RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Kunyange Zvazvo Iye Akafa, Achiri Kutaura”
    Nharireyomurindi—2013 | January 1
    • Kana aifungidzira kudaro akanga akatorasika. Uyewo, kana Adhamu naEvha vaiudza Kaini zvavaifungira izvozvo paaikura, vakatoita kuti kuzvikudza kwake kuzomuipira. Nekufamba kwenguva, Evha akabereka mwanakomana wechipiri, asi havana kuzomupa zita rairatidza kuzvikudza. Vakamutumidza kuti Abheri, zvinogona kureva kuti “Chinhu chisina maturo.” (Genesisi 4:2) Zita ravakamupa rairatidza kuti vaimutarisira pasi, zvichiita sokuti vaisava netariro pana Abheri kupfuura zvavaiita Kaini here? Hatizivi hedu, asi pamwe ndizvo.

  • “Kunyange Zvazvo Iye Akafa, Achiri Kutaura”
    Nharireyomurindi—2013 | January 1
    • Kaini naAbheri pavaikura, Adhamu anofanira kunge akavadzidzisa kuita mabasa aifanira kuitwa kuitira kuti mhuri yavo iwane chokubata. Kaini akava murimiasi Abheri akava mufudzi wemakwai.

  • “Kunyange Zvazvo Iye Akafa, Achiri Kutaura”
    Nharireyomurindi—2013 | January 1
    • Abheri aiva nenguva yekufunga nezvaJehovha. Ita seuri kumuona achifudza boka rake remakwai. Basa rokufudza makwai raida kuti munhu afambe zvikuru. Aiatungamirira nemuzvikomo, nemumipata, achiyambuka nzizi, uye aigara achitsvaka uswa hwakasvibira, matsime akanaka okuti makwai anwe mvura, uye nzvimbo dzakanaka dzine mimvuri dzokuti makwai azororere. Pazvisikwa zvose zvaMwari, makwai aiita sokuti ainyanya kuda kubatsirwa, aitoita sokuti akasikirwa kuti atungamirirwe uye adzivirirwe nevanhu. Abheri aizviona here kuti iye aidawo kutungamirirwa, kudzivirirwa uye kutarisirwa naMwari ane uchenjeri hwakakura uye ane simba zvikuru kupfuura chero munhu? Hapana mubvunzo kuti aitaura pfungwa dzakadaro paainyengetera, uye zvakaita kuti kutenda kwake kurambe kuchikura.

      Zvinhu zvakasikwa zvakaita kuti Abheri ave nokutenda kwakasimba muMusiki ane rudo

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe