Ropa
Tsanangudzo: Chinhu chakaita mvura-mvura chinoshamisa chinotenderera mutsinga dzomunhu uye mumhuka dzine masero akawanda, chichiendesa zvokudya neokisijeni, chichitakura zvinhu zvinenge zvisisadiwi, uye chichiita basa guru pakudzivirira muviri pazvirwere. Ropa rinobatanidzwa zvikuru nezvinhu zvinotsigira upenyu zvokuti Bhaibheri rinoti “mweya wenyama uri muropa.” (Revh. 17:11) Zvaari tsime roupenyu, Jehovha akapa mirayiridzo yakananga ine chokuita nokushandiswa kungaitwa ropa.
VaKristu vanorayirwa kuti ‘varege ropa’
Mab. 15:28, 29: “Mudzimu mutsvene nesu [dare rinodzora reungano yechiKristu] tasarudza kusawedzera mumwe mutoro kwamuri, kunze kwezvinhu izvi zvakakodzera, kuti murambe muchirega zvinhu zvakabayirwa zvidhori, ropa, zvinhu zvakadzipwa [kana kuti zvakaurayiwa zvikasabudiswa ropa] uye ufeve. Kana mukanyatsozvidzivirira pazvinhu izvi, muchabudirira. Sarai zvakanaka!” (Apa kudya ropa kwaenzaniswa nokunamata zvidhori uye ufeve, zvinhu zvatisingafaniri kuita.)
Nyama yemhuka ingadyiwa, asi kwete ropa racho
Gen. 9:3, 4: “Mhuka dzose mhenyu dzinofamba dzingava zvokudya zvenyu. Ndinokupai dzose, sezvandakaita zvinomera zvakasvibirira. Nyama bedzi ine mweya wayo—iro ropa rayo—musaidya.”
Chero mhuka ipi inodyiwa inofanira kunyatsobudiswa ropa. Inenge yadzipwa kana kuti inenge yafira muchiteyeso kana kuti inenge yawanikwa yakafa yoga haina kukodzera kudyiwa. (Mab. 15:19, 20; enzanisa naRevhitiko 17:13-16.) Saizvozvowo, chero zvokudya zvinenge zvaiswa ropa rakazara kunyange chikamu cheropa hazvifaniri kudyiwa.
Mwari akangobvumira kushandiswa kweropa pakupa zvibayiro chete
Revh. 17:11, 12: “Mweya wenyama uri muropa, uye ini ndakariisa pamusoro peatari kuti imi muyananisire mweya yenyu, nokuti ropa ndiro rinoyananisira nomweya uri mariri. Ndokusaka ndakati kuvanakomana vaIsraeri: ‘Pakati penyu hapafaniri kuva nomweya unodya ropa, uye hapafaniri kuva nomutorwa ari kugara pakati penyu anodya ropa.’” (Zvibayiro zvose izvozvo zvemhuka zvaidiwa muMutemo waMosesi zvaifananidzira chibayiro chimwe chete chaJesu Kristu.)
VaH. 9:11-14, 22: “Pakauya Kristu somupristi mukuru . . . iye haana kupinda neropa rembudzi nerenzombe duku, asi neropa rake pachake, kamwe chete zvachose munzvimbo tsvene, akatiwanira kununurwa kusingaperi. Nokuti kana ropa rembudzi nerenzombe nemadota etsiru zvinosaswa pane vaya vakasvibiswa zvichitsvenesa kusvikira nyama yachena, ropa raKristu, uyo akazvipa kuna Mwari asina gwapa nokushanda kwomudzimu usingaperi, richachenesa zvikuru sei hana dzedu pamabasa akafa kuti tiitire Mwari mupenyu basa dzvene? . . . Kana ropa rikasadururwa hapana kukanganwirwa kunovapo.”
VaEf. 1:7: “Tinosunungurwa norudzikinuro neropa rake [Jesu Kristu] pachishandiswa iye, chokwadi, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, maererano noukuru hwomutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa.”
Vaya vaizviti vaKristu muzana remakore rokutanga C.E. vainzwisisa sei murayiro weBhaibheri une chokuita neropa?
Tertullian (c. 160-230 C.E.): “Nyarai pamberi pevaKristu pamusana pezvamunoita zvisiri zvomusikirwo. Zvokudya zvedu hazvina ropa kunyange remhuka nokuti tinodya zvinhu zvakangojairika. . . . Panotongwa vaKristu imi [vaRoma vechihedheni] munovapa masoseji ane ropa. Kutaura zvazviri, mune chokwadi chokuti chinhu chamunoedza kuvatsausa nacho kubva panzira yakarurama hachisi pamutemo kwavari. Nei zvakadaro kuti zvamunoziva kuti vacharamba ropa remhuka, munofunga kuti vachashuva ropa revanhu?”—Tertullian, Apologetical Works, and Minucius Felix, Octavius (New York, 1950), rakashandurwa naEmily Daly, peji 33.
