Kupa Zvibayiro Zvinogamuchirwa naJehovha
PANE imwe nguva munhau, chiitiko chinoshamisa chaigona kuoneka panzira yokupinda nayo mubindu reEdheni yokumabvazuva.a Ipapo, makerubhi akasimba akamira akarindira, kuoneka kwawo kwaityisa kuchiratidza zvakajeka kuti hapana aifanira kumboita chivindi chokupfuura. Chaityisa zvakafanana waiva munondo womurazvo womoto waitenderera, uyo ungangodaro waibudisa kupisa kwaityisa pedyo nemiti yakanga yakapoteredza usiku. (Genesi 3:24) Sokushamisa kwazvingangodaro zvaiita, vanhu chero vapi zvavo vaiona vakatambira kure.
Kaini naAbheri vangatova vakashanyira nzvimbo yacho kakawanda. Zvavakanga vazvarwa naAdhama naEvha kunze kwebindu, vaigona bedzi kungofungidzira kuti zvakanga zvakaita sei kurarama muParadhiso, sezvakamboitwa nevabereki vavo, neuswa hwayo hwakasvibira, hwakanyatsodiridzirwa nemichero nemirivo zvakawanda. Zvino zvishomanene zvaigona kuonekwa muEdheni pasina mubvunzo zvakanga zvava kuita sezvisina kusakurirwa uye zvakurisa.
Adhama naEvha chokwadi vakanga vatsanangurira vana vavo chikonzero nei bindu racho rakanga risiri kutarisirwa uye chikonzero nei vakanga vadzingwa mariri. (Genesi 2:17; 3:6, 23) Kaini naAbheri vanofanira kuva vakaodzwa mwoyo sei! Vaigona kuona bindu racho, asi vakanga vasingagoni kupinda mariri. Vakanga vari pedyo zvikuru neParadhiso asi vari kure zvikuru naro. Kusakwana kwakanga kwavashatisa, uye Kaini kana Abheri vakanga vasina chavaigona kuita nezvazvo.
Ukama hwavabereki vavo chokwadi hapana zvahwaimbogona kudai hwakabatsira. Pakupa Evha chirango, Mwari akati: “Kuda kwako kuchava kumurume wako, iye uchava ishe wako.” (Genesi 3:16) Maererano nouporofita ihwohwo, Adhama anofanira kunge akanga ava kutonga mudzimai wake, zvimwe asingachamubati seshamwari yake nomubatsiri. Uye Evha anoita seakanga ava kunyanyotsamira pamurume uyu. Rimwe bhuku rinotsinhira rinotosvika pakurondedzera “kuda” kwake se“chishuvo chinetenge chirwere.”
Bhaibheri haritauri kuti aya mamiriro ezvinhu eroorano akatapura sei maremekedzere aiita vakomana vacho vabereki vavo. Zvisinei, zviri pachena kuti Adhama naEvha vakapa vana vavo muenzaniso unovhiringidza.
Kusarudza Nzira Dzakasiyana
Abheri akazopedzisira ava mufudzi uye Kaini akatanga zvokurima. (Genesi 4:2) Sezvaaitarisira mapoka ake, pasina mubvunzo Abheri akanga ane nguva yakawanda yokufungisisa uporofita chaihwo hwakataurwa vabereki vake vasati vadzingwa muEdheni: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo ruchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.” (Genesi 3:15) Abheri anofanira kuva akashamiswa kuti, ‘Vimbiso yaMwari yembeu ichapwanya nyoka ichaitwa sei, uye mbeu iyi ichapwanywa muchitsitsinho sei?’
Nguva yakati kuti yapfuura, zvimwe pavakanga vava vanhu vakuru, Kaini naAbheri mumwe nomumwe akapa chibayiro kuna Jehovha. Abheri zvaakanga ari mufudzi, zvakanga zvisingashamisi kuti akapa “makwayana ake emhongora namafuta awo.” Kusiyana neizvozvo, Kaini akapa “zvibereko zvevhu.” Jehovha akagamuchira chibayiro chaAbheri, asi “Kaini nechipiriso chake haana kuchigamuchira.” (Genesi 4:3-5) Akaregererei?
Vamwe vanotaura nezvokuti chibayiro chaAbheri chakanga chichibva pa“makwayana ake emhongora,” nepo chaKaini chaingova hacho “zvibereko zvevhu.” Asi yakanga isiri mhaka yokunaka kwezvinhu zvakapiwa naKaini, nokuti nhoroondo yacho inoti Jehovha akagamuchira “Abheri nechipiriso chake,” uye haana kugamuchira “Kaini nechipiriso chake.” Saka Jehovha akanyanyotarira zvaiva pamwoyo womunamati wacho. Pakuita kudaro, chii chaakaona? VaHebheru 11:4 inotaura kuti “nokutenda” Abheri akapa chibayiro chake. Saka zviri pachena kuti Kaini akashayiwa kutenda kwakaita kuti chibayiro chaAbheri chigamuchirwe.
