-
Kuda Mwari Kunorevei?Nharireyomurindi—1996 | June 15
-
-
Ivo vakadzidza kuti vabereki vavo vakanga vasikwa vakakwana uye kuti chinangwa chapakuvamba chaJehovha chakanga chiri chokuti vanhu vararame nokusingaperi. Sezvingabvira Adhama naEvha vakarondedzera kwavari bindu rakaisvonaka reEdheni, uye nenzira yakati ivo vaifanira kutsanangura nei vakanga vadzingwa mumusha weparadhiso wakadaro. Kaini naAbheri vangavawo vakaziva nezvouporofita hwoumwari hwakanyorwa pana Genesi 3:15. Nouporofita ihwohwo Jehovha akataura chinangwa chake chokururamisa zvinhu munguva yakafanira nokuda kwebetsero yeavo vanomuda uye vanobvumikisa kuva vakavimbika kwaari.
Kudzidza pamusoro paJehovha namavara ake kunofanira kuva kwakadyara muna Kaini naAbheri chishuvo chenyasha dzaMwari. Naizvozvo ivo vakasvika Jehovha kupfurikidza nokupa zvipiriso kwaari. Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Zvino nguva yakati yapfuura, Kaini akauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha. NaAbheriwo akauya namakwayana ake emhongora namafuta awo.”—Genesi 4:3, 4.
-
-
Kuda Mwari Kunorevei?Nharireyomurindi—1996 | June 15
-
-
Nei Jehovha akaramba chibayiro chaKaini? Pakanga pane chimwe chinhu chakaipa nokunaka kwechipiriso chake here? Jehovha akagumburwa nemhaka yokuti Kaini akapa “zvibereko zvevhu” panzvimbo pechibayiro chemhuka here? Kwete hazvo. Gare gare, Mwari nenzira inofadza akagamuchira zvipiriso zvezviyo uye zvimwe zvibereko zvevhu zvakabva kuvakawanda vavanamati vake. (Revhitiko 2:1-16) Sezviri pachena, ipapoka, pakanga pane chimwe chinhu chakaipa nomwoyo waKaini. Jehovha aigona kuziva mwoyo waKaini ndokumunyevera, kuti: “Watsamwirei? Chiso chako chakawunyana nei? Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuvandira pamukova; zvichakutsvaka.”—Genesi 4:6, 7.
-