Kuponesa Upenyu Neropa—Seiko?
“Sarudza upenyu . . . kupfurikidza nokuteerera inzwi [raMwari] . . . , nokuti ndiye upenyu hwako nourefu hwamazuva ako.”—DHEUTERONOMIO 30:19, 20, NW.
1. MaKristu echokwadi akasiana sei mukuremekedza kwawo upenyu?
VANHU vazhinji vanotaura kuti vanoremekedza upenyu, vachipa soufakazi murangariro wavo wechirango chorufu, kubvisa pamuviri, kana kuvhima. Zvisinei, pane nzira chaiyo umo maKristu echokwadi anoratidza namo ruremekedzo nokuda kwoupenyu. Pisarema 36:9 rinoti: “Nokuti kwamuri [Mwari] ndiko kune tsime roupenyu.” Upenyu zvahuri chipo chinobva kuna Mwari, maKristu anogamuchira murangariro wake weropa roupenyu.
2, 3. Neiko tichifanira kurangarira Mwari pamusoro peropa? (Mabasa 17:25, 28)
2 Upenyu hwedu hunotsamira paropa, iro rinotakura oxygen mumuviri wedu wose, rinobvisa carbon dioxide, rinotibvumira kuchinjira kuchinjo mutembiricha, uye rinotibetsera kurwisa zvirwere. Uyo akagovera upenyu hwedu akagadzirawo ndokugovera chinoyerera chinoshamisa, chinotsigira upenyu chinonzi ropa. Ikoku kunoratidzira fariro yake inopfuurira mukuchengeta upenyu hwomunhu.—Genesi 45:5; Dheuteronomio 28:66; 30:15, 16.
3 Vose vari vaviri maKristu navanhu vose zvavo vanofanira kuzvibvunza vamene, kuti: ‘Ropa rinogona kuponesa upenyu hwangu kupfurikidza bedzi nokushanda kwaro kwomusikirwo, kana kuti ropa ringaponesa upenyu munzira huru zvikuru here?’ Nepo vanhu vazhinjisa vachiziva batano iri pakati poupenyu namabasa enguva dzose eropa, chaizvoizvo pane zvakawanda zvikuru zvinobatanidzwa. Tsika dzamaKristu, maMuslim, uye vaJudha dzose dzinopa ngwariro paMupi Woupenyu uyo akazvitaurira amene pamusoro poupenyu uye pamusoro peropa. Hungu, Musiki wedu ane zvizhinji zvokutaura pamusoro peropa.
Chimiro chaMwari Chakasimba Paropa
4. Pakuvamba munhau yomunhu, chii icho Mwari akataura pamusoro peropa?
4 Ropa rinodudzwa kanopfuura kane 400 muShoko raMwari, Bhaibheri. Pakati pokwokuvamba zvikurusa pane murairo waJehovha: “Chinhu chiri chose chipenyu uye chinofamba chichava zvokudya zvenyu. . . . Asi hamufaniri kudya nyama ine ropa roupenyu hwayo richiri mairi.” Iye akawedzera, kuti: “Zvirokwazvo ndicharaira kuzvidavirira nokuda kweropa roupenyu hwenyu.” (Genesi 9:3-5, New International Version) Jehovha akataura izvozvo kuna Noa, sekuru vemhuri yomunhu. Nokudaro, rudzi rwose rwomunhu rwakaziviswa kuti Musiki anorangarira ropa serinomirira upenyu. Munhu ari wose anotaura kuti anoziva Mwari soMupi Woupenyu anofanira nokudaro kuziva kuti Iye ane chimiro chakatsiga pamusoro pokushandisa ropa roupenyu.
5. Chii chakanga chiri chikonzero chikuru nei vaIsraeri vaisanwa ropa?
5 Mwari akadudzazve ropa pakupa Israeri bumbiro rake roMutemo. Revhitiko 17:10, 11, mukuwirirana neshanduro yeJewish Tanakh, inorava, kuti: “Kana munhu upi noupi weimba yaIsraeri kana wavaenzi vanogara pakati pavo akadya ropa ripi neripi, ndicharwisana nomunhu uyo anodya ropa, uye ndichamubvisa pakati pehama dzake. Nokuti upenyu hwenyama huri muropa.” Mutemo iwoyo waigona kuva nebetsero dzoutano, asi zvizhinji kwazvo zvaibatanidzwa. Kupfurikidza nokubata ropa sechairo, vaIsraeri vaifanira kuratidza kutsamira kwavo pana Mwari nokuda kwoupenyu. (Dheuteronomio 30:19, 20) Hungu, chikonzero chikuru nei vaifanira kudzivisa kudya ropa chakanga chiri, kwete kuti kwaigona kuva kusina utano hwakanaka, asi kuti ropa rakanga rine revo chaiyo kuna Mwari.
6. Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti Jesu akatsigira chimiro chaMwari paropa?
6 ChiKristu chinomira papi pakuponesa upenyu hwomunhu neropa? Jesu aiziva izvo Baba vake vakataura pamusoro pokushandisa ropa. Jesu “haana kuita chisina kururama, [uye] hapana kunyengera kwakawanika pamiromo yake.” Ikoko kunoreva kuti akachengeta Mutemo zvakakwana, kubatanidza mutemo pamusoro peropa. (1 Petro 2:22, Knox) Nokudaro akagadza muenzaniso nokuda kwavateveri vake, kubatanidza muenzaniso woruremekedzo nokuda kwoupenyu neropa.
7, 8. Kwakava sei pachena kuti mutemo waMwari paropa unoshanda kumaKristu?
7 Nhau inotiratidza chakaitika gare gare apo dare romutumbi unodzora wechiKristu rakasarudza kana maKristu aifanira kuchengeta yose yemitemo yaIsraeri kana kwete. Munhungamiro youmwari, vakataura kuti maKristu haasungirwi kuchengeta bumbiro romutemo waMosesi asi kuti kuri “madikanwa” ku“ramba achirega zvinhu zvakabairwa kuzvidhori neropa nezvinhu zvakadzipwa [nyama isina kubudiswa ropa] noufeve.” (Mabasa 15:22-29, NW) Nokudaro vakakujekesa kuti kudzivisa ropa kunokosha mutsika sokudzivisa kunamata zvidhori noutere hwakakomba.a
8 MaKristu apakuvamba akatsigira rambidzo iyoyo youmwari. Ichitsinhira pamusoro paikoko, nyanzvi yeBritain Joseph Benson yakati: “Iyi rambidzo yokudya ropa, yakapiwa kuna Noa navazukuru vake vose, uye yakadzokororwa kuna vaIsraeri . . . haina kutongobviswa, asi, mukupesana, yakasimbiswa muTestamente Itsva, Mabasa xv.; uye nenzira iyoyo yakaitwa yomusengwa usingagumi.” Bva, izvo Bhaibheri rinotaura pamusoro peropa zvingabvisa here shandiso dzazvino uno dzokurapa, dzakadai sokuisira, uko sezviri pachena kusina kushandiswa muzuva raNoa kana munguva yavaapostora?
Kupinza Ropa Kana Kuti Somushonga
9. Ropa rakashandiswa sei mukurapa munguva dzekare, mukupesana nechimiroi chechiKristu?
9 Kushandiswa kweropa mukurapa hakusitongori kwazvino uno. Bhuku rinonzi Flesh and Blood, rakanyorwa naReay Tannahill, rinoonesa kuti kwaanenge makore 2 000, muEgipita nokune dzimwe nzvimbo, “ropa rairangarirwa somushonga mukuru wamaperembudzi.” VaRoma vaidavira kuti pfavi yaigona kurapwa kupfurikidza nokupinza ropa ravanhu. Tertullian akanyora pamusoro pouku kushandiswa kweropa “mukurapa”: “Rangarirai avo nenyota yamakaro, pashoo munhandare, vanonwa ropa rakanaka ramatsotsi akaipa . . . uye vanoritakura kundorapa pfavi yavo.” Ikoku kwakanga kuri mumusiano mukuru neizvo maKristu aiita: “Hatina kunyange ropa remhuka pazvokudya zvedu . . . Pakuedzwa kwamaKristu munovapa masoseji akazadzwa neropa. Munopwiswa, chokwadika, kuti [ha]kusi pamutemo nokuda kwavo.” Rangarira revo yacho: Panzvimbo pokudya ropa, iro raimirira upenyu, maKristu apakuvamba aidisa kupinda mungozi yorufu.—Enzanisa na 2 Samueri 23:15-17.
10, 11. Neiko kuchigona kutaurwa kuti mupimo waMwari paropa unorambidza kugamuchira ropa rinoisirwa?
10 Chokwadika, shure panguva iyeyo ropa rakanga risingaisirwi, nokuti kuedza kuisira kwakavamba bedzi pedyo nezana ramakore rechi 16. Bva, muzana ramakore rechi 17, mumwe purofesa wemitezo yomuviri paUniversity of Copenhagen akaramba, achiti: ‘Avo vaipinza zvisiri madikanwa kushandiswa kweropa ravanhu nokuda kwemishonga yomukati yehosha vanoratidzika kuva vanorishandisa zvisina kufanira uye kutadza zvakakomba. Vanhu vanodya nyama yavanhu vanoshurikidzwa. Neiko tisingavengi avo vanosvibisa gurokuro ravo neropa ravanhu? Kwakafanana kugamuchirwa kweropa romumwe rinobva mutsinga yakachekwa, kungave kupfurikidza nomuromo kana kupfurikidza nezvokuisira nazvo. Vavambi veiri basa vanotyiswa nomutemo woumwari.’
11 Hungu, kunyange mumazana amakore akapfuura, vanhu vakaona kuti mutemo waMwari wakarambidza zvose zviri zviviri kupinzwa kweropa mutsinga nokurinwa napamuromo. Kuziva ikoku kungabetsera vanhu nhasi kunzwisisa chimiro icho Zvapupu zvaJehovha zvinoita, icho chinowirirana nechimiro chaMwari. Nepo achikoshesa zvikuru upenyu nokuonga kurapwa, maKristu echokwadi anoremekedza upenyu sechipo chinobva kuMusiki, naizvozvo haaedzi kutsigira upenyu kupfurikidza nokunwa ropa.—1 Samueri 25:29.
Rinoponesa Upenyu Somushonga Here?
12. Vanhu vanofunga vangarangarirei nenzira ine mufungo pamusoro pokuisirwa ropa?
12 Kwamakore nyanzvi dzakataura kuti ropa rinoponesa upenyu. Vanachiremba vangarondedzera kuti mumwe munhu akarasikirwa zvikuru neropa akaisirwa uye akava ari nani. Naizvozvo vanhu vangashamisika, ‘Chimiro chechiKristu ndechokuchenjera kana chokusachenjera sei mumishonga?’ Asati arangarira muitiro upi noupi wakakomba wokurapa, munhu anofunga achasarudza zvose zviri zviviri betsero dzinobvira nenjodzi dzinobvira. Zvakadiniko nokuisirwa ropa? Zvomene ndeyokuti kuisirwa ropa kwakazara nenjodzi dzakawanda. Dzinogona kunyange kuva dzinouraya.
13, 14. (a) Ndidzimwe nzirai idzo kuisirwa ropa kwakabvumikisa kuva kune njodzi? (b) Chinoitika chapapa chakaenzanisira sei njodzi dzoutano dzeropa?
