-
Jehovha “Muzivisi Wezvinhu Zvakavanzika”Nharireyomurindi—2012 | June 15
-
-
4. Mbeu yomukadzi ndivanani, uye ichaita sei?
4 Kupanduka kuchangoitika muEdheni, Jehovha akavimbisa kuti “mukadzi” aizova “nomwana” kana kuti mbeu.a (Verenga Genesisi 3:15.) Mbeu iyoyo yaizopwanya musoro wenyoka, Satani. Jehovha akazozivisa kuti mbeu yacho yaizouya nokuna Abrahamu, yaizova yerudzi rwaIsraeri, dzinza raJudha, uye mwana waMambo Dhavhidhi. (Gen. 22:15-18; 49:10; Pis. 89:3, 4; Ruka 1:30-33) Wokutanga pambeu iyoyo ndiKristu Jesu. (VaG. 3:16) Vamwe vembeu iyoyo inhengo dzakazodzwa dzeungano yechiKristu. (VaG. 3:26-29) Jesu nevakazodzwa ava vanoumba Umambo hwaMwari, huchashandiswa naMwari kupwanya Satani.—Ruka 12:32; VaR. 16:20.
5, 6. (a) Dhanieri naJohani vanotaura nezvehurumende ngani dzine simba kupfuura dzimwe? (b) Misoro yechikara chomuna Zvakazarurwa inomirirei?
5 Uprofita hwokutanga hwakapiwa muEdheni hwakataurawo kuti Satani aizovawo nembeu. Mbeu yake yaizoratidza ruvengo kumbeu yomukadzi. Mbeu yenyoka ndivanani? Vaya vose vanotevedzera Satani pakuvenga Mwari uye pakupikisa vanhu vake. Kubvira pakutanga, Satani akaronga mbeu yake kuti ive masangano ezvematongerwo enyika kana kuti umambo. (Ruka 4:5, 6) Zvisinei, panongova neumambo hushoma hwakanyatsorwisa vanhu vaMwari, verudzi rwaIsraeri kana kuti ungano yevaKristu vakazodzwa. Nei izvozvo zvichikosha? Nokuti zvinotibatsira kunzwisisa nei uprofita hwaDhanieri nehwaJohani huchingotaura umambo husere chete hwaiva nesimba pane humwe.
-
-
Jehovha “Muzivisi Wezvinhu Zvakavanzika”Nharireyomurindi—2012 | June 15
-
-
7. Musoro wechikara wokutanga unomirirei uye nei tichidaro?
7 Musoro wokutanga wechikara chacho unomirira Ijipiti. Nei tichidaro? Nokuti panyika dzaiva nesimba pane dzimwe, Ijipiti ndiyo yakatanga kuratidza ruvengo pavanhu vaMwari. Vazukuru vaAbrahamu, kwaizobva mbeu yakapikirwa yomukadzi, vakatanga kuwanda muIjipiti. Ijipiti yakabva yatanga kuvadzvinyirira. Satani akaedza kutsakatisa vanhu vaMwari mbeu yacho isati yasvika. Sei? Nokukurudzira Farao kuti aparadze vana vechikomana vose vevaIsraeri. Jehovha akaita kuti izvozvo zvisabudirire, akasunungura vanhu vake muIjipiti. (Eks. 1:15-20; 14:13) Nokufamba kwenguva akazoita kuti vaIsraeri vagare muNyika Yakapikirwa.
8. Musoro wechipiri unomirira umambo hupi, uye hwakaedza kuitei?
8 Musoro wechikara wechipiri unomirira Asiriya. Umambo uhwu hwaiva nesimba hwakaedzawo kutsakatisa vanhu vaMwari. Ichokwadi kuti Jehovha akashandisa Asiriya kuranga umambo hwemadzinza gumi nemhaka yokunamata kwahwo zvidhori uye kupandukira. Zvisinei, Asiriya yakazorwisa Jerusarema. Zvimwe Satani aiva nechinangwa chokuparadza dzinza raizouya naJesu. Jehovha ainge asina chinangwa chokuti Asiriya irwise Jerusarema, uye akaita chishamiso chokununura vanhu vake vakatendeka nokuparadza vaAsiriya ivavo.—2 Madz. 19:32-35; Isa. 10:5, 6, 12-15.
