona bedzi pasi risina kurimwa. Nenzira yakajeka zvikuru iro harina chikomborero chaMwari pariri. Pamberi pavo panogona kuoneka minzwa noutumbambeva. Ko iri harisi pasi ravakatumwa kudzora here? Hungu, asi murume nomukadzi vokutanga zvino havasi kunze ikoko nokuda kwedonzo rokutambanudzira bindu reEdheni panyika yakadaro isingatarisirwi.
2. Neiko murume nomukadzi vasingaedzi kupindazve mubindu reParadhiso?
2 Pachiono chakasiana chakadaro, neiko ivo vasingadzokeri ndokupindazve mubindu reParadhiso? Kunokarakadzwa nyore nyore, asi tarira chiri shure kwavo pasuo romuEdheni. Zvisikwa zvavakanga vasina kutongoona kare, kunyange mukati mebindu, makerubhi, uye hurodze hune murazvo womwoto hwomunondo huri kuzvimoneredza humene nguva dzose. Murume nomukadzi havasati vaitongogona kupfuura izvozvi vari vapenyu ndokupinda mubindu!—Genesi 3:24.
3. Chii chakanga chaitika kuchinja migariro yavaviri vokutanga zvakomba kudaro?
3 Chiiko chakanga chaitika? Hachisi chakavanzika chakaoma kwazvo kunzwisisa zvokukatyamadza sayenzi kwezviuru zvamakore. Kunotsanangurwa zvakapfava. Murume wokutanga nomukadzi vaizowana kariro dzinoshamisa idzo basa raMwari rakaisa pamberi pavo pazuva ravo reroorano asi pamugariro wokuti ivo vateerere Baba vavo vokudenga munhau dukusa. Teerero yavo yakakwana yaifanira kuedzwa nerambidzo imwe yezvokudya: Ivo havafaniri kudya muchero wo“muti wezivo yechakanaka nechakashata.” (Genesi 2:16, 17, NW) Kana ivo vakaita saizvozvo mukurwisiana nemirairo yaMwari, vaizofa zvamazvirokwazvo. Izvozvo ndizvo izvo Adhama, somuporofita waMwari, akaudza mudzimai wake, chisikwa chiduku chohunhu. Asi nenzira inoshamisa, na·chashʹ iyoyo, nyoka iyoyo, yakaramba umazvokwadi hweizvo Mwari akanga audza Adhama munyevero Yake pamusoro pokudya “muti wezivo yechakanaka nechakashata” wakarambidzwa. Nyoka yakanyengera mukadzi kupinda mukudavira kuti kupunza mutemo waMwari ndokudya muchero wakarambidzwa kwaizoguma nokuva kwake akafanana naMwari ndokuita kuti azvimirire pana Mwari mukusarudza chiri chakanaka nechiri chakaipa.—Genesi 3:1-5.
Haisi Nhauro Yengano
4, 5. Muapostora Pauro anoratidza sei kuti nhauro yekunyengera kwenyoka mukadzi wokutanga yakanga isiri ngano?
4 Haidaviriki here? Inonzwika kuva yakafanana zvikuru nengano here, nhau yorungano isina kuvakirwa pamaidi uye nokudaro isingagamuchiriki kundangariro dzavakuru dzinoziva dzazvino uno here? Aiwa, kwete kumunyori anotova namabhuku anoraviwa zvikuru, munyori akavimbika, muapostora akasarudzwa chaizvo, uyo aiziva ururami hweizvo akanyora. Kuungano yamaKristu akura muguta rakachenjera mune zvenyika reKorinte, uyu muapostora Pauro akanyora, kuti: “Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Evha namano ayo, zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomwoyo kuri kuna Kristu.”—2 VaKorinte 11:3.
5 Pauro haasati aizotongonongedzera kurungano, ngano, uye kushandisa chinhu chokufungidzira chakadaro kusimbisa pfundo rake kuvaKorinte ivavo, avo vakanga vakasanorovedzana nengano dzorudzidziso rwechihedheni rwechiGiriki. Achinokora mashoko muMagwaro echiHebheru akafuridzirwa, ayo iye akazivisa kuva “shoko raMwari,” muapostora Pauro akasimbisa kuti “nyoka yakanyengera Evha namano ayo.” (1 VaTesaronika 2:13) Kupfuurirazve, pakunyorera mutariri wechiKristu akapiwa basa rokudzidzisa “mutoo wamashoko akanaka,” muapostora Pauro akati: “Adhama akatanga kuumbwa, ipapo Evha. Uyewo, Adhama haana kunyengedzwa, asi mukadzi akanyengedzwa chose ndokupinda mukudarika.”—2 Timotio 1:13; 1 Timotio 2:13, 14.
