Nei Nyika Iyoyo Yekare Yakaparara?
MAFASHAMO enyika yose aisava njodzi yakangozviitikira yoga. Waiva mutongo waibva kuna Mwari. Nyevero yakapiwa, asi vazhinji havana kuiteerera. Nei? Jesu akatsanangura kuti: “Mumazuva iwayo mafashamo asati auya, [vanhu vakanga] vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka; uye havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.”—Mateu 24:38, 39.
Nyika Yakabudirira
Mudzimwe nzira, vanhu vakararama Mafashamo asati aitika vaiva nezvimwe zvakavanakira zvatisina nhasi. Somuenzaniso, vanhu vose vaitaura mutauro mumwe. (Genesi 11:1) Izvi zvaidai zvakaita kuti unyanzvi hwokugadzira uye sayenzi zvinoda kushandira pamwe kwevanhu vakawanda zvibudirire. Uyewo, upenyu hurefu hwairaramwa nevanhu vakawanda panguva iyoyo hwaireva kuti vaigona kuramba vachiwedzera dzidzo pazvavainge vadzidza mumazana emakore eshure.
Vamwe vanoti vanhu vaisararama kwenguva yakareba zvakadaro zvechokwadi panguva iyoyo uye kuti makore anotaurwa munhoroondo yeBhaibheri yaiva mwedzi. Ichokwadi here ichocho? Kana zvakadaro, funga nezvaMaharareri. Bhaibheri rinoti: “Maharareri wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akabereka Jaredhi. . . . Mazuva ose aMaharareri akanga ari makore ana mazana masere namakumi mapfumbamwe nemashanu, akafa.” (Genesi 5:15-17) Kana gore rimwe chete richireva mwedzi, Maharareri akabereka mwanakomana wake aine makore mashanu chete! Zvakanga zvisina kudaro, vanhu panguva iyoyo vaiva pedyo noupenyu hwokukwana hwaiva nomunhu wokutanga, Adhamu. Zvechokwadi vairarama kwemazana emakore. Vakaitei?
Mazana emakore Mafashamo asati aitika, vagari vepasi vakanga vawanda zvokuti mwanakomana waKaini akakwanisa kuvaka guta, raakatumidza kuti Enoki. (Genesi 4:17) Mumakore ose Mafashamo asati aitika, maindasitiri akasiyana-siyana akatanga. Kwaiva nokupfurwa “kwenhumbi dzose dzendarira nedare.” (Genesi 4:22) Hapana mubvunzo kuti nhumbi idzi dzaishandiswa pakuvaka, kuveza, kusona, uye kurima. Mabasa ose aya anotaurwa nezvawo munhoroondo yevanhu vakatanga kugara pasi pano.
Ruzivo rwaiwanikwa rwaizoita kuti zvizvarwa zvaitevedzana zvikudziridze unyanzvi hwakadai sokushandisa simbi, kurima, kupfuya makwai nemombe, kunyora, nokugadzira zvinoyevedza nokuimba. Somuenzaniso, Jubhari aiva “baba vavose vanoridza mbira nenyere.” (Genesi 4:21) Nyika yakabudirira zvikuru. Asi, zvinhu zvose zvakangoerekana zvaguma. Chii chakaitika?
Chii Chakakanganisika?
Pasinei nezvose zvakanga zvakainakira, nzanga yaivapo Mafashamo asati aitika yaiva nemavambo akaipa. Muvambi wayo, Adhamu, aiva apandukira Mwari. Kaini, muvaki weguta rokutanga kunyorwa nezvaro, akauraya munun’una wake chaiye. Hazvishamisi kuti uipi hwakawedzera nokukurumidza zvikuru! Zvakaipa zvakasiyira Adhamu vana vake zvaiwedzera.—VaRoma 5:12.
Zviri pachena kuti zvinhu zvakanga zvava kutoipisisa Jehovha paakasarudza kuti zvinhu zvirambe zvakadaro kwemamwe makore 120 chete. (Genesi 6:3) Bhaibheri rinoti: “Kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. . . . Nyika yakanga izere nokumanikidzana.”—Genesi 6:5, 11.
Pakupedzisira, Noa akanyatsoudzwa kuti Mwari aizoparadza nyama yose nemafashamo. (Genesi 6:13, 17) Kunyange zvazvo Noa akava “muparidzi wokururama,” zvinoratidza kuti zvakanga zvakaoma kuti vanhu vadavire kuti zvinhu zvose zvaiva zvakavapoteredza zvaizoguma. (2 Petro 2:5) Vanhu vasere chete ndivo vakateerera nyevero vakaponeswa. (1 Petro 3:20) Nei izvi zvichikosha kwatiri nhasi?