Minucius Felix (zana remakore rechitatu C.E.): “Tinosema zvikuru ropa revanhu, zvokuti hatishandisi ropa kunyange remhuka dzinodyiwa muzvokudya zvedu.”—The Ante-Nicene Fathers (Grand Rapids, Mich.; 1956), rakapepetwa naA. Roberts naJ. Donaldson, Vol. IV, peji 192.
Kuwedzerwa Ropa
Murayiro weBhaibheri unorambidza ropa unosanganisira ropa revanhu here?
Hungu, uye vaKristu vepakutanga vakaunzwisisa saizvozvo. Mabasa 15:29 inoti “murambe muchirega . . . ropa.” Haitauri kungorega ropa remhuka. (Enzanisa naRevhitiko 17:10, inorambidza kudya “chero ropa ripi zvaro.”) Tertullian (uyo akanyora achidzivirira zvaitendwa nevaKristu vepakutanga) akati: “Tichafanira kunzwisisa kurambidza ‘ropa’ uku kuva kurambidza zvinopfuura ropa revanhu.”—The Ante-Nicene Fathers, Vol. IV, peji 86.
Kuwedzerwa ropa kwakanyatsofanana nokuridya here?
Muchipatara, kana murwere asingagoni kudya, anodyiswa nomutsinga. Saka munhu asingambodyi ropa asi obvuma kuwedzerwa ropa anenge achinyatsoteerera murayiro wokuti “murambe muchirega . . . ropa” here? (Mab. 15:29) Somuenzaniso, fungai munhu anoudzwa nachiremba kuti anofanira kurega doro. Kwaizova kuteerera here kuti arege kunwa doro asi oita kuti riiswe zvakananga nomutsinga dzake?
Kana murwere akaramba ropa, pane mamwe marapirwo aanogona kuitwa here?
Kazhinji zvinhu zvisina twakawanda-wanda zvakadai sesaline solution, Ringer’s solution, nedextran zvinogona kushandiswa sezvinhu zvinowedzera plasma, uye izvi zvinowanikwa munenge muzvipatara zvose zvemazuva ano. Chokwadi, ngozi dzinokonzerwa nokuwedzerwa ropa dzinodziviswa nokushandisa zvinhu izvi. Canadian Anaesthetists’ Society Journal (January 1975, peji 12) rinoti: “Ngozi dzokuwedzerwa ropa dzinoita kuti zvive zvakanaka kushandisa zvinowedzera plasma: kudzivisa kutapukira kwemabhakitiriya kana kuti mavhairasi, kukanganiswa nokuwedzerwa ropa uye kusapindirana kweropa.” Zvapupu zvaJehovha hazvirambi kushandisa zvinhu zvisina ropa zvinowedzera plasma.
Zvapupu zvaJehovha zvinotobatsirwa nokurapwa kuri nani nokuti hazvibvumi ropa. Mumwe chiremba achinyora muAmerican Journal of Obstetrics and Gynecology (June 1, 1968, peji 395) akabvuma kuti: “Hapana mubvunzo kuti imi [chiremba] pamunovhiya munhu musingamuwedzeri ropa, zvinhu zvinofamba zvakanaka. Munofanira kuva nechokwadi kuti masunga tsinga dzose dzinenge dzichibuda ropa.”
Kuvhiya kwemarudzi ose kunogona kuitwa zvinobudirira pasina kuwedzera ropa. Zvinosanganisira kuvhiya mwoyo, uropi, kugura makumbo kana kuti maoko uye kubvisa nhengo dzomuviri dzinenge dziine kenza. MuNew York State Journal of Medicine (October 15, 1972, peji 2527), Chiremba Philip Roen akanyora kuti: “Hatizenguriri kuvhiya kwose tisingashandisi ropa.” Chiremba Denton Cooley, wepaTexas Heart Institute, akati: “Takagutsikana zvikuru nezvakaitika [patakashandisa zvinhu zvisina ropa zvinowedzera plasma] paZvapupu zvaJehovha zvokuti takatanga kushandisa nzira iyoyo pavarwere vedu vose vemwoyo.” (The San Diego Union, December 27, 1970, peji A-10) “Kuvhiya mwoyo ‘pasina kuwedzera ropa,’ uko kwakavamba kushandisirwa vanhu vakuru veboka reZvapupu zvaJehovha nokuti chitendero chavo chinorambidza kuwedzerwa ropa, iye zvino kwava kuitwa zvisina ngozi pavacheche nevana.”—Cardiovascular News, February 1984, peji 5.
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Munorega vana venyu vachifa nokuti munoramba kuwedzerwa ropa. Ndinofunga kuti izvozvo zvakaipa chaizvo’
Ungapindura kuti: ‘Asi tinovabvumira kuti vawedzerwe zvimwe zvinhu—izvo zvisina ngozi. Tinobvuma kuwedzerwa zvinhu zvisina ngozi yeAIDS, kuzvimba chiropa uye marariya. Tinoda kuti vana vedu varapwe zvakanaka zvikuru, sezvingadiwa nomubereki wose ane rudo.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Kana ropa rakawanda rikabuda, chinhu chinodiwa zvikuru kudzorera uwandu hwemvura yomuropa. Hapana mubvunzo kuti munoziva kuti 50 muzana yeropa redu imvura; zvadaro pane masero matsvuku nemachena, nezvimwewo. Kana ropa rakawanda rikabuda, muviri pachawo unoburitsa masero eropa akawanda anenge akachengetwa uye unoita kuti mamwe matsva akurumidze kugadzirwa. Asi uwandu hwemvura hunodiwa. Zvinhu zvinowedzera plasma zvinenge zvisina ropa zvinogona kushandiswa, uye tinozvibvuma.’ (2) ‘Zvinhu zvinowedzera plasma zvave zvichishandiswa pazviuru zvevanhu, pachiva nemigumisiro yakanaka zvikuru.’ (3) ‘Zvinotonyanya kukosha kwatiri ndizvo zvinotaurwa neBhaibheri pana Mabasa 15:28, 29.’
Kana kuti ungati: ‘Ndinonzwisisa mafungiro enyu. Ndinoona kuti muri kufungidzira mwana wenyu ari mumamiriro ezvinhu akadaro. Sevabereki tinoita zvose zvatinogona kuti vana vedu vagare zvakanaka, handizvo here? Saka kana vanhu vakaita semi neni taizoramba mamwe marapirwo angaitwa vana vedu, paizofanira kuva nechikonzero chakanaka.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Munofunga kuti vamwe vabereki vangave vachitevedzera zvinotaura Shoko raMwari pano pana Mabasa 15:28, 29 here?’ (2) ‘Saka mubvunzo ndewokuti, Tine kutenda kwakakwana kuti tiite zvinorayirwa naMwari here?’
‘Vanhu imi hamudi kuwedzerwa ropa’
Ungapindura kuti: ‘Mapepanhau akabudisa nyaya dzemamiriro ezvinhu umo vaifunga kuti Zvapupu zvaigona kufa kana zvikasabvuma ropa. Ndozvamuri kufunga here? . . . Nei tichiita zvatinoita?’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Munoda mudzimai (murume) wenyu here zvokuti mungada kuisa upenyu hwenyu pangozi nokuda kwake? . . . Panewo varume vanoisa upenyu hwavo pangozi nokuda kwenyika dzavo uye vanoonekwa semagamba, handizvo here? Asi pane mumwe munhu mukuru kupfuura vose kana kuti kupfuura chinhu chose pasi pano, iye ndiMwari. Mungaisa upenyu hwenyu pangozi pamusana pokumuda uye kuvimbika kuutongi hwake here?’ (2) ‘Chokwadi nyaya iri pano ndeyokuvimbika kuna Mwari. Shoko raMwari ndiro rinotiudza kuti tirege ropa. (Mab. 15:28, 29)’
Kana kuti ungati: ‘Pane zvinhu zvakawanda zvakajairika mazuva ano uye zvisingaitwi neZvapupu zvaJehovha—somuenzaniso, kureva nhema, upombwe, kuba, kusvuta fodya uye sezvamataura, kushandiswa kweropa. Nei? Nokuti tinorarama neShoko raMwari.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Maiziva here kuti Bhaibheri rinoti tinofanira “kurega ropa”? Ndinoda kukuratidzai. (Mab. 15:28, 29)’ (2) ‘Zvichida munoyeuka kuti Mwari akaudza vabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha kuti vaigona kudya michero pamiti yose yomuEdheni kusiya kwomumwe chete. Asi havana kuteerera, vakadya muchero wakanga warambidzwa uye vakarasikirwa nezvinhu zvose. Uku kwaiva kusachenjera chaiko! Chokwadi, iye zvino hapana muti une muchero unorambidzwa. Asi pashure peMafashamo omuzuva raNoa, Mwari akarambidza vanhu chinhu chimwe chete. Panguva ino akavarambidza ropa. (Gen. 9:3, 4)’ (3) ‘Saka mubvunzo unokosha ndewokuti, Tinotenda muna Mwari here? Kana tichimuteerera, tinotarisira kuva noupenyu husingaperi takakwana tichitongwa noUmambo hwake. Kunyange kana tikafa, anovimbisa kutimutsa.’
‘Ko kana chiremba akati, “Uchafa kana ukasawedzerwa ropa”?’
Ungapindura kuti: ‘Kana mamiriro ezvinhu akanyanya kukomba zvakadaro, chiremba anogona kuvimbisa kuti murwere haazofi here kana akawedzerwa ropa?’ Ungawedzerawo kuti: ‘Asi pane anogona kupazve munhu upenyu, iye ndiMwari. Hamubvumi here kuti munhu paanenge atarisana norufu, kuramba Mwari kuburikidza nokutyora mutemo wake chingava chisarudzo chakaipa? Zvechokwadi ini ndinotenda muna Mwari. Imi munotendawo here? Shoko rake rinovimbisa kuti vaya vanotenda muMwanakomana wake vachamutswa. Munotenda izvozvo here? (Joh. 11:25)’
Kana kuti ungati: ‘Zvingareva kuti iye pachake haazivi marapiro acho pasina kuwedzera ropa. Kana zvichiita, tinoedza kuti aone chiremba ane ruzivo rwacho, kana kuti tingatsvaka kubatsirwa nomumwe chiremba.’