Munhau iyi, zvinokosha kuti chibayiro chaAbheri chaibatanidza kuteurwa kweropa. Angadaro akanga agumisa zvakarurama kuti vimbiso yaMwari yaiva nechokuita nembeu yaizopwanywa chitsitsinho yaizobatanidza kubayirwa kwoupenyu. Saka chibayiro chaAbheri chaizova chikumbiro chokuyananiswa, uye chakaratidza kutenda kuti Mwari aizogovera chibayiro chinoyananisa zvivi munguva yakafanira.
Kusiyana neizvozvo, Kaini angangodaro akanga asina kumbonyanyofunga nezvechibayiro chaakaita. “Chibayiro chake chaingova hacho kubvuma Mwari somubetseri,” akakarakadza kudaro mumwe mutsinhiri weBhaibheri womuzana remakore rechi19. “Chakaratidza zvakajeka kuti haana kuona kukanganisirana chaiko kwaivapo pakati pake noMusiki wake, kana chikonzero chipi nechipi chokureurura zvivi kana kutsamira pakuyananiswa.”
Uyezve, sedangwe, Kaini angadaro akatofungidzira nokuzvitutumadza kuti akanga ari mbeu yakapikirwa yaizoparadza Nyoka, Satani. Evhawo angangodaro aiva nezvishuvo zvakadaro zvokufungidzira nokuda kwomwanakomana wake wedangwe. (Genesi 4:1) Chokwadi, kana izvi zvirizvo zvaitarisirwa naKaini naEvha, vakanga vasina kururama zvikuru.
Bhaibheri haritauri kuti Jehovha akaratidza sei kuti akanga atendera chibayiro chaAbheri. Vamwe vanokarakadza kuti chakapedzwa nomoto wakabva kudenga. Chero zvakaitika zvacho, paakaona kuti chibayiro chake chakanga charambwa, “Kaini akatsamwa kwazvo, chiso chake chikawunyana.” (Genesi 4:5) Kaini akanga ava kunanga kumawere.
Zano raJehovha Nokupindura kwaKaini
Jehovha akakurukura naKaini. “Wakatsamwireiko? Chiso chako chakawunyana nei?” akabvunza kudaro. Izvi zvakapa Kaini mukana wakaringana wokuongorora pfungwa dzake nezvaainzwa achida kuita. “Kana ukaita zvakanaka,” Jehovha akapfuurira, “haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuvandira pamukova; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.”—Genesi 4:6, 7. (Ona bhokisi riri papeji 23.)
Kaini haana kuteerera. Panzvimbo pezvo, akaenda naAbheri kusango ndokumuuraya. Gare gare, Jehovha paakabvunza kwaiva naAbheri, Kaini akawedzera chivi chake nenhema. “Handizivi,” akapindura nehasha. “Ndini mufudzi womunun’una wangu kanhi?”—Genesi 4:8, 9.
Kaini akaramba “k[u]ita zvakanaka” zvose Abheri asati aurayiwa uye aurayiwa. Akasarudza kurega chivi chichimudzora, uye pamusana peizvi, Kaini akadzingwa munharaunda yaigara mhuri yavanhu. “Chiratidzo,” zvimwe unongova murayiro wakasimba, chakaiswa kuitira kuti pasave nomunhu anotsiva rufu rwaAbheri nokuuraya Kaini.—Genesi 4:15.
Kaini akazonovaka guta, achiripa zita romwanakomana wake. Hazvishamisi kuti vazukuru vake vakazozivikanwa pamusana pechisimba chavo. Dzinza raKaini rakazoguma Boporodzi rezuva raNoa parakaparadza vanhu vose vakanga vasina kururama.—Genesi 4:17-24; 7:21-24.
Nhoroondo yeBhaibheri yaKaini naAbheri haina kungochengeterwa kuti iraviwe sevaraidzo. Panzvimbo pezvo, yaka“nyorwa kuti isu tidzidze” uye ino“batsira pakudzidzisa, nokurayira.” (VaRoma 15:4; 2 Timotio 3:16) Tingadzidzei munhoroondo iyi?
Chatinodzidza
SaKaini naAbheri, vaKristu nhasi vanokumbirwa kuti vape Mwari chibayiro—kwete chibayiro chaicho chinopiswa, asi “chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.” (VaHebheru 13:15) Izvi zviri kutoitwa munyika yose, sezvo Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari munyika dzinopfuura 230. (Mateo 24:14) Uri kuitawo basa iroro here? Saka unogona kuva nechokwadi chokuti “Mwari haazati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”—VaHebheru 6:10.
Kufanana nezvibayiro zvaKaini naAbheri, chibayiro chako hachitemwi nokuonekwa kwachinoitwa nechokunze—somuenzaniso, nenhambawo hayo yemaawa aunopedzera muushumiri. Jehovha anotarira zvinopfuura ipapo. Jeremia 17:10 inotaura kuti ano“nzvera mwoyo” kunyange kuto“idza itsvo”—pfungwa dzemukati-kati dzounhu hwomunhu, manzwire ake, uye zvaanonzwa achida kuita. Saka chinonyatsodiwa apa ndezvaunonzwa uchida kuita, kwete kuwanda kwazvo. Chaizvoizvo, chingava chakakura kana chiri chiduku, chibayiro chinokosha kuna Mwari pachinopiwa nemwoyo unokurudzirwa norudo.—Enzanisa Marko 12:41-44 naMk 14:3-9.