Zvinorevei Kwatiri?
Tiri kurarama munguva yakafanana neyaNoa. Tinogara tichinzwa nezvezviito zvinoshamisa zvougandanga, kukurudzira kuuraya vanhu vakawanda, kuuraya ruzhinji kwevanhu vane pfuti pasina chikonzero chinonyatsooneka, uye kurwisana kwomudzimba zviri pamwero unoshamisa. Pasi pazara zvekare nemhirizhonga, uye sezvazvakamboita, nyika yakaziviswa nezvokutongwa kuri kuuya. Jesu pachake akati aizouya soMutongi akagadzwa naMwari oparadzanisa vanhu sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi. Jesu akati vaya vachawanwa vasina kukodzera “vachaenda mukugurwa kusingaperi.” (Mateu 25:31-33, 46) Zvisinei, Bhaibheri rinoti panguva ino pachava nemamiriyoni achapona—boka guru rinonamata Mwari mumwe wechokwadi. Munyika iri kuuya, ivava vachararama murugare zvachose vakachengetedzwa zvisati zvamboitika.—Mika 4:3, 4; Zvakazarurwa 7:9-17.
Vazhinji vanotoseka pavanonzwa kutaura kwakadaro kunobva muBhaibheri nenyevero dzokutonga kucharatidza kuti mashoko iwayo ndeechokwadi. Asi muapostora Petro akatsanangura kuti vatsoropodzi vakadaro vari kuramba chokwadi. Akanyora kuti: “Mumazuva okupedzisira kuchauya vaseki . . . vachiti: ‘Uku kuvapo kwake kwakapikirwa kuri kupi?’. . . Nokuti, maererano nokuda kwavo, vanokundikana kuziva chinhu ichi, kuti kubvira kare kwaiva nematenga uye pasi rakanga rakabatana risiri mumvura uye riri pakati pemvura neshoko raMwari; uye nezvinhu izvozvo nyika yepanguva iyoyo yakaparadzwa payakafukidzwa nemvura. Asi neshoko iroro matenga nepasi zviripo iye zvino zvakachengeterwa moto uye zviri kuchengeterwa zuva rokutongwa nerokuparadzwa kwevanhu vasingadi Mwari.”—2 Petro 3:3-7.
Nyevero yenyika yose nezvezuva rokutongwa iri uye mashoko akanaka pamusoro porugare ruchatevera zviri kuparidzwa nhasi nokushingaira mukuteerera murayiro wemashoko aJesu ouprofita. (Mateu 24:14) Nyevero yacho haidi kuonekwa seyokutamba. Mwari Wemasimba ose anozadzika zvaanenge apikira.
Nyika Iri Kuuya
Remangwana revanhu richange rakadini, zvapari kuitika kuchinja kukuru uku? Musumo yeMharidzo yake yepaGomo, Jesu akavimbisa kuti: “Vanofara vanyoro, sezvo vachagara nhaka yepasi.” Akazoenderera mberi achidzidzisa vadzidzi vake kunyengetera kuna Mwari vachiti: “Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.” (Mateu 5:5; 6:10) Hungu, Jesu pachake akadzidzisa kuti nguva yemberi yakanakisisa yakamirira vanhu pasi pano chaipo. Akataura nezvayo so“kusikazve.”—Mateu 19:28.
Saka sezvaunofunga nezveremangwana, usarega vaseki vachikuita kuti usava nechokwadi nenyevero yaMwari. Ichokwadi kuti zvakatipoteredza zvingaita sezvakadzikama, uye nyika ino yakabva nokure. Kunyange zvakadaro, hatifaniri kuvimba nayo. Vanhu vose vakatongwa. Saka, simbaradzwa nemhedziso yetsamba yaPetro inoti:
“Zvinhu zvose izvi zvazvichanyungudutswa kudaro, munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari, muchimirira uye muchiramba muchinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha . . . Sezvamakamirira zvinhu izvi, itai nepamunogona napo kuti muwanike naye pakupedzisira musina ruvara uye musina gwapa muri murugare. . . . Rambai muchikura mumutsa usina kufanirwa nokuziva Ishe, Muponesi wedu Jesu Kristu.” (2 Petro 3:11, 12, 14, 18) Nokudaro, dzidza mune zvakaitika kare muzuva raNoa. Swedera pedyo naMwari. Kura mukuziva Jesu Kristu. Kudziridza kuzvipira kuna Mwari, uve pakati pemamiriyoni anosarudza kupona pachaguma nyika ino achipinda munyika ine rugare iri kuuya.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Kushanda nesimbi kwaizivikanwa Mafashamo asati aitika
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kune remangwana rakazonaka