RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kupa Zvibayiro Zvinogamuchirwa naJehovha
    Nharireyomurindi—1999 | February 1
    • Jehovha akakurukura naKaini. “Wakatsamwireiko? Chiso chako chakawunyana nei?” akabvunza kudaro. Izvi zvakapa Kaini mukana wakaringana wokuongorora pfungwa dzake nezvaainzwa achida kuita. “Kana ukaita zvakanaka,” Jehovha akapfuurira, “haungafari here pachiso chako? Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuvandira pamukova; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.”—Genesi 4:6, 7. (Ona bhokisi riri papeji 23.)

  • Kupa Zvibayiro Zvinogamuchirwa naJehovha
    Nharireyomurindi—1999 | February 1
    • Kaini akaramba “k[u]ita zvakanaka” zvose Abheri asati aurayiwa uye aurayiwa. Akasarudza kurega chivi chichimudzora, uye pamusana peizvi, Kaini akadzingwa munharaunda yaigara mhuri yavanhu. “Chiratidzo,” zvimwe unongova murayiro wakasimba, chakaiswa kuitira kuti pasave nomunhu anotsiva rufu rwaAbheri nokuuraya Kaini.—Genesi 4:15.

  • Kupa Zvibayiro Zvinogamuchirwa naJehovha
    Nharireyomurindi—1999 | February 1
    • “WATSAMWIREIKO? Chiso chako chakawunyana nei?” Nomubvunzo uyu, Jehovha akataurirana naKaini nemutsa. Haana kumanikidza Kaini kuti achinje, nokuti Kaini aiva munhu akasununguka. (Enzanisa naDheuteronomio 30:19.) Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kuzeza kutaura kuti nzira yokuzvidira yaKaini yaizoguma nei. Akanyevera Kaini kuti: “Kana usingaiti zvakanaka, zvivi zvinokuvandira pamukova; zvichakutsvaka.”—Genesi 4:6, 7.

      Zvinokosha kuti kunyange nezano iri rakasimba, Jehovha haana kubata Kaini se‘nhinhi.’ Panzvimbo pezvo, akaudza Kaini nezvezvikomborero zvakanga zvakamumirira kana akachinja nzira dzake, uye akaratidza kuvimba kuti Kaini aigona kukurira chinetso ichi dai aida hake. “Kana ukaita zvakanaka,” Jehovha akadaro, “haungafari here pachiso chako?” Akabvunzawo Kaini nezvehasha dzake dzokuuraya kuti: “Iwe, pachako, uchazvikunda here?”, NW.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe