-
Nei Mwari Achibvumira Kutambura?Nharireyomurindi—2014 | January 1
-
-
Sophia: Horaiti. “Zvino nyoka ndiyo yakanga yakachenjera kupfuura mhuka dzose dzomusango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Naizvozvo yakati kumukadzi: ‘Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya miti yose yomumunda?’ Mukadzi akati kunyoka: ‘Tingadya hedu michero yemiti yomumunda. Asi kana kuri kudya muchero womuti uri pakati pomunda, Mwari akati, “Musaudya, kana kuubata kuti murege kufa.”’ Nyoka ikati kumukadzi: ‘Chokwadi hamungafi. Nokuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.’”
-
-
Nei Mwari Achibvumira Kutambura?Nharireyomurindi—2014 | January 1
-
-
Michelle: Ehe, zvakabuda pachena. Asi paivawo nezvakawanda zvaibatanidzwa pamashoko akataurwa naSatani. Tarisa zvakare pandima 5. Uri kuona here zvimwe zvakaudzwa Evha naSatani?
Sophia: Akati kana aizodya muchero wacho, maziso ake aizosvinudzwa.
Michelle: Ehe, uye kuti aizova ‘akafanana naMwari, achiziva zvakanaka nezvakaipa.’ Saka Satani akataura kuti Mwari ainyima vanhu chimwe chinhu chakanaka.
Sophia: Hoo nhai.
Michelle: Uye iyoyo yaitovawo nyaya yakakura zvikuru.
Sophia: Uri kurevei?
Michelle: Satani aireva kuti Evha, uyewo vanhu vose vaikwanisa kuva neupenyu hwakanaka vasingatongwi naMwari. Uye Jehovha aiziva kuti nzira yakanakisisa yekugadzirisa nayo nyaya yacho yaiva yekubvumira Satani kuti aratidze kana zvaaitaura zvaiva zvechokwadi. Saka Mwari akabvumira Satani kuti ambotonga nyika kwenguva yakati. Satani ndiye ari kutonga nyika ino, kwete Mwari, ndicho chikonzero nei tichiona kutambura kwakawanda mazuva ano.d Asi pane mashoko anofadza.
-