Basa Romukadzi muMagwaro
“Iyeyu uchanzi Mukadzi, nemhaka yokuti iyeyu wakatorwa pamurume.”—GENESI 2:23, NW.
1, 2. (a) Vamwe vanhu vanofunga kuti Bhaibheri rinorangarira sei vakadzi? (b) Kuva vakarurama, kuenzanisai kunofanira kuitwa, uye rimwe bhuku renongedzero rinotaurei?
MAGWARO Matsvene anorangarira sei vakadzi? Mifungo pana ikoku inosiana. Rimwe bhuku remisi ichangobva kupfuura iyi panhau yacho rinoti: “Mufungo wakagamuchirwa kare wemisi ichangobva kupfuura iyi ndewokuti Bhaibheri rakazvidza vakadzi.” Vamwe vanhu vanotaura kuti mumativi aro ose ari maviri rwechiHebheru nerwechiGiriki, Bhaibheri rinoomesera vakadzi. Ikoku ndokwechokwadi here?
2 Kuva vakarurama, kwakafanira kutanga kunzvera kuti vakadzi vaibatwa sei munguva dzeBhaibheri pakati pavanhu vakanga vasinganamati Jehovha. Mudzimwe pepuko dzekare dzaishandisa kunamata mai-mwarikadzi, vakadzi vaikudzwa sezviratidzo zvoruzvaro. Vanoratidzika kuva vaikudzwa zvikuru muBhabhironia neEgipita. Asi kune dzimwe nzvimbo vairarama zvakanaka zvishomanene. MuAsiria yakare murume aigona kuramba mudzimai wake paaida uye kunyange kumuuraya kana akanga asina kutendeka. Ari kunze kwomusha, aifanira kupfeka chifukidziro. MuGirisi neRoma, vakadzi vakapfuma bedzi, vazhinji vavo vaiva pfambi, kana kuti mahure apamusoro, vaigona kuwana dzidzo uye vaifarikanya mwero wakati worusununguko. Nokudaro, kunozorodza kurava muThe New International Dictionary of New Testament Theology,a kuti: “Mukusiana nenyika yose yasara (yorudzidziso) yokumabvazuva, iye [mukadzi muMagwaro echiHebheru] anozivikanwa somunhu uye somukwanyina womurume.” Ikoku kunosanotaurwa mubhuku rokupedzisira raMagwaro echiHebheru, umo muporofita waJehovha anorondedzera mudzimai womurume so“mukwanyina” wake, achiwedzera, kuti: “Kurege kuva nomumwe unonyengera mukadzi woujaya hwake.”—Maraki 2:14, 15, NW.
Akasikwa Somukwanyina Womurume
3 namashoko omuzasi. (a) Pashure pokusika Adhama, Jehovha akamupa migovei yebasa? (b) Kunyange zvazvo akanga asati ava nomudzimai, chii chaiva chokwadi nezvaAdhama pamberi pokusikwa kwaEvha, uye chii chakanga chiriwo chechokwadi nezva“Adhama wokupedzisira,” Jesu?
3 Mukuwirirana neBhaibheri, Jehovha akasika Adhama “kubva muguruva revhu” ndokumuisa mubindu reEdheni, kuti aririme. Mwari akaunza zvikara zvomusango nezvisikwa zvinobhururuka kuna Adhama kuti agogona kuzvidzidza ndokuzvipa mazita. Mukati menguva ipi kana ipi yakwakatorera Adhama kuita ikoku, akanga ari oga. Nokuda kwemigove yaakanga agamuchira kubva kuna Jehovha kusvikira panguva ino, akanga akakwana, akazara, asingashaiwi chinhu.b Akanga “asina mubetseri somukwanisi wake.”—Genesi 2:7, 15, 19, 20, NW.
4, 5. (a) Pakwakanga kusichinazve kunaka kuti Adhama apfuurire ari oga, Jehovha akaitei? (b) Mugovei wenguva refu uyo Jehovha akapa kuna Adhama naEvha, uye ikoku kwaizodei kuvose vari vaviri?
4 Zvisinei, pashure pokunge nguva yakati yapfuura, Jehovha akazivisa kuti kwakanga “kusina kunaka kuti murume apfuurire ari oga,” uye iye akapfuurira kugovera Adhama shamwari yokugoverana nayo mumabasa akanga ari mberi. Iye akaradzika Adhama, akabvisa imwe yembabvu dzake, uye akaivakira mumukadzi, ‘pfupa ramapfupa aAdhma nenyama yenyama yake.’ Zvino Adhama aizova no“mubetseri,” “mukwanisi,” kana kuti mukwanyina. “Uyezve, Mwari akavakomborera uye Mwari akati kwavari: ‘Berekai muwande ndokuzadza pasi ndokuririma, uye dzorai hove dzose dzegungwa nezvisikwa zvinobhururuka mumatenga nechisikwa chiri chose chipenyu chinofamba pamusoro papasi.’”—Genesi 1:25, 28; 2:18, 21-23, NW.
5 Cherekedza kuti uyu mugove wakapiwa “kwavari,” kuvose vari vaviri murume nomukadzi. Kushanda kwavo pamwe chete kwaisazoganhurirwa kukuzadza pasi. Kwaizobatanidzawo kurimwa kwapasi nokushandiswa kwoudzori hwakafanira pazvisikwa zvose zvakaderera. Kwaizoda mavara oungwaru neomudzimu, uye vose vari vaviri murume nomukadzi vakanga vane bviro iri madikanwa yokukudziridza iwaya mutsinhirano nokuda kwaMwari.
Basa Rine Mufungo Romukadzi
6. (a) Bhaibheri rinoratidzirei pamusoro pesimba romuviri rine mwero romurume neromukadzi? (b) Vamwe vakadzi vangaita sei zvakanaka kurangarira kuti vagamuchire gadziriro yaJehovha yezvinhu?
6 Chokwadika, kurima pasi kwaizodawo simba romuviri. Muuchenjeri hwake husina kuganhurirwa, Jehovha akatanga kusika Adhama, tevere Evha. Iye akasikwa “achibva kumurume,” “wakasikirwa murume,” uye sezviri pachena nesimba shoma romuviri pane murume. (1 Timotio 2:13; 1 VaKorinte 11:8, 9; enzanisa na 1 Petro 3:7.) Iri iidi roupenyu iro vatsigiri vazhinji vavakadzi, uye vamwe vakadziwo, vanoratidzika kuva vane chinetso mukugamuchira. Zvamazvirokwazvo vaizofara zvikuru kana vakaedza kunzwisisa chikonzero nei Jehovha akaronga zvinhu neiyi nzira, nokudaro vachigamuchira basa ravo rakapiwa naMwari. Vanhu vanonyunyuta pamusoro pegadziriro dzaMwari vangaenzaniswa neshiri inoimba zvakaisvonaka usiku inogara mudendere rayo nemhaka yokuti haina kusimba zvikuru sezvakaita shiri huru yomugungwa, panzvimbo pokubhururukira kubazu rakakwirira ndokuimba mukuonga nokuda kwezvipo zvechienzi izvo Mwari akaipa.
7. Neiko Adhama aikwanisa zvakanaka kushandisa umusoro pana Evha navana vapi navapi vaizoberekwa, asi ikoku kwaiva kukukuvadzwa kwaEvha here?
7 Evha asati asikwa, pasina panikiro Adhama akawana ruzivo rwokuzviwanira rwakawanda mukurarama. Mukati meiyi nguva, Jehovha akamupa miraidzo yakati. Adhama aifanira kupfuudzira iyoyi kumudzimai wake, nokudaro achishanda somutauriri waMwari. Nenzira ine mufungo, iye aifanira kuva akatungamirira munhau dzose dzaiva nechokuita nokunamata nemibato youmwari izvo vaifanira kuita vachirangarira kupedza mugove wavo. Apo vana vaizoberekwa, iye aizova musoro wemhuri. Asi ikoku kwaisazova kukukuvadzwa kwomudzimai wake. Panzvimbo pezvo, kwaizova kukubetserwa kwake nemhaka yokuti aizova nomumwe munhu wokumutsigira apo aizoshandisa chiremera chake chakapiwa naMwari pavana vake.
8. Inhevedzanoi yezvinhu youmwari yakarongwa muBhaibheri?
8 Mukuwirirana nenhevedzano youmwari yezvinhu, Adhama aiva nomutoro kuna Jehovha, Evha akanga ari pasi poumusoro hwaAdhama, vana vapi navapi vaizova munhungamiro yavabereki vavo, uye mhuka dzakanga dziri pasi porudzi rwomunhu. Murume nomukadzi vakanga vane mabasa avo akatsaukana, uye mumwe nomumwe aigona kurarama upenyu hunofadza nohunobudirira. Nokudaro, ‘zvinhu zvose zvaigona kuitika nenzira yakanaka uye mukuwirirana nenhevedzano.’—1 VaKorinte 11:3; 14:33, 40, NW, mashoko omuzasi.
Chivi Chakashatisa Basa Romukadzi
9, 10. Chii chaiva miuyo yokuwira muchivi nokuda kwomurume nomukadzi, uye ikoku kwakaguma nechii nokuda kwavakadzi vazhinji?
9 Nenzira yomuzvarirwo, kuvhozhokera kwechivi nokusakwana muParadhiso yapakuvamba kwakashatisa iyi gadziriro ine nhevedzano yezvinhu. (VaRoma 7:14-20) Kwakaunzira nhamo murume anopandukira nomudzimai wake asingateereri. (Genesi 3:16-19) Kubvira ipapo, varume vazhinji vane udyire vakashandisa zvisina kufanira umusoro hwavo hune maruramiro, kuchiunzira vakadzi kutambura kukuru mumazera ose.
10 Achideya kuona uyu muuyo wakati wechivi, Jehovha akati kuna Evha: “Kuda kwako kuchava kwomurume wako, iye uchava ishe wako.” (Genesi 3:16) Uku kudzora kwakaipa kwave kusati kuri kushandiswa kwakafanira kwoumusoro. Kwakaratidzira mugariro wokutadza womurume uyewo kusakwana kwomukadzi, nokuti pane dzimwe nguva vakadzi vakatambura nemhaka yokuti vakaedza kubvuta chiremera chavarume vavo.
11. Chii chiri chokwadi nezvavakadzi vazhinji, uye mumwe munyori akanyorei pamusoro pavakadzi munguva dzamadzitateguru?
11 Asi kusvikira kutambanuko iyo nheyo dzeBhaibheri dzakanamatirwa kwadziri, vakadzi vazhinji vakawana gutsikano nomufarwa. Ikoku kwakanga kwakadaro kunyange munguva dzamadzitateguru. Achitaura nezvenhambo iyoyo mubhuku rake La Bible au Féminin (Bhaibheri Muboka Rechikadzi), munyori Laure Aynard anonyora, kuti: “Chakatanhamara zvikurukuru munhauro idzi dzose ibasa rinokosha rinoitwa navakadzi, mukurumbira wavo mumeso amadzitateguru, kutanga kuita zvinhu kwavo kwokushinga, uye mugariro worusununguko umo ivo vaigara.”
Vakadzi muMutemo waMosesi
12, 13. (a) Chii chakanga chiri mugariro wavakadzi muMutemo waMosesi? (b) Vakadzi vairarama sei nenzira yomudzimu muMutemo?
12 Mukuwirirana nemitemo yaJehovha yakapiwa kupfurikidza naMosesi, vadzimai vaifanira “kudikanwa.” (Dheuteronomio 13:6) Chiremera chavadzimai chaifanira kuremekedzwa munhau dzevatano, uye hakuna mukadzi aifanira kushandiswa zvisina kufanira muvatano. (Revhitiko 18:8-19) Varume navakadzi vakanga vakaenzana pamberi poMutemo kana vakawanikwa vane mhaka youpombwe, vatano yehama dzokunyama, kana kuti kuvatana nemhuka. (Revhitiko 18:6, 23; 20:10-12) Murairo wechishanu waida kuti rukudzo rwakaenzana rupiwe kuna baba namai.—Eksodho 20:12.
13 Kupfuura zvose, Mutemo wakagovera vakadzi banza rakazara rokukudziridza umudzimu hwavo. Vaibetserwa nokuraviwa kwoMutemo. (Joshua 8:35; Nehemia 8:2, 3) Vaidikanirwa kuchengeta mitambo yorudzidziso. (Dheuteronomio 12:12, 18; 16:11, 14) Vaigoverana muSabata revhiki nevhiki uye vaigona kuita mhiko yechiNaziri. (Eksodho 20:8; Numeri 6:2) Vakanga vane ukama hwomunhu oga naJehovha uye vainyengetera kwaari somunhu oga.—1 Samueri 1:10.
14. Chii icho imwe nyanzvi yeBhaibheri yeKaturike yakataura pamusoro pavakadzi vechiHebheru, uye chii chinogona kutaurwa pamusoro pebasa ravakadzi muMutemo?
14 Ichitsinhira pamusoro pavakadzi vechiHebheru, nyanzvi yeKaturike yeBhaibheri Roland de Vaux inonyora, kuti: “Basa rose rakaoma pamusha zvamazvirokwazvo raiwira kwaari; aitarisira mapoka amakwai, aishanda muminda, aibika zvokudya, airuka, uye zvichingodaro. Iri basa rakaoma rose riri pachena, zvisinei, kure nokuderedza mugariro wake, rakamuwanira kurangarirwa. . . . Uye zvikamu zvechienzi izvozvo zvinotipa rumbonera mukuva pedyo kwoupenyu hwemhuri zvinoratidza kuti mudzimai wechiIsraeri aidiwa uye aiteererwa nomurume wake, uye aibatwa naye somuenzani. . . . Uye hapana panikiro kuti uyu wakanga uri mugariro wenguva dzose. Yaiva ratidziro yokutendeka yedzidziso yakachengetwa seinoyera muna Genesi, umo Mwari anotaurwa kuva akasika mukadzi somukwanyina anobetsera womurume, uko iye aifanira kunamatira kwaari (Gen. 2:18, 24); uye ganhuro yokupedzisira yaZvirevo inoimba rumbidzo dzomudzimai wapamba akanaka, anokomborerwa navana vake, uye rudado rwomurume wake (Zvi 31:10-31).” (Ancient Israel—Its Life and Institutions) Nenzira isingapanikirwi, apo Mutemo wakateverwa muna Israeri, vakadzi havana kubatwa nenzira yakaipa.
Vakadzi Vakatanhamara
15. (a) Mufambiro waSara unoenzanisira sei ukama hwakafanira pakati pomurume nomudzimai wake? (b) Neiko chinoitika chaRakabhi chakafanirwa necherekedzo?
15 Magwaro echiHebheru ane mienzaniso mizhinji yavakadzi vakanga vari vabatiri vakatanhamara vaJehovha Mwari. Sara anogovera muenzanisiro wakaisvonaka wokuti mukadzi woumwari anogona sei panguva imwe cheteyo kuva anozviisa pasi pomurume wake naanomubetsera mukuita zvisarudzo. (Genesi 21:9-13; 1 Petro 3:5, 6) Chinoitika chaRakabhi chinokosha. Chinoratidza pomero yokuti Jehovha anofungira mano akaipa rudzi uye anoomesera vakadzi kuva yenhema. Rakabhi akanga ari hure risiri rechiIsraeri. Jehovha haana kumugamuchira bedzi somunamati asi nemhaka yokutenda kwake kukuru, kwaitsigirwa namabasa kubatanidza chinjo yamararamire, iye akamururamisa. Mukuwedzera, iye akamutusa neropafadzo yechienzi yokuva mukarekadzi waMesia.—Mateo 1:1, 5; VaHebheru 11:31; Jakobho 2:25.
16. Muenzaniso waAbhigairi unoenzanisirei, uye neiko nzira yake yechiito yakaruramiswa?
16 Chinoenzanisira kuti Jehovha haadi kuti mudzimai azviise pasi pomurume wake nenzira youpofu ndichinoitika chaAbhigairi. Murume wake akanga ari munhu akapfuma, ane mapoka makuru amakwai nembudzi. Asi akanga “ane hasha uye akaipa mumiitiro yake.” Abhigairi akaramba kutevera murume wake munzira yake yakaipa. Achiratidza uchenjeri, pfungwa yakanaka, kuzvininipisa, uye kukurumidza kufunga, iye akadzivisa mugariro waigona kuve wakava une ngwavaira nokuda kwemhuri yake, uye akakomborerwa zvikuru naJehovha.—1 Samueri 25:2-42, NW.
17. (a) Iropafadzoi yakatanhamara iyo vamwe vakadzi vakava nayo muna Israeri? (b) Muenzaniso waMiriami une chidzidzoi nokuda kwavakadzi vechiKristu avo vangapiwa maropafadzo akati ebasa?
17 Vakadzi vashomanene vakanga vatori vaporofitakadzi. Chakadaro chakanga chiri chinoitika naDhebhora, mukati menguva yaVatongi. (Vatongi, ganhuro 4 ne 5) Hurdha akanga ari muporofitakadzi muna Judha, chinguvana pamberi poruparadziko rweJerusarema. (2 Madzimambo 22:14-20) Chinoitika chaMiriami chakafanirwa nokucherekedzwa. Kunyange zvazvo achitaurwa nezvake somuporofitakadzi, akatumwa naJehovha, sezviri pachena iyi ropafadzo yakamuita kuti azvitutumadze pane imwe nhambo. Akakundikana kuziva chiremera icho Jehovha akanga apa hanzvadzi yake duku Mosesi chokutungamirira Israeri, uye akarangwa nokuda kwako, kunyange zvazvo sezviri pachena iye akapfidza uye akadzorerwa.—Eksodho 15:20, 21; Numeri 12:1-15; Mika 6:4.
Vakadzi muchiJudha
18, 19. Chii chakanga chiri mugariro wavakadzi muchiJudha, uye iwoyu wakaitika sei?
18 Sezvataona, Mutemo waMosesi wakadzivirira maruramiro avakadzi uye, pawaiteverwa, waibvumira vakadzi kurarama upenyu hunogutsa. Asi sezvo nguva yaipfuura, zvikurukuru pashure poruparadziko rweJerusarema muna 607 P.N.V., kwakavamba rudzidziso rwechiJudha, rwakavakirwa zvikuru pamagamuchidzanwa anotaurwa kupfuura paMutemo wakanyorwa waJehovha. Kuvambira muzana ramakore rechina P.N.V. zvichienda mberi, chiJudha chakagamuchira uzivi uzhinji hwechiGiriki. Zvikurukuru vazivi vechiGiriki vaipa ngwariro duku kumaruramiro avakadzi, naizvozvo kwakaitika kuderera kunowirirana mumugariro wavakadzi mukati mechiJudha. Kuvambira muzana ramakore rechitatu P.N.V., vakadzi vakavamba kuparadzaniswa navarume mumasinagoge echiJudha uye vaisakurudzirwa kurava Torah (Mutemo waMosesi). Encyclopaedia Judaica inobvuma, kuti: “Somuuyo vakadzi vashomanene vakanga vakadzidza.” Dzidzo yakanga iri zvikurukuru nokuda kwavakomana.