6. (a) Kudarikira Mwari kwaAdhama kwakasiana sei nokwomukadzi? (b) Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti mukadzi akanga asiri kuita nhau pamusoro penyoka?
6 Kunyengedzwa kwomukadzi nenyoka iidi, kwete ngano, sezvo zvirokwazvo miuyo yokudya kwake nokusateerera muchero wakarambidzwa ari maidi akasimba enhau. Pashure pokudarozvo kupinda mukudarikira Mwari, iye akanyengera murume wake kugoverana naye mukudya, asi kudya kwake kwakanga kusiri nemhaka yokuti iyewo akanyengedzwa chose. (Genesi 3:6) Nhauro yokuzvidavirira kwavo pashure kuna Mwari inoti: “Munhu akati: ‘Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.’ Jehovha Mwari akati kumukadzi: ‘Chinyiko icho chawaita?’ Mukadzi akati: ‘Nyoka yakandinyengera, ndikadya.’” (Genesi 3:12, 13) Mukadzi akanga asiri kuita nhau pamusoro pena·chashʹ, nyoka iyoyo, uye Jehovha Mwari haana kubata tsananguro yake sorungano, ngano. Iye akabata nenyoka iyoyo seyakanga yave iri chishandiso mukunyengerwa kwomukadzi kupinda mukudarikira Iye, Mwari wake noMusiki. Kwaizova kusina kufanira chiremera chaMwari kubata nenyokawo zvayo yengano.
7. (a) Nhauro yeBhaibheri inorondedzera sei kubata kwokutonga kwaMwari nenyoka? (b) Nyoka yakanyengera mukadzi wokutanga ingagona kutinyengerawo sei? (Batanidza tsinhiro dziri mumashoko omuzasi.)
7 Ichirondedzera kubata kwokutonga kwaMwari nenyoka iyoyo mubindu reEdheni, nhauro inoti: “Jehovha Mwari akati kunyoka: ‘Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura zvipfuwo zvose, nokupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako. Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irworwu rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.’” (Genesi 3:14, 15) Dare ripi neripi rine mufungo rinobata namaidi ndokuongorora ufakazi chaihwoihwo, kwete ngano. Jehovha Mwari akanga asiri kuzviita amene benzi, fuza, kupfurikidza nokunangidzira tongero yake yokutonga kunyoka yengano asi akanga achiita rutongeso pachisikwa chechokwadi, chiripo icho chakanga chine mutoro. Kwaizova, kwete kunosekesa, asi kunonzwisa tsitsi, kana nyoka imwe cheteyo ikatinyengera kupinda mukufunga kuti haina kutongovapo, kuti yaingova zvayo ngano, kuti yakanga isingazvidaviriri nokuda kwechakaipa chipi nechipi pasi pano.a
8. Rutongesoi rwakaita Mwari pamukadzi, uye nemiuyoi kuvanasikana vake navazukurukadzi?
8 Ichibata kutaura kwomukadzi uko kwakabatanidza nyoka seidi, chinyorwa pamusoro pomudzimai womurume chinoti: “Kumukadzi akati: ‘Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako; uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye uchava ishe wako.’” (Genesi 3:16) Hapana chinhu chakafanana naichochi chakanga chabatanidzwa muchikomborero chaMwari paroorano yake naAdhama apo Mwari akati kwavari: “Berekai, muwande, muzadze nyika.” (Genesi 1:28) Basa iroro rakakomborerwa kuvaroorani vakakwana vohunhu rakaratidzira pamuviri pakawanda nokuda kwomukadzi asi pasina marwadzo asina kufanira namarwadzo okubereka akakomba uye pasina kumudzvinyirira kwomurume. Rutongeso urwu rwakaziviswa pamudariki mukadzi rwaizotapura vanasikana vake navazukurukadzi kwechizvarwa pashure pechizvarwa.
Mutemo waMwari Unorumbidzwa Netongero Pana Adhama
9, 10. (a) Inyeveroi iyo Mwari akanga apa Adhama nenzira yakananga, uye ndeipi yaizova miuyo kudai Mwari akabatirira kuchirango chakadaro? (b) Rutongesoi rwakaita Mwari pana Adhama?
9 Migariro yakachinjwa zvakadini, kunyanguvezvo, mukadzi aifanira kugoverana nomurume uyo iye akanga anyengera kumukumbanira mukudarika? Kuuyu murume, Mwari akanga ati nenzira yakananga: “Kana uri muti wezivo yechakanaka nechakashata iwe hausati uchifanira kudya pauri, nokuti muzuva raunodya pauri uchafa zvamazvirokwazvo.” (Genesi 2:17, NW) Ko Mwari, Mutongi, aizoomerera kutongero yomugumo wakadaro nokuda kwokungodya chete kwaAdhama chidimbu chomuchero here? Funga nezveizvo kuitwa kwechirango chakadaro kwaizoreva! Iko kumene kwaizoparadza kariro iya inofadza iyo Adhama naEvha vakanga vava nayo pazuva ravo reroorano, kariro yokuzadza pasi rose navana vavo, dzinza romunhu rakakwana richigara norugare muparadhiso yapasi nokusingaperi muupwere husingagumi, muukama hune rugare naMwari wavo naBaba vokudenga! Zvirokwazvo, Mwari haasati aizokurira donzo rake amene rinoshamisa nokuda kworudzi rwomunhu uye nokuda kwomusha wapasi womunhu kupfurikidza nokushandisa norumano chirango chorufu pavabereki vohunhu vokutanga worudzi rwose rwomunhu! Asi teerera murairo woumwari wakanyorwa zvakajeka munhauro yeBhaibheri:
10 “Kumunhu akati: ‘Zvawakateerera inzwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti: “Usaudya,” zvino nyika yatukwa nemhosva yako; uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako; ichakuberekera minzwa noutumbambeva; iwe uchadya mirivo yomusango; uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira uchidzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.’”—Genesi 3:17-19.
11. Maidii pamusoro peteerero anoratidzira kufanira kworutongeso rwaMwari pana Adhama?
11 Rutongeso irworwo rwakareva kuitwa kwechirango chorufu pamunhu pasinei zvapo nemiuyo kudonzo raMwari rokuva neparadhiso yapasi yakazadzwa navarume navakadzi vakakwana vanogara pamwe chete norudo uye norugare uye vachirima nokusingaperi nokutarisira bindu reParadhiso rapasi rose. Murume akanga ateerera inzwi romudzimai wake panzvimbo peinzwi raMwari iro rakamuudza kusadya pa“muti wezivo yechakanaka nechakashata” wakarambidzwa. Uye kana iye amene asina kuteerera inzwi raMwari noMuiti wake, aizodzidzisa here nguva dzose vana vake kuita saizvozvo? Ko muenzaniso wake amene waizova pfundo rokutaura mukuvadzidzisa kuteerera Jehovha Mwari here?—Enzanisa na 1 Samueri 15:22.
12, 13. (a) Chivi chaAdhama chaizotapura sei vana vake? (b) Neiko Adhama asina kufanirwa nokurarama nokusingaperi muParadhiso kana kuti kunyange pasi pano zvapo?
12 Ko vana vaAdhama vaizokwanisa here kuchengeta mutemo waMwari zvakakwana, sezvo iye amene mukukwana kwake kwohunhu pane imwe nguva akanga akwanisa kuita saizvozvo? Kupfurikidza nokushanda kwemitemo yokugara nhaka, haasati here aizopa kuvana vake utera hwake nekombamiro zvokusateerera inzwi raMwari ndokuteerera rimwewo zvaro inzwi? Nhau yechokwadi inotigovera mhinduro kuiyi mibvunzo.—VaRoma 5:12.
