‘Yakanga Iri Nguvai?’
‘YAVA nguvai?’ Wakabvunza mubvunzo iwoyo kakawanda sei? Muzera redu razvino uno rokukurumidza, nguva dzose tinongwarira nguva. Mizhinjisa yemibato yedu yezuva nezuva—kumuka mumangwanani, kuenda kubasa, kuva nezvokudya zvedu, kusangana neshamwari, uye zvichingodaro—zvinodzorwa zvakanyanya nenguva. Uye tinotsamira pazvinhu zvakawanda—makiroko, wachi, zvinorira, nhepfenyuro—kuti zvitiudze kuti inguvai.
Zvakadiniko nomunguva dzeBhaibheri apo vanhu vakanga vasina wachi dzakafanana nedzedu? Vaiverenga sei nguva? Chinyorwa cheBhaibheri chinopa chiratidzo chipi nechipi chaikoku here? Kuziva nguva yezuva apo chinoitika cheBhaibheri chakati chakaitika kungakupa nzwisiso itsva muShoko raMwari ndokuwedzera farikanyo kufundo yako yeBhaibheri.
Zvinoratidzira Nguva Zvakapiwa naMwari
Mumazuva apakuvamba nguva yechinoitika yairatidzirwa kazhinji kazhinji kupfurikidza nokucherechedza zuva kana kuti mwedzi, “zviedza zvikuru zviviri” izvo Musiki akanga aisa mumatenga “kuti zviparadzanise masikati nousiku.” (Genesi 1:14-16) Somuenzaniso, pakanga pari apo “utonga [hwakanga] huchitsvuka” apo ngirozi mbiri dzakakurudzira Roti nemhuri yake kutiza guta rakashurikidzwa reSodhoma. (Genesi 19:15, 16) Uye yakanga iri “nguva yamadekwana” apo mubatiri akatendeka waAbrahama akasvika patsime paakasangana naRebheka.—Genesi 24:11, 15.
Panhambo nenhambo, kududzwa kwakananga zvikuru kwenguva kunopiwa. Somuenzaniso, Abhimereki, mwanakomana ane masimba masimba woMutongi Gidheoni, akapiwa zano rokuti avhozhokere guta reShekemi “mangwanani, zuva richangobuda.” (Vatongi 9:33) Sezviri pachena pakanga pane chikonzero chounyanzvi seri kwaikoku. Kutoya kwezuva riri kubuda shure kwamauto aAbhimereki kunofanira kuva kwakakuita kuti kuome zvikuru kuti vadziviriri veShekemi vacherechedze mauto anodenha mu“mimvuri yamakomo.”—Vatongi 9:36-41.
Kutaurwa Kwenguva Kwokufananidzira
VaHebheru vaishandisa kutaura kuri zvose zviri zviviri kune mashoko akajeka naanofadza kuratidzira nguva. Iwo haatipi bedzi murangariro wemhoteredzo yomunzvimbomo netsika asi anozivisawo chimwe chinhu pamusoro pemigariro yechiito chacho.
Somuenzaniso, Genesi 3:8 inotiudza kuti kwakanga kwo“tonhorera madekwana” apo Jehovha akataura kuna Adhama naEvha pazuva ravakatadza. Ikoku kunonzwisiswa kuva pedyo nokunyura kwezuva apo mhepo inotonhorera yaisimuka, ichiunza zororo mukupisa kwezuva. Kazhinji kazhinji, sezvo zuva rinoswedera kumugumo waro, inguva yokufaranuka nokuzorora. Bva, Jehovha haana kurega nhau yokutonga yakakomba ichinonoka kusvikira kuzuva rinotevera apo kwakanga kuchine nguva yokuitarisira.
Pane rumwe rutivi, Genesi 18:1, 2 inoratidza kuti ngirozi dzaJehovha dzakauya kutende raAbrahama paMamre “zuva richipisa.” Fungidzira zuva ramasikati makuru richipisa pamusoro muzvikomo zveJudhea. Kupisa kwacho kwaigona kuva kwakakomba. Yakanga iri nguva yenguva dzose yokuva nezvokudya nokuzorora. (Ona Genesi 43:16, 25; 2 Samueri 4:5.) Naizvozvo, Abrahama akanga “agere pamukova wetende,” apo pangava nokufefetera kwemhepo, zvichida achizorora pashure pezvokudya zvake. Tinogona kunzwisisa zvikuru kwazvo mutsa wouyu murume akura apo tinorava kuti “akamhanya kundosongana” navashanyi uye ipapo “akakurumidza kupinda mutende” kuti audze Sara kuti agadzire chingwa, pashure pako “akamhanyira kumombe” ndoku“kurumidza kuigadzira.” Kwose ikoku mukupisa kwezuva!—Genesi 18:2-8.
Maawa Ousiku avaHebheru
Sezviri pachena vaHebheru vaikamura usiku kuva nhambo nhatu, dzinonzi “kurinda.” Imwe neimwe yaifukidza chikamu chimwe chezvitatu chenguva iri pakati pokunyura kwezuva nokubuda kwezuva, kana kuti anenge maawa mana, kuchitsamira pamwaka. (Pisarema 63:6, NW) Pakanga pari “pakutanga kwokurinda kwapakati pousiku,” kwaivambira panenge pa 10 usiku kusvikira panenge pa 2 mumangwanani, apo Gidheoni akaita kudenha kwake pamusasa wavaMidhiani. Kudenha panguva iyoyi nenzira yakajeka kwakavhundutsa chose chose varindiri. Zvirokwazvo, Gidheoni akangwara aisagona kuva akasarudza imwe nguva yakanaka zvikuru nokuda kwokudenha kwake!—Vatongi 7:19, NW.
Panguva yaEksodho, Jehovha “akadzinga gungwa nemhepo ine simba yakabva mabvazuva usiku hwose,” kuchibvumira vaIsraeri kuyambuka panyika yakaoma. Panguva apo vaEgipita vakavasvikira, kwakanga kwatova “kurinda kwamangwanani,” uye Jehovha akanyonganisa musasa wavaEgipita, achivaparadza pakupedzisira kupfurikidza nokuunza mvura “kwakare kwoedza.” (Eksodho 14:21-27) Naizvozvo kwakatora hunodokuva usiku hwose kuti gungwa rikamuke uye kuti vaIsraeri vayambuke vachipfuura nomariri.
Muzana Rokutanga Ramakore
Pakasvika zana rokutanga ramakore, vaJudha vakanga vagamuchira kuverengwa kwamaawa 12 kuzuva. Ichochi ndicho chikonzero nei mumumwe wemienzanisiro yake, Jesu akati: “Nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here?” (Johane 11:9) Idzodzi dzaiverengwa kubva pakubuda kwezuva kusvikira kukunyura kwezuva, kana kuti kuvambira panenge pa 6 mumangwanani kusvikira pa 6 mumanheru. Nokudaro, “nguva yechitatu” (NW) yaizova inenge 9 mumangwanani. Pakanga pari panguva iyoyi pazuva rePentekosta apo mudzimu mutsvene wakadururwa. Apo vanhu vakapomera vadzidzi kuti “vaguta waini itsva,” Petro akakurumidza kugumisa pomero yacho. Zvirokwazvo hapana munhu aizova adhakwa panguva iyeyo yamangwanani-ngwanani!—Mabasa 2:13, 15.
Nenzira yakafanana, kutaura kwaJesu kwokuti “zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwowakandituma” kunowana revo yakawedzerwa patinorangarira nguva inobatanidzwa. “Yaiva nguva inenge yechitanhatu,” mukuwirirana naJohane 4:6, kana kuti inenge nguva yamasikati makuru. Pashure pokufamba nomunyika ine makomo yeSamaria mangwanani ose, Jesu navadzidzi vake vaizova nenzara nenyota. Ndicho chakanga chiri chikonzero nei vadzidzi vakamukurudzira kudya apo vakadzokera nezvokudya. Vaisatongoziva simba nezvokudya izvo Jesu aigamuchira mukuita basa raJehovha. Pasina panikiro kutaura kwaJesu kwakanga kuchipfuura kutaura kwokufananidzira. Iye chaizvoizvo aitsigirwa kupfurikidza nokuita basa raMwari kunyange zvazvo kwaifanira kuva kwakanga kwapera maawa chifo chokunge adya.—Johane 4:31-34.
Sezvo kubuda kwezuva nokunyura kwezuva zvaisiana mukuwirirana nenguva yegore, kazhinji kazhinji nguva inenge bedzi yechinoitika yakapiwa. Nokudaro, kazhinji kazhinji tinorava nezvezvinoitika zvichiitika paawa yechitatu, yechitanhatu, kana kuti yechipfumbamwe—kuchiwanzoreva kuti panenge panguva idzodzo. (Mateo 20:3, 5; 27:45, 46; Marko 15:25, 33, 34; Ruka 23:44; Johane 19:14; Mabasa 10:3, 9, 30) Zvisinei, apo nguva yakanga ichikosha kunhauro yacho, kutaurwa kwakananga zvikuru kwenguva kwakapiwa. Somuenzaniso, kumurume akanga achidisa kuziva kana mwanakomana wake akava nani chaizvoizvo kupfurikidza nesimba raJesu, varanda vakapindura kuti: “Zuro nenguva yechinomwe [inenge 1 kiroko mumasikati] fivhiri yakabva kwaari.”—Johane 4:49-54.
Zvikamu Zvousiku
Pakasvika nguva youdzori hweRoma, vaJudha vanoratidzika kuva vakanga vagamuchira chikamu chechiGiriki nechechiRoma chousiku kuva kurinda kuna panzvimbo pokutatu kwavaichimboshandisa. Pana Marko 13:35, sezviri pachena Jesu akanongedzera kuzvikamu zvacho zvina. Kurinda kwa“madeko” kwaivambira pakunyura kwezuva kusvikira panenge pa 9 mumanheru. Kurinda kwechipiri, kurinda kwa“pakati pousiku”, kwaivamba panenge pa 9 ndokuguma pakati pousiku. “Kurira kwehuku” kwaifukidza kuvambira pakati pousiku kusvikira panenge pa 3 kiroko. Uye kurinda kwokupedzisira, “mangwanani” kwaipera mambakwedza, kana kuti panenge pa 6 kiroko.
Kurinda kwo“kurira kwehuku” ndokwefariro chaiyo nemhaka yamashoko aJesu kuna Petro ari pana Marko 14:30, anoti: “Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.” Nepo vamwe vatsinhiri vachitaura kuti “kaviri” kanonongedzera kunhambo mbiri chaidzo dzenguva—pakati pousiku namambakwedza, zvakatsaukana—A Dictionary of Christ and the Gospels, rakapepetwa naJames Hastings, rinoratidzira kuti “chaizvoizvo majongwe anorira mukati mousiku, muMabvazuva sokumwewo, panguva dzisati dziri dzenguva dzose kuvambira pakati pousiku zvichienda mberi.” Sezviri pachena, Jesu akanga asiri kunongedzera kunguva chaiyo apo Petro aizomuramba. Panzvimbo pezvo, iye akanga ari kupa chiratidzo chokuratidzira mashoko ake kuna Petro, ayo akazadzikwa zvakarurama usiku ihwohwo humene.—Marko 14:72.
Yakanga iri “nguva [yokurinda, NW] yechina yousiku”—pakati pa 3 na 6 mumangwanani—apo Jesu, achifamba pamusoro pemvura yeGungwa reGarirea, akauya kuvadzidzi vake, avo vakanga vari muigwa “rakanga rava pakati pegungwa.” Zvichida, kuri nyore kunzwisisa chikonzero nei vadzidzi “vakamanikidzwa, vachiti madzimudzangara, vakadanidzira nokutya.” (Mateo 14:23-26) Pane rumwe rutivi, ikoku kunoratidza kuti Jesu anofanira kuva akapedza nguva yakati achinyengetera ari oga mugomo. Sezvo ikoku kwakanga kuri nokukurumidza pashure pokunge Johane Mubhapatidzi agurwa musoro naHerodhe Antipasi uye pamberi chaipo pePaseka, iyo yairatidzira kutanga kwegore rokupedzisira roushumiri hwapasi hwaJesu, zvirokwazvo Jesu akanga ane zvakawanda zvokufungisisa pazviri mumunyengetero wake womunhu oga kuna Baba.
Pamwe chete nokurinda kuna, kuverenga maawa 12 enguva yousiku kwaishandiswawo. Kuti vaperekedze Pauro zvakakotsekana kuKesaria, mutungamiriri wamauto Kraudhio Risia akaudza vashandi vake kuti vagadzirire uto ravarwi 470 “nenguva yechitatu yousiku.” (Mabasa 23:23, 24) Nokudaro Pauro akabudiswa zvakakotsekana akavanzwa nousiku muJerusarema.
Ziva Nguva Yezuva
Kurava nokufungisisa nhauro dzezvakaitika pakati pavanhu vaMwari vakare manyuko omufaro nesimba romudzimu. Kana uchigona kubatanidza nguva mukurangarira kwako, zvamazvirokwazvo kuchawedzera mufaro wefundo yako yeBhaibheri. Neiko kwakadaro? Nemhaka yokuti nenzira iyoyi unogona kusanoziva nezveShoko raMwari. Zvinyorwa zvakafanana naInsight on the Scriptures neNew World Translation of the Holy Scriptures With References iyamuro dzinokosha zvikuru muna ikoku (ose ari maviri akabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.). Izvo zvichakubetsera kuti uwane mhinduro apo unozvibvunza umene, kuti: ‘Yakanga iri nguvai?’