Upenyu Hutsva Nokuda Kwavakare Vedu
SHOKO raMwari, Bhaibheri, rinodzidzisa here kuti munhu ari wose anopfuurira zviri nyore kuenda kuupenyu hunopfuuridzwa munzvimbo yavadzimu parufu? Aiwa, haridaro. Bhaibheri rinopa tariro inoshamisa youpenyu pashure porufu, asi kwete munzira iyo vazhinji vanofunga kuti rinodaro.
Rangarira chinotaurwa neBhaibheri pamusoro pomukare wedu wokutanga, Adhama. Jehovha akamuumba “neguruva revhu.” (Genesi 2:7) Adhama akanga ane mukana wokurarama nokusingaperi mumufarwa pasi pano. (Genesi 2:16, 17) Zvisinei, akapandukira Musiki wake ane rudo, uye mugumisiro wacho wakanga uri rufu.
Adhama akaenda kupi parufu? Mwari akati kwaari: “Uch[a]dzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.”—Genesi 3:19.
Adhama aiva kupi Jehovha asati amusika neguruva? Aisavapo. Akanga asipo. Naizvozvo apo Jehovha akataura kuti Adhama aizo“dzokera kuvhu,” aigona kuve akareva bedzi kuti Adhama aizovazve asina upenyu, kungofanana neguruva. Adhama haana ‘kuyambukira’ kuti anova baba wokutanga wenyika yavakare yemidzimu. Haana kupfuurira kuupenyu hweparadhiso mudenga kana kuti kukutambura kusingagumi munzvimbo yokutambudza. Chinjo bedzi yaakaita yakanga iri kubva kuupenyu kuenda kukusava noupenyu, kubva mumugariro wokuvapo kuenda kuuyo wokusavapo.
Zvakadiniko navasara vose verudzi rwomunhu? Vazukuru vaAdhama vanogumawo kuvapo parufu here? Bhaibheri rinopindura, kuti: “Zvose [zvose zviri zviviri vanhu nemhuka] zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu.”—Muparidzi 3:19, 20.
Mugariro Wavakafa
Hungu, vakafa havana upenyu, havagoni kunzwa, kuona, kutaura, kana kuti kufunga. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, . . . Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo.” Bhaibheri rinotaurawo, kuti: “Hakune basa kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori [guva] kwaunoenda.”—Muparidzi 9:5, 6, 10.
Maererano neShoko raMwari, naizvozvo, apo vanhu vanenge vari vapenyu, vanoziva rufu. Apo rufu runoitika, zvisinei, hapana chavanoziva. Havamiri parutivi pechitunha chavo vamene, vachicherekedza chinoitwa kwachiri. Mukusavapo hamuna mufarwa kana kuti kurwadziwa, hamuna mufaro kana kuti kusuwa. Avo vakafa havazivi kupfuura kwenguva. Wavo mugariro wokusaziva mukuru zvikuru kupfuura hope dzipi nedzipi.
Jobho, mubatiri waMwari munguva dzakare, aiziva kuti vanhu vaisapfuurira kurarama pashure porufu. Iye akanzwisisawo kuti pasina kupindira kwaMwari, paisazova netariro yokuva mupenyu zvakare. Jobho akati: “Munhu unofa, akaparara hake; zvirokwazvo munhu unorega kufema, zvino uripiko? [Iye] unovata pasi, akasamukazve.” (Jobho 14:10, 12) Zvirokwazvo Jobho haana kukarira kuti apo aizofa aizokumbanira vakare vake munyika yemidzimu.
Tariro Yorumuko
Sezvo vapenyu vachiguma kuvapo parufu, mubvunzo unokosha ndouyo Jobho akamutsa apo akapfuurira kubvunza, kuti: “Kana munhu achinge afa, ungararamazve here?” Jobho amene akapa mhinduro iyi: “Ndaimirira hangu mazuva ose okutambudzika kwangu [nguva yomuguva], kusvikira kusunungurwa kwangu kuchisvika. Maizodana [Jehovha], ini ndikakupindurai; maishuva basa ramaoko enyu.”—Jobho 14:14, 15.
Namamwe mashoko, kunyange zvazvo Jobho aizopinda mukusavapo, Mwari aisazomukanganwa. Jobho aitenda kuti nguva yaizouya apo Jehovha Mwari aizomu“dana” kudzokera kuupenyu kupfurikidza norumuko.
Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari, akaratidza kuti tariro yaJobho murumuko yakanga iri yechokwadi. Jesu akabvumikisa kuti vakafa vanogona kumutswa. Seiko? Kupfurikidza nokukuita! Akanga asipo kuti amutse Jobho, asi paaiva pasi pano Jesu akamutsa mwanakomana weimwe chirikadzi yomuguta reNaini. Jesu akamutsirawo kuupenyu mwanasikana ane makore 12 okukura womurume ainzi Jairosi. Uye akamutsa shamwari yake Razaro, uyo akanga akafa kwamazuva mana.—Ruka 7:11-15; 8:41, 42, 49-56; Johane 11:38-44.
Mukuwedzera kukuita izvi zvishamiso, Jesu akataura nezverumuko rukuru rwomunguva yemberi. Iye akati: “Nguva inouya, nayo vose vari mumahwiro vachanzwa inzwi rake, vachabuda.” (Johane 5:28, 29) Gare gare, muapostora Pauro, uyo Jehovha akashandisa kumutsa rimwe jaya duku, akataurawo rudaviro murumuko rwomunguva yemberi. Iye akati: “Ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.”—Mabasa 20:7-12; 24:15.
Nongedzero dzapaMagwaro kurumuko rwomunguva yemberi hadzina chokuita noupenyu hunopfuuridzwa munzvimbo yomudzimu. Dzinonongedzera kunguva apo mamiriyoni avakafa achadzokera kuupenyu mumiviri yenyama pasi pano chaipo. Avo vanomutswa havasati vachizova vanhu vasina yeuko youpenyu hwavo hwekare pasi pano. Havasati vachizoberekwazve savacheche. Panzvimbo pezvo, vachava vanhu vamwe chetevo vavaiva apo vakafa, vaine yeuko dzimwe chetedzo nounhu. Vachazivikanwa kwavari vamene uye kuna vamwe. Uchava mufaro wakadini sezvo ava vanhu vanokumbanirazve shamwari dzavo nemhuri! Uye kuchava kunofadza sei kusangana navakare vedu!
Rumuko Kuupenyu Mudenga
Jesu haana here kutaura kuti vamwe vaizoenda kudenga? Hungu, akadaro. Pausiku hwakatangira kuurawa kwake, akati: “Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; . . . ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozouyazve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapowo.” (Johane 14:2, 3) Jesu akanga ari kutaura navaapostora vake vakatendeka, asi mashoko ake haarevi kuti vanhu vose vanoenda kudenga.
Jesu akaratidza kuti avo vanomutsirwa kudenga vanofanira kusvitsa zvinodikanwa kunze kwokungorarama upenyu hwakanaka. Chinodikanwa chimwe kuva nezivo yakarurama yaJehovha nezvinangwa zvake. (Johane 17:3) Zvimwe zvinodikanwa kutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu uye kuteerera Mwari. (Johane 3:16; 1 Johane 5:3) Chimwezve chinodikanwa ku“berekw[a] kutsva” somuKristu akabhapatidzwa akaberekwa nomudzimu mutsvene waMwari. (Johane 1:12, 13; 3:3-6) Chimwe chinodikanwa nokuda kwoupenyu hwomudenga kutsungirira sezvakaita Jesu, achibvumikisa kutendeka kuna Mwari kunyange kusvikira kurufu.—Ruka 22:29; Zvakazarurwa 2:10.
Pane chikonzero nokuda kwezvinodikanwa zvakakwirira kudaro. Avo vanomutsirwa kudenga vane basa rinokosha rokuita. Jehovha aiziva kuti hurumende dzavanhu hadzaitombogona nenzira inobudirira kutarisira zvinhu papasi. Naizvozvo akaita gadziriro yehurumende yokudenga, kana kuti Umambo, hwaizotonga pamusoro porudzi rwomunhu. (Mateo 6:9, 10) Jesu aizova Mambo woUmambo ihwohwo. (Dhanieri 7:13, 14) Vamwe vakasarudzwa pasi ndokumutsirwa kudenga vaizotonga naye. Bhaibheri rakafanotaura kuti ava vanomutswa vaizova “umambo navaprista kuna Mwari wedu, uye va[izo]tonga samadzimambo pamusoro pepasi.”—Zvakazarurwa 5:10, NW.
Nhamba huru yavanhu yaizosvitsa zvinodikanwa nokuda kworumuko rwomudenga here? Aiwa. Neisati iri mhaka yavo vamene, vakawanda zvikurusa vaavo vavete murufu havakwanirisi. Vakawanda vakava nemukana muduku kana kusava nawo wokudzidza zvokwadi pamusoro paJehovha nezvinangwa zvake. Vakararama ndokufa vasina zivo ipi neipi yaJesu Kristu kana kuti yoUmambo hwaMwari.
Jesu akadana avo vaizoenda kudenga kuti “kapoka kaduku.” (Ruka 12:32) Gare gare kwakaziviswa kuti nhamba yaavo “vakadzikinurwa vachibva panyika” kuti vatonge naKristu mudenga yaizova 144 000. (Zvakazarurwa 14:1-3; 20:6) Nepo 144 000 iri nhamba huru zvokukwana “nzvimbo zhinji dzokugara” Jesu akanongedzera kwadziri, iduku apo inoenzaniswa namabhiriyoni avanhu vakabva kuna Adhama.—Johane 14:2.
Zviitiko Zvinotangira Rumuko Rwapasi
Ngatihwirudzurei zvatakurukura kusvikira pano. Maererano neBhaibheri, avo vanofa havana upenyu murufu kusvikira vamutswa naJehovha Mwari. Vamwe vanomutsirwa kuupenyu mudenga, uko vachatonga naJesu Kristu muhurumende yoUmambo. Vanhu vakawanda vachamutsirwa pasi pano, kuti vave vadzorwi voUmambo ihwohwo.
Kumwero wakati kupfurikidza norumuko rwapasi, Jehovha achazadzika chinangwa chake nokuda kwapasi. Jehovha akarisika kuti ri“garwe.” (Isaya 45:18) Rakanga richizova musha wechigarire worudzi rwomunhu. Nokudaro, wezvamapisarema akaimba, kuti: “Kudenga-denga ndiko kudenga-denga kwaJehovha; asi pasi wakapa vanakomana vavanhu.”—Pisarema 115:16.
Kumutsirwa kuupenyu pasi pano kusati kwakavamba, chinjo huru dzinofanira kuitika. Sezvinobvira uchabvuma kuti chakanga chisiri chinangwa chaMwari kuti pasi rizadzwe nehondo, shatiswo, utsotsi, uye masimba masimba. Izvi zvinetso zvinoparirwa navanhu vasingaremekedzi Mwari nemitemo yake yakarurama. Naizvozvo, Umambo hwaMwari hucha“paradz[a] avo vanoparadza pasi”—nhano huru mukuparira kuda kwake pasi pano. (Zvakazarurwa 11:18) Umambo huchaparadza vanhu vose vakaipa, huchisiya vakarurama kuti vararame papasi nokusingaperi.—Pisarema 37:9, 29.
Paradhiso Pasi Pano
Avo vanomutswa papasi rakacheneswa vachava vanhu vanyoro, vanoitira hanya avo vanoita zvakarurama. (Enzanisa naMateo 5:5.) Mutarisiro yorudo yoUmambo hwaMwari, vachararama upenyu hunofadza muchengeteko. Bhaibheri rinopa uku kufanoonwa kunoshamisa kwemamiriro ezvinhu ayo achatekeshera panguva iyoyo: “[Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.
Hungu, pasi richashandurwa kuva paradhiso. (Ruka 23:43) Chimbofunga kuti ikoko kucharevei! Zvipatara nemisha yokuchengetwa hazvichazovipo chose. MuParadhiso, avo zvino vanotambudzwa netapuro dzoukweguru vachava vakasimba navakagwinya zvakare. (Jobho 33:25; Isaya 35:5, 6) Hakusati kuchizova nedzimba dzamariro, nzvimbo dzamakuva, uye matombo amakuva. Kupfurikidza noUmambo hwake, Jehovha ucha“paradza rufu nokusingaperi.” (Isaya 25:8) Zvikomborero zvakadaro zvinogona zvirokwazvo kureva upenyu hutsva nokuda kwedu uye nokuda kwavakare vedu.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Avo vanomutsirwa pasi pano vachava vadzorwi voUmambo