-
Nhoroondo yaNoa—Ine Zvainoreva Kwatiri Here?Nharireyomurindi—2003 | May 15
-
-
Zvino ungada kuverenga Genesi 8:5-17. Misoro yemakomo yakaonekwa kweinenge mwedzi miviri nehafu (mazuva 73) gare gare, “nomwedzi wegumi [June], nezuva rokutanga romwedzi.” (Genesi 8:5)b Mwedzi mitatu (mazuva 90) gare gare—“pagore ramazana matanhatu nerimwe [raNoa], pamwedzi wokutanga, nomusi wokutanga womwedzi,” kana kuti pakati paSeptember, 2369 B.C.E.—Noa akabvisa denga reareka. Ipapo aigona kuona kuti ‘pasi pose pakanga paoma.’ (Genesi 8:13) Mwedzi mumwe nemazuva 27 (mazuva 57) gare gare, “nomwedzi wechipiri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi [pakati paNovember, 2369 B.C.E.], nyika yakanga yaoma.” Ipapo Noa nemhuri yake vakabuda muareka vachienda panyika yakaoma. Nokudaro, Noa nevamwe vakapedza gore rimwe nemazuva gumi (mazuva 370) vari muareka.—Genesi 8:14.
-
-
Nhoroondo yaNoa—Ine Zvainoreva Kwatiri Here?Nharireyomurindi—2003 | May 15
-
-
b Keil-Delitzsch Commentary on the Old Testament, Vhoriyamu 1, peji 148, inoti: “Zvichida mazuva 73 areka yamira, misoro yemakomo yakaonekwa, kureva misoro yemakomo eArmenia, ayo akanga akakomberedza areka.”
-