13 Ko munhu akadaro uyo, nokuda chete kwechisikwa chomunhu, akabva pakuteerera kwakakwana kuna Mwari muratidziro yorudo rwakakwana nokuda kwaMwari akafanirwa here nokurarama nokusingaperi muParadhiso kana kuti kunyange pasi pano? Kwaizombova kwakakotsekana here kumurega achirarama pasi pano nokusingaperi? Ko kubvumirwa kwake kurarama nokusingaperi pasi pano mukudarika kwake kwaizorumbidza mutemo waMwari ndokuratidzira ruramisiro Yake yakakwana here, kana kuti kwaizodzidzisa here kusaremekedza mutemo waMwari ndokureva kuti shoko raMwari rakanga risingavimbiki?
Kudzingirwa Kunze Kwebindu reEdheni
14. Chinyorwa cheBhaibheri chinorondedzera sei kuita kwaMwari chiito pana Adhama nomudzimai wake?
14 Chinyorwa cheBhaibheri chinotiudza kuti Mwari akasarudza izvi zvinhu munzirai: “Jehovha Mwari akaitira munhu nomukadzi wake nguvo dzamatehwe, akavafukidza idzo. Zvino Jehovha Mwari akati: ‘Tarirai, munhu wava somumwe wedu sezvaanoziva zvakanaka nezvakaipa; zvino zvimwe ungatambanudza ruoko rwake akatorawo zvomuti woupenyu, akadya, akararama nokusingaperi.’ Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni, kuti arime ivhu raakatorwa kwariri. Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.”—Genesi 3:21-24.
15. (a) Mwari akaratidza sei kurangarirwa kwokunzwa manyadzi uko Adhama nomudzimai wake vakanzwa pakuva vasina kupfeka? (b) Vaviri vokutanga vakadzingirwa sei kunze kwebindu reEdheni? (c) Migariroi yakachinja yakatarisana naAdhama nomudzimai wake kunze kwebindu reEdheni?
15 Mutongi woumwari akaratidza rangariro nokuda kwokunzwa kwamanyadzi ayo vatadzi Adhama nomudzimai wake zvino vakanzwa pakuva vasina kupfeka. Nenzira yakati isingataurwi, iye akavagovera nguvo refu dzamatehwe kutsiva chifukidzo chechiuno chamashizha omuonde akasonerwa pamwe chete ayo vakanga vazviitira vamene. (Genesi 3:7) Nguvo dzamatehwe dzaizogara kwenguva refu zvikuru ndokuvapa dziviriro huru paminzwa noutumbambeva nezvimwe zvinhu zvinokuvadza kunze kwebindu reEdheni. Nemhaka yokuva nehana yakashata pashure pokutadza, ivo vakanga vaedza kuvanda chiono chaMwari pakati pemiti yebindu reEdheni. (Genesi 3:8) Zvino, pashure pokutongerwa, ivo vakatambura chimiro chakati chedzvinyiriro youmwari mukudzingirwa kunze kwebindu naMwari. Ivo vakadzingirwa kumabvazuva, uye nokukurumidza vakazviwana vamene vava kunze kwebindu, vadzingwa mariri nokusingaperi. Ivo havasati vaizoshandazve kukudza bindu iroro ndokuparadzira migariro yaro yeParadhiso kusvikira kumigumo yapasi. Kuvambira zvino zvichienda mberi, ivo vaizodya zvokudya zvakaitwa zvichibva mumiti yesango, asi hazvisati zvaizovatsigira nokusingaperi muupenyu hwohunhu. Ivo vakagurwa pa“muti woupenyu.” Pashure penguva yakati—kwenguva yakareba sei?—ivo vanofanira kufa!
Donzo Rapakuvamba raJehovha Harikundwi
16. Chii icho Mwari akanga asina kuronga kuita, uye nei?
16 Ko Mwari zvino akasarudza kuparadza pasi, pamwe chete nomwedzi nezuva nenyeredzi, mumwoto mukuru wapasi rose nemhaka yokuti izvi zvisikwa zviviri zvevhu zvakanga zvamutadzira here? Kudai iye aizoita chinhu chakadaro, ikoku hakusati kwaizoreva here kuti iye akanga akundwa mudonzo rake rine mbiri, zvose nemhaka yeizvo na·chashʹ yakanga yatanga? Ko nyokawo zvayo yaigona here kupunza donzo rose raMwari? Iye akanga aonesa donzo rake kuna Adhama naEvha pazuva reroorano yavo apo iye akavakomborera ndokuvaudza kwakanga kuri kuda kwake nokuda kwavo: kuzadzwa kwapasi pose nedzinza ravanhu rakakwana, pasi rose richidzorwa kusvikira kukukwana kwebindu reEdheni, uye rudzi rwose rwomunhu nenzira ine rugare ruchiva pasi parwo nezvipenyu zvose zvakaderera pasi pano nomumvura dzarwo. Chiono chinoshamisa chedonzo raMwari rakaitwa, gadziriro dzaro akanga aita namazuva matanhatu okusika ebasa muzviuru zvamakore zvenguva! Ko iri donzo rinorumbidzwa zvino raifanira kusiiwa risina kuzadzikwa nemhaka bedzi bedzi yenyoka nouipi hwavaroorani vokutanga vohunhu here? Nyangwe!—Enzanisa naIsaya 46:9-11.
17. Chii chakanga chasarudza Mwari kuita pamusoro pezuva rechinomwe, uye naizvozvo iri zuva richaguma sei?
17 Rakanga richiri zuva rokuzorora, zuva rechinomwe, raJehovha Mwari. Iye akanga asarudza kukomborera zuva iroro uye akanga aritsvenesa. Iye haasati aizorega chinhu chichiriita zuva rakatukwa, uye tuko ipi neipi yaizorongwa nomunhu upi noupi kuti iwire pazuva iroro rezororo rake aizoikurira ndokuiita chikomborero, achiita kuti zuva racho rigume rakomborerwa. Kwaizosiya pasi rose senzvimbo tsvene, kuda kwaMwari kuchiitwa pano pasi pano sezvakunoitwa mudenga, uye ikoku nedzinza ravanhu vakakwana.—Enzanisa naMateo 6:10.
18, 19. (a) Neiko vazukuru vanotambura vavaviri vohunhu vokutanga vanotadza vachigona kufara? (b) Imwe mitsetse yeNharireyomurindi ichakurukurei?
18 Mwari haana kukangaidzika. Iye haana kurega donzo rake. Iye akasarudza kuzvireverera amene soUyo akavimbika zvizere uyo anoita zvose zviri zviviri kuronga uye anoita zvizere chaanoronga, nembiri yose yakafanira kwaari amene. (Isaya 45:18) Vazukuru vasina kukwana, vanotambura vavaviri vokutanga vohunhu vanogona kufara ndokutarira mberi kukuita kwokutendeka kwaMwari donzo rake rapakuvamba nebetsero isingagumi kwavari. Mamireniyumu ezuva rake rokuzorora akatopfuura, uye rutivi rwokupedzisira rwezuva iro richava nechikomborero chake chaicho runofanira kuva rwava pedyo. “Madekwana” ezuva rake rokuzorora ava kupfuura, uye somumazuva matanhatu ose okusika akapfuura, “mangwanani” anofanira kusvika. Apo aya “mangwanani” anosvika kukukwana kwawo uye achionesa zvizere vaoni vose kuitwa kunoshamisa kwedonzo risingachinjwi raMwari, kuchava kunobvira kunyora, kuti: ‘Uye kwakava namadekwana uye kwakava namangwanani, zuva rechinomwe.’ Ikariro inoshamisa zvamazvirokwazvo!
19 Kwose ikoku kunofadza kufunga nezvako! Uye mumimwe mitsetse yeNharireyomurindi, zvakawanda zvichataurwa pamusoro pekariro dzinofadza dzeParadhiso dziri mberi dzavanhu vanoteerera, vadi vomutemo waMwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Pana Zvakazarurwa 12:9, Satani Dhiabhorosi anoziviswa se“nyoka yekare”; uye pana Johane 8:44, Jesu Kristu anotaura nezvake sa“baba venhema.”
Waizotii?
◻ Neiko vaviri vokutanga vohunhu vakarasikirwa nomusha wavo weParadhiso?
◻ Tinoziva sei kuti kunyengedzwa kwaEvha nenyoka kwakanga kusiri ngano?
◻ Itongeroi yakazivisa Mwari pamukadzi?
◻ Itongeroi yakazivisa Mwari pana Adhama, uye neiko iyoyi yakarumbidza mutemo waMwari?
◻ Neiko Mwari asina kukangaidzika pamusoro pedonzo rake rokuita kuti pasi rizadzwe navanhu vakakwana muParadhiso?