RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ‘Akachengetedzwa Pamwe Chete Nevamwe Vanomwe’
    Nharireyomurindi—2013 | August 1
    • Chimbofungidzira kuti zvakanga zvakamira sei kuna Noa nemhuri yake mumazuva 40 ekutanga, Jehovha paakanga avhara suo reareka. Mvura payairamba ichitsvotsvoma ichirova areka siku nesikati, vanhu vemumhuri yaNoa vanofanira kunge vakatojaira kurarama vari muareka vachiita mabasa akasiyana-siyana, kutarisirana, kutarisira musha wavo, uye kuona kuti mhuka dzine zvinodiwa here madzaigara. Chivako chacho chaiva chakakura chakangoerekana chava kuzungunuka. Areka yakanga yava kufamba! Sezvo mvura yakanga ichikwira, areka yacho yakatanga kusimudzwa, “ikayangarara pamusoro penyika.” (Genesisi 7:17) Apa Jehovha Mwari Wemasimbaose akaratidza simba rake nenzira inoshamisa zvechokwadi!

  • ‘Akachengetedzwa Pamwe Chete Nevamwe Vanomwe’
    Nharireyomurindi—2013 | August 1
    • ‘VAKATAKURWA VAKACHENGETEKA NOMUMVURA’

      Areka payaiyangarara pamusoro pemvura yairamba ichikwira, vaya vaiva mukati mayo vainzwa mapuranga akashandiswa pakuvaka achirira. Noa ainetseka here kuti areka yacho yaizoparadzwa nemafungu? Kwete. Vanhu vanoshora vemazuva ano ndivo vangatonetseka nezvazvo, asi Noa akanga asingashori. Bhaibheri rinoti: “Nokutenda Noa . . . akavaka areka.” (VaHebheru 11:7) Aiva nekutenda muchii? Jehovha akanga aita sungano, kana kuti chibvumirano chokuti aizochengetedza Noa nevose vaaiva navo paMafashamo. (Genesisi 6:18, 19) Musiki wezvinhu zvose nenyika uye zvinhu zvipenyu zviri pairi aizotadza here kuita kuti areka isaparara? Aisambotadza! Noa aivimba naJehovha kuti aizozadzisa zvaakavimbisa. Uye zvechokwadi, iye nemhuri yake ‘vakatakurwa vakachengeteka nomumvura.’—1 Petro 3:20.

      Pashure pemazuva 40 neusiku 40, mvura yakazomira kunaya. Maererano nekarenda yemazuva ano, maiva muna December 2370 B.C.E. Asi mhuri yaNoa yakanga isiri kuzobuda muareka nokukurumidza. Areka yacho yakanga yakazara nezvisikwa yaiyangarara iri yega pamusoro pemvura yakanga yafukidza nyika nemakomo. (Genesisi 7:19, 20) Tinogona kufungidzira Noa achironga kuita basa rinorema kuitira kuti iye nevanakomana vake Shemu, Hamu, naJafeti vachengete mhuka dzacho dziine zvokudya, dzakachena uye dziine utano. Zvechokwadi, Mwari mumwe chete akanga aita kuti mhuka idzodzo dzomusango dziteerere dzopinda muareka, aikwanisa kuita kuti dzirambe dzichiteerera panguva yose yaiitika Mafashamo.a

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe