-
“Kutsungirira Ngakupedze Basa Rakwo”Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2016 | April
-
-
12. Tinodzidzei pane zvakaitwa nemakerubhi airinda munda weEdheni?
12 Makerubhi. Muenzaniso wakaratidzwa nedzimwe ngirozi dzakatanga kuonekwa nevanhu unogona kutibatsira kutsungirira patinenge tapiwa basa rakaoma. Jehovha Mwari “akaisa makerubhi kumabvazuva kwomunda weEdheni nebakatwa raibvira moto richitenderera nguva dzose kurinda nzira yaienda kumuti woupenyu.”[2] (Gen. 3:24) Zviri pachena kuti makerubhi aya akanga asina kusikirwa kuti aite basa iri nekuti chivi nekupanduka kwevanhu zvakanga zvisiri muchinangwa chaJehovha. Kunyange zvazvo makerubhi ari ngirozi dzine chinzvimbo chepamusoro, hapana patinoverenga panotaura kuti akambogunun’una achiti basa racho ranyanya kuita repasi pasi. Haana kumbofinhikana kana kurega basa racho. Asi akaramba achiteerera achiita basa rawo uye akatsungirira kusvikira aripedza. Zvimwe akazopedza basa iri pakaitika Mafashamo pashure pemakore anopfuura 1 600!
-
-
“Kutsungirira Ngakupedze Basa Rakwo”Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2016 | April
-
-
^ [2] (ndima 12) Bhaibheri haritauri kuti paiva nemakerubhi mangani aiita basa iri.
-