-
-
Jehovha “Muzivisi Wezvinhu Zvakavanzika”Nharireyomurindi—2012 | June 15
-
-
13 Jehovha akaita kuti Umambo hweMedhiya nePezhiya hukunde Bhabhironi, hukadzorera vaIsraeri kunyika yavo, uye izvozvo zvakazadzisa uprofita. (2 Mak. 36:22, 23) Asi, umambo ihwohwo hwakazopotsa hwatsakatisa vanhu vaMwari. Bhuku reBhaibheri raEsteri rine nhoroondo yezvainge zvarongwa nemumwe mukuru mukuru wePezhiya, ainzi Hamani. Akaronga kutsvaira vaJudha vose vaiva muUmambo hwePezhiya uye akasarudza zuva raaizotsakatisa rudzi irworwo. Asi Jehovha akapindira, uye vanhu vake vakadzivirirwazve paruvengo rwembeu yaSatani. (Est. 1:1-3; 3:8, 9; 8:3, 9-14) Saka zvakakodzera kuti Medhiya nePezhiya ifananidzwe nemusoro wechina wechikara chemuna Zvakazarurwa.
-
-
Jehovha “Muzivisi Wezvinhu Zvakavanzika”Nharireyomurindi—2012 | June 15
-
-
16. Antiochus IV akaitei?
16 Girisi payakakunda Pezhiya, yakatonga nyika yevanhu vaMwari. Panguva iyoyo vaJudha vainge vava kugarazve muNyika Yakapikirwa uye vavakazve temberi muJerusarema. Vainge vachiri vanhu vakasarudzwa naMwari, uye temberi yavainge vavakazve yainge ichiri muzinda wokunamata kwechokwadi. Zvisinei, muzana remakore rechipiri B.C.E., Girisi, musoro wechikara wechishanu, yakarwisa vanhu vaMwari. Antiochus IV, mumwe wevakanga vava kutonga chikamu cheumambo hwakasiyiwa naAlexander, akaisa atari yechihedheni munzvimbo yetemberi yomuJerusarema uye akati munhu wose aiita zvechitendero chechiJudha aifanira kurangwa nokuurayiwa. Chokwadi urwu rwaiva ruvengo rusingaiti rwembeu yaSatani! Zvisinei, pasina nguva Girisi yakakundwa nehumwe umambo. Saka inyika ipi yaizova musoro wechikara wechitanhatu?
-
-
Jehovha “Muzivisi Wezvinhu Zvakavanzika”Nharireyomurindi—2012 | June 15
-
-
17. Musoro wechitanhatu wakanyanya kuzadzisa Genesisi 3:15 pakudii?
17 Roma ndiyo yainge yava kutonga, Johani paakaratidzwa chikara. (Zvak. 17:10) Musoro uyu wechitanhatu ndiwo wakanyanya kuzadzisa uprofita huri pana Genesisi 3:15. Satani akashandisa vakuru vakuru veRoma kuti vakuvadze mbeu, vachiipwanya “chitsitsinho.” Vakazviita sei? Vakatonga Jesu nezvaaipomerwa zvenhema kuti aipandukira uye vakaita kuti aurayiwe. (Mat. 27:26) Asi chitsitsinho chacho chakapora nokuti Jehovha akamutsa Jesu.
18. (a) Jehovha akasarudza rudzi rutsva rupi uye nemhaka yei? (b) Mbeu yenyoka yakaramba ichiratidza sei ruvengo kumbeu yemukadzi?
18 Vatungamiriri vechitendero chevaIsraeri vakabatana neRoma kurwisa Jesu uye ruzhinji rwerudzi rwacho rwakamuramba. Saka, Jehovha akaramba rudzi rwechiIsraeri. (Mat. 23:38; Mab. 2:22, 23) Akabva asarudza rudzi rutsva, “Israeri waMwari.” (VaG. 3:26-29; 6:16) Rudzi irworwo rwaiva ungano yevaKristu vakazodzwa vaisanganisira vaJudha nevanhu vemamwe marudzi. (VaEf. 2:11-18) Pashure pokufa uye kumutswa kwaJesu, mbeu yenyoka yakaramba ichiratidza ruvengo kumbeu yemukadzi. Kanopfuura kamwe chete, Roma yakaedza kutsakatisa ungano yechiKristu, kureva vamwe vembeu yakapikirwa.c
-
-
Jehovha “Muzivisi Wezvinhu Zvakavanzika”Nharireyomurindi—2012 | June 15
-
-
a Mukadzi uyu anomirira sangano raJehovha rakaita somudzimai, rezvisikwa zvomudzimu zvokudenga.—Isa. 54:1; VaG. 4:26; Zvak. 12:1, 2.
-
-
Jehovha “Muzivisi Wezvinhu Zvakavanzika”Nharireyomurindi—2012 | June 15
-
-
c Kunyange zvazvo Roma yakaparadza Jerusarema muna 70 C.E., izvozvo zvaisava kuzadziswa kwaGenesisi 3:15. Panguva iyoyo, vaIsraeri vainge vasisiri rudzi rwakasarudzwa naMwari.
-