Panguva imwe cheteyo, tinofanira kuziva kuti Jehovha haazogamuchiri zvibayiro zvakaremara, sezvaasina kugamuchira chibayiro chaKaini chakanga chisiri chomwoyo wose. (Maraki 1:8, 13) Jehovha anorayira kuti umupe zvakanakisisa zvako chaizvo, kuti umushumire nemwoyo wako wose, mweya, ndangariro, uye simba. (Marko 12:30) Uri kuita kudaro here? Saka une chikonzero chakakwana chokugutsikana nechibayiro chako. Pauro akanyora kuti: “Mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe.”—VaGaratia 6:4.
Kaini naAbheri vakarerwa zvafanana. Asi nguva nemigariro zvakaita kuti mumwe nomumwe ave nomukana wokutanga unhu hwakasiyana. Pfungwa dzaKaini dzakatambudzwa neshanje, ruvengo, uye hasha.
Kusiyana neizvozvo, Abheri anoyeukwa naMwari somurume akarurama. (Mateo 23:35) Kutsunga kwake kufadza Mwari pasinei hapo nezvaizoitika kwakaita kuti Abheri asiyane zvachose nevanhu vakanga vasingaongi vaiva mumhuri yake—Adhama, Evha, uye Kaini. Bhaibheri rinotitaurira kuti kunyange Abheri akafa, “uchangotaura nazvino.” Basa rake rokutendeka kuna Mwari ndeimwewo yenhau dzechigarire dzakanyorwa dziri muBhaibheri. Ngatitevedzerei muenzaniso waAbheri nokuramba tichipa zvibayiro zvinogamuchirwa naMwari.—VaHebheru 11:4.
[Mashoko Omuzasi]
a Bindu reEdheni rinofungidzirwa nevamwe kuva rakanga riri munzvimbo yemakomo iri kudivi rokumabvazuva kweTurkey yanhasi.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 23]
Muenzaniso wevaKristu Vanopa Zano
“WATSAMWIREIKO? Chiso chako chakawunyana nei?” Nomubvunzo uyu, Jehovha akataurirana naKaini nemutsa. Haana kumanikidza Kaini kuti achinje, nokuti Kaini aiva munhu akasununguka. (Enzanisa naDheuteronomio 30:19.) Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kuzeza kutaura kuti nzira yokuzvidira yaKaini yaizoguma nei. Akanyevera Kaini kuti: “Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuvandira pamukova; zvichakutsvaka.”—Genesi 4:6, 7.
Zvinokosha kuti kunyange nezano iri rakasimba, Jehovha haana kubata Kaini se‘nhinhi.’ Panzvimbo pezvo, akaudza Kaini nezvezvikomborero zvakanga zvakamumirira kana akachinja nzira dzake, uye akaratidza kuvimba kuti Kaini aigona kukurira chinetso ichi dai aida hake. “Kana ukaita zvakanaka,” Jehovha akadaro, “haungafari here pachiso chako?” Akabvunzawo Kaini nezvehasha dzake dzokuuraya kuti: “Iwe, pachako, uchazvikunda here?”, NW.
Nhasi, vakuru vari muungano yechiKristu vanofanira kutevedzera muenzaniso waJehovha. Sezvakanyorwa pana 2 Timotio 4:2, pane dzimwe nguva vanofanira ku“rayira” noku“tuka,” vachitaura zvakananga migumisiro yenzira yokuzvidira yomunhu anokanganisa. Panguva imwe cheteyo, vakuru vanofanira ku“ranga.” Shoko rechiGiriki pa·ra·ka·leʹo rinoreva “kukurudzira.” “Zano racho harikuvadzi, haripikisi, kana kuti kutsoropodza,” rinotaura kudaro Theological Dictionary of the New Testament. “Chokwadi chokuti kunyaradza kungava zvimwe zvinoreva shoko racho chinoratidza pfungwa yakafanana.”
Zvinokosha kuti, shoko rakafanana rechiGiriki, pa·raʹkle·tos, rinogona kureva mubetseri kana murevereri munyaya iri mudare. Saka, kunyange apo vakuru vanopa zano rakananga, vanofanira kuyeuka kuti vabetseri—kwete vavengi—vemunhu anoda zano. Kufanana naJehovha, vakuru vanofanira kuva vakananga, vachiratidza kuti vanovimba kuti munhu ari kupiwa zano anogona kukurira chinetso chacho.—Enzanisa naVaGaratia 6:1.
Ichokwadi kuti pakupedzisira, zviri kumunhu wacho kuti ashandise zano racho. (VaGaratia 6:5; VaFiripi 2:12) Vanopa zano vangawana kuti vamwe havateereri zvavanonyevera, sezvo Kaini akasarudza kurinzira gotsi kuzano rakapiwa noMusiki pachake. Asi, vakuru pavanotevedzera Jehovha, muenzaniso wakakwana wevaKristu vanopa zano, vanogona kuva nechokwadi chokuti vaita zvavanofanira kuita kuti vabetsere vanhu.