19 Mubhuku rake rinonzi Jerusalem in the Time of Jesus, J. Jeremias anonyora, kuti: “Zvinhu zvose zvarangarirwa, chimiro chavakadzi mumutemo worudzidziso chinoratidzirwa zvakanakisisa muaya mashoko anodzokororwa adzokororwazve: ‘Vakadzi, varanda (Vamarudzi) navana.’ . . . Tingawedzera kuzvose izvozvi kuti kwakanga kune mifungo mizhinji inozvidza yakataurwa pavakadzi. . . . Naizvozvo tine murangariro wokuti chiJudha munguva yaJesu chakangawo chine mufungo wakaderera zvikuru wavakadzi.”
Vakadzi Vakatendeka Avo Vakanga Vachimirira Mesia
20, 21. (a) Pasinei zvapo nechimiro chokuzvidza chavatungamiriri vorudzidziso vechiJudha kuvakadzi, ndivanaani vaifanira kuwanika pakati paavo vaisvinurira sezvo nguva yaMesia yakanga ichiswedera pedyo? (b) Chii chinoratidza kuti Erisabhete naMaria vakanga vane kuzvipira kwoumwari kukuru?
20 Ichi chimiro chokuzvidza kuvakadzi chakanga chiri imwe nzira iyo vanarabhi vechiJudha ‘vakaita kuti shoko raMwari risakoshe kupfurikidza negamuchidzanwa ravo.’ (Marko 7:13) Asi pasinei zvapo nouku kuzvidza, sezvo nguva yokuuya kwaMesia yaisvika, vamwe vakadzi voumwari vakanga vakasvinurira nenzira yokungwarira. Mumwe waivava akanga ari Erisabhete, mudzimai womuprista wechiRevhi Zakaria. Iye nomurume wake vakanga “vakarurama pamberi paMwari nemhaka yokufamba vasina chavanopomerwa mukuwirirana nemirairo yose nezvinodikanwa zvapamutemo zvaJehovha.” (Ruka 1:5, 6, NW) Erisabhete aidiwa naJehovha mukuti, kunyange zvazvo akanga asingabereki uye akwegura zvikuru, iye akava mai vaJohane Mubhapatidzi.—Ruka 1:7, 13.
21 Asundwa nomudzimu mutsvene, Erisabhete akaratidzira rudo rukuru nokuda kwomumwe mukadzi woumwari wezuva rake, hama yokunyama yainzi Maria. Apo, panenge pamugumo wa 3 P.N.V., ngirozi Gabrieri yakazivisa Maria kuti aizonamba mwana (Jesu) nenzira yenenji, yakamuti, “Wakakomborerwa zvikuru,” ichiwedzera, kuti: “Jehovha anewe.” Nokukurumidza pashure pacho, Maria akashanyira Erisabhete, uyo akamukomborera iye nomwana asati aberekwa waakanga akatakura, achidana Jesu kuti “Ishe” wake kunyange asati aberekwa. Pana ikoko, Maria akataura rumbidzo kuna Jehovha iyo inopa chipupuriro chakajeka kukuzvipira kwake kwoumwari kukuru.—Ruka 1:28, 31, 36-55, NW.
22. Pashure pokuberekwa kwaJesu, mukadzi upi anotya Mwari akaratidza kuti akanga ave ari pakati paavo vaimirira Mesia?
22 Apo Jesu akaberekwa uye Maria akamuunza kutembere muJerusarema kuzomupa kuna Jehovha, mumwe mukadzi anotya Mwari, muporofitakadzi akwegura Ana, akaratidzira mufaro wake. Iye akadzorera kuonga kuna Jehovha ndokutaura pamusoro paJesu kuvose vaimirira nokudisa Mesia akapikirwa.—Ruka 2:36-38.
23. Muapostora Petro anotaura sei nezvavakadzi vakatendeka vapamberi pechiKristu, uye mibvunzoi ichanzverwa munyaya inotevera?
23 Nokudaro, sezvo nguva youshumiri hwapasi hwaJesu yakasvika, kwakanga kuchine “vakadzi vatsvene avo vakanga vachikarira muna Mwari.” (1 Petro 3:5, NW) Vamwe vaava vakadzi vakava vadzidzi vaKristu. Jesu akavabata sei? Uye nhasi kune vakadzi vanogamuchira nokufara basa ravo sezvarakarongwa muBhaibheri here? Mibvunzo iyoyi ichanzverwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Volume 3, peji 1055.
b “Adhama wokupedzisira,” Jesu Kristu, nenzira yakafanana akanga ari munhu akakwana, akazara, kunyange zvazvo akanga asina mudzimai wohunhu.—1 VaKorinte 15:45.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Kubatwa kwavakadzi muna Israeri kunosiana sei nouko kwomune dzimwe nyika?
◻ Ndedzipi dzaiva nzvimbo dzine mwero dzaAdhama naEvha, uye nei?
◻ Mugariroi uyo vakadzi vechiIsraeri vaiva nawo muMutemo, uye vakanga vasina betsero mumudzimu here?
◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvidzidzo zvinofanira kudzidzwa muupenyu hwavakadzi vakatanhamara muMagwaro echiHebheru?
◻ Mienzanisoi yakaisvonaka yokutenda inogona kuwanikwa pasinei zvapo nemirangariro iri muchiJudha?
[Bhokisi riri papeji 10]
“MUKADZI ANOTYA JEHOVHA”
“10 Ndianiko ungawana mukadzi unoita zvakanaka? Nokuti mutengo wake unokunda kwazvo mutengo wamaparera. 11 Mwoyo womurume wake unomutenda, naiye haangashaiwi fuma. 12 Unoitira murume wake zvakanaka, haamuitiri zvakaipa mazuva ose oupenyu hwake. 13 Unotsvaka mvere norushinda, achibata namaoko ake nomufaro. 14 Wakafanana nezvikepe zvavatengesi; unondotora zvokudya zvake kure. 15 Unomuka huchiri usiku, nokupa mhuri yake zvokudya, navashandiri vake basa ravo. 16 Unorangarira munda, ndokuutenga; unosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake. 17 Unozvisunga chiuno nesimba, nokusimbisa maoko ake. 18 Unoona kuti kushambadzira kwake kwabatsira; mwenje wake haudzimi usiku. 19 Unotambanudzira ruoko rwake kune chokurukisa; maoko ake anobata chinorukwa. 20 Unotambanudzira murombo ruoko rwake; unotandavadzira unoshaiwa maoko ake. 21 Haatyi chando pamusoro peimba yake, nokuti mhuri yake yose yakafuka nguvo tsvuku. 22 Unozviitira mitsamiro inoukomba; nguvo yake mucheka wakaisvonaka nomutsvuku. 23 Murume wake unozivikanwa pamasuo eguta, kana agere pakati pavakuru venyika. 24 Unoita zvokufuka zvomucheka achizvitengesa, unovigira vatengesi zvisungo zvezviuno. 25 Simba nokukudzwa ndizvo zvokufuka zvake; unoseka kana achifunga nguva inouya. 26 Unoshamisa muromo wake nouchenjeri; rurimi rwake runodzidzisa nounyoro. 27 Unotarira zvakanaka kufamba kwemhuri yake, asingadyi zvokudya zvousimbe. 28 Vana vake vanomuka, vachimuti: Vakaropafadzwa; nomurume wakewo unomurumbidza, achiti: 29 Vakunda vazhinji vakaita zvakanaka, asi iwe unovakunda vose. 30 Zvinofadza zvinonyengedzera, unaki hauna maturo; asi mukadzi unotya Jehovha, ndiye unofanira kurumbidzwa. 31 Chimupai zvakafanira zvaakabata namaoko ake; mabasa ake ngaamurumbidze pamasuo eguta.”—Zvirevo 31:10-31.
[Mufananidzo uri papeji 8, 9]
Nzvimbo yomukadzi mumhuri yakanga ine chiremera