13 Misi ichangobva kupfuura iyi, Vanachiremba L. T. Goodnough naJ. M. Shuck vakati: “Nzanga yemishonga yave ichiziva kwenguva refu kuti nepo mugove weropa wakanaka sokuziva kuuita kwatinoita, kuisirwa ropa nguva dzose kwakava nenjodzi. Kunetsa kwenguva dzose zvikurusa kwokuisira ropa kunopfuurira kuva non-A, non-B kuzvimba kwechiropa (NANBH); kumwe kunetsa kunobvira kunobatanidza kuzvimba kwechiropa B, kudzivirirwa pane zvimwe zvirwere, zvinoitika pashure pokuisirwa, kudzvinyirirwa kwesimba rokudzivisa kutapurwa nehosha, uye kuwandisa kweiron.” Uchifungidzira ‘nenzira ine mwero’ imwe chete bedzi yengozi idzodzo dzakakomba, mushumo wacho wakawedzera, kuti: “Kunokarirwa kuti vanenge vanhu 40 000 [muUnited States moga] vachava neNANBH gore negore uye kuti kusvikira ku 10% vaivava vachava necirrhosis uye/kana kuti hepatoma [kenza yechiropa].”—The American Journal of Surgery, June 1990.
14 Sezvo njodzi yokubata hosha inobva muropa rakaisirwa yazova inozivikanwa zvakafara zvikuru, vanhu vava kurangarirazve murangariro wavo wokuisirwa. Somuenzaniso, pashure pokunge papa apfurwa muna 1981, iye akarapwa pane chimwe chipatara ndokubudiswa. Gare gare aifanira kudzokera kwemwedzi miviri, uye mugariro wake wakanga wakakomba kwazvo zvokuti kwakaratidzika kuti angafanira kurega basa sechirema. Neiko? Iye akatapurwa noutachiona hukuru hwakabva muropa raakapiwa. Vamwe vangashamisika kuti, ‘Kana ropa rinopiwa kunyange kuna papa risina kunaka, zvakadiniko nokuisira kunopiwa kwatiri isu vanhuwo zvavo?’
15, 16. Neiko kuisirwa ropa kusina kunaka kunyange kana ropa racho rakaongororwa nokuda kwehosha?
15 ‘Asi havagoni kuongorora ropa nokuda kwehosha here?’ mumwe munhu angabvunza kudaro. Eya, rangarira somuenzaniso kuongorora nokuda kwokuzvimba kwechiropa B. Patient Care (February 28, 1990) yakaonesa, kuti: “Kuitika kwokuzvimba kwechiropa pashure pokuisira kwakaderera pashure pokuongororwa kwose kwose kweropa nokuda [kwako], asi 5-10% kwezvinoitika zvokuzvimba kwechiropa kwapashure pokuisira zvichiri kuparirwa nokuzvimba kwechiropa B.”
16 Kukundikana kwokuedza kwakadaro kunoonekawo neimwe njodzi inoparirwa neropa—AIDS. Murakatira weAIDS, namatsive, wakamutsira vanhu kungozi yeropa rine chirwere. Sezvinobvumwa, zvino pane kuedza kwokuongorora ropa nokuda kwoufakazi hwoutachiona. Zvisinei, ropa hariongororwi munzvimbo dzose, uye kunoratidzika kuti vanhu vangatakura utachiona hweAIDS muropa ravo kwamakore pasina kuwanikwa kwahwo nokuedza kwazvino. Naizvozvo varwere vanogona kuwana AIDS—kuve vakawana AIDS—muropa rakaongororwa ndokutenderwa!
17. Kuisirwa ropa kungaita sei kuvadziko iyo ingasaoneka nokukurumidza?
17 Vanachiremba Goodnough naShuck vakadudzawo “kudzvinyirirwa kwesimba rokudzivisa kutapurwa nehosha.” Hungu, ufakazi hunowedzera hwokuti kunyange ropa rakaenzaniswa zvakafanira rinogona kukuvadza gadziriro yomurwere yokudzivisa kutapurwa nehosha, kuchizarurira suo kenza norufu. Nokudaro, fundo yeCanada ya“varwere vane kenza yomusoro nomutsipa yakaratidza kuti avo vakagamuchira kuisirwa ropa mukati mokubviswa [kwe]mota vakawana kuderera kukuru mumugariro wokudzivisa kutapurwa nehosha pashure.” (The Medical Post, July 10, 1990) Vanachiremba vapaUniversity of Southern California vakanga vashuma, kuti: “Mwero wokuitikazve wekenza dzose dzedokoriro wakanga uri 14% nokuda kwaavo vasina kugamuchira ropa uye 65% nokuda kwaavo vakagamuchira. Nokuda kwekenza yomwena womuromo, gurokuro, uye mhuno kana mutandamhuno, mwero wokuitikazve wakanga uri 31% pasina kuisira uye 71% nokuisira.” (Annals of Otology, Rhinology & Laryngology, March 1989) Kudzivirira kutapurwa nehosha kunodzvinyirirwa kunoratidzikawo kuva kunosimbisa idi rokuti avo vanopiwa ropa mukati mokuvhiiwa sezvingabvira vanovamba kutapurwa nehosha zvikuru—Ona bhokisi, papeji 10.
Pane Zvinotsiva Ropa Zvipi Nezvipi Here?
18. (a) Njodzi dzinobatanidzwa mukuisirwa ropa dzava kutendeudzira varapi kuchii? (b) Mashokoi pamusoro pezvinotsiva aungagoverana nomurapi wako?
18 Vamwe vanganzwa kuti, ‘Kuisirwa kune ngozi, asi pane zvinotsiva zvipi nezvipi here?’ Zvirokwazvo tinoda kurapwa kunobudirira kwakanaka zvikuru, naizvozvo pane nzira dzakafanira nedzinobudirira dzokupedza nadzo zvinetso zvakakomba zvokurapwa pasina kushandisa ropa here? Nenzira inofadza, hungu. The New England Journal of Medicine (June 7, 1990) yakashuma, kuti: “Varapi, vachiziva nenzira inowedzera njodzi dze[AIDS] nezvimwe zvirwere zvinopiwa nokuisira, vava kurangarirazve njodzi nebetsero zvokuisira uye vava kutendeukira kuzvinotsiva, kubatanidza izvo zvokudzivisa kutongoisira.”b
19. Neiko uchigona kuva nechivimbo chokuti unogona kuramba ropa ndokungorapwa nebudiriro?
19 Zvapupu zvaJehovha kwenguva refu zvakaramba kuisirwa ropa, kwete zvikurukuru nemhaka yengozi dzoutano, asi nemhaka yokuteerera mutemo waMwari paropa. (Mabasa 15:28, 29) Bva, vanachiremba vane unyanzvi vakarapa nenzira inobudirira varwere Zvapupu vasingashandisi ropa, nenjodzi dzaro dzinovapo somuuyo. Somumwe chete pakati pemienzaniso yakawanda wakashumwa mumabhuku okurapa, Archives of Surgery (November 1990) yakakurukura kuisa mwoyo pavarwere Zvapupu vane hana dzakabvumidza muitiro wakadaro pasina kuiswa kweropa. Mushumo wacho wakati: “Anopfuura makore 25 oruzivo rwokuzviwanira kuvhiya mwoyo Zvapupu zvaJehovha kwakaguma nokuiswa kwomwoyo kunobudirira pasina kuiswa kwezvinhu zveropa . . . Hakuna nzufu dzapamberi kana pashure pokuvhiya dzakaitika, uye fundo dzapashure dzapakuvamba dzakaratidza kuti ava varwere havana kutapurwa zvikuru nemwero yakakwirira yokuramba wakaiswa.”
Ropa Rinokosha Zvikurusa
20, 21. Neiko maKristu achifanira kungwarira kuti asakudziridze chimiro chokuti “Ropa mushonga wakaipa”?
20 Zvisinei, pane mubvunzo unonzvera hana uyo mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza amene. ‘Kana ndakasarudza kusagamuchira kuisirwa ropa, neiko? Nenzira yokutendeseka, chii chiri chikonzero changu chikuru, chakakura?’
21 Tadudza kuti pane zvinotsiva ropa zvinobudirira zvisingaratidziri munhu kungozi zhinji dzakabatanidzwa nokuisira. Ngozi dzakadai sokuzvimba kwechiropa kana AIDS dzakatosunda vazhinji kuramba ropa nokuda kwezvikonzero zvisati zviri zvorudzidziso. Vamwe vanototaura pamusoro paikoku, kunodokuva sokunge vanofamba pasi pomureza unoti, “Ropa Mushonga Wakaipa.” Kunobvira kuti muKristu angakweverwa mukufamba ikoko. Asi iko kufamba munzira ine mugumo unouraisa. Seiko?
22. Murangariroi wechokwadi woupenyu norufu watinofanira kuva nawo? (Muparidzi 7:2)
22 MaKristu echokwadi anoziva kuti kunyange nokurapa kwakanakisisa muzvipatara zvakaisvonakisisa, panguva yakati vanhu vanofa. Pane isirwo yeropa kana pasina, vanhu vanofa. Kutaura izvozvo hakusati kuri kuva muurayi. Kuva wechokwadi. Rufu iidi roupenyu nhasi. Vanhu vanozvidza mutemo waMwari paropa kazhinji kazhinji vanowana kuvadziko inokurumidza kana inononoka inobva muropa. Vamwe vanotofa neropa rakaisirwa. Zvisinei, sezvo tose zvedu tichifanira kuziva, avo vanopukunyuka kuisira havana kuwana upenyu husingaperi, naizvozvo ropa haribvumikisi kuva rakaponesa upenyu hwavo nokusingaperi. Pane rumwe rutivi, vazhinjisa vanoramba ropa, nokuda kwezvikonzero zvorudzidziso uye/kana kuti zvokurapwa, bva vachigamuchira mushonga unotsiva vanoita zvakanaka zvikuru mukurapwa. Nokudaro vangarebesa upenyu hwavo kwamakore akawanda—asi kwete nokusingagumi.
23. Mitemo yaMwari paropa inowirirana sei nokuva kwedu vanotadza navanoda rudzikinuro?
23 Kuti vanhu vose vapenyu nhasi havana kukwana uye vari kufa zvishoma nezvishoma kunotitungamirira kupfundo guru reizvo Bhaibheri rinotaura pamusoro peropa. Mwari akaudza rudzi rwose rwomunhu kusadya ropa. Neiko? Nemhaka yokuti rinomirira upenyu. (Genesi 9:3-6) Mubumbiro roMutemo, iye akaratidza mitemo inotaura idi rokuti vanhu vose vanotadza. Mwari akaudza vaIsraeri kuti kupfurikidza nokupa zvibairo zvemhuka, vaigona kuratidza kuti zvivi zvavo zvaida kufukidzwa. (Revhitiko 4:4-7, 13-18, 22-30) Kunyange zvazvo ikoko kusati kuri chaanotikumbira nhasi, kune revo zvino. Mwari akaita donzo kugovera chibairo icho chaizogona kuyananisa zvizere zvivi zvavatendi vose—rudzikinuro. (Mateo 20:28) Ichi ndicho chikonzero nei tichifanira kuva nomurangariro waMwari weropa.
24. (a) Neiko kungava chikanganiso kubata njodzi dzoutano sepfundo guru pamusoro peropa? (b) Chii chaizvoizvo chinofanira kuva hwaro hwomurangariro wedu wokushandisa ropa?
24 Kwaizova chikanganiso kupa ngwariro zvikurukuru panjodzi dzoutano dzeropa, nokuti ikoko kwakanga kusiri ngwariro yaMwari. VaIsraeri vangave vakawana betsero dzakati dzoutano kupfurikidza nokunwa ropa, kungofanana nokubetserwa kwavangave vakaita kupfurikidza nokusadya nyama yenguruve kana yemhuka dzine tsvina. (Dheuteronomio 12:15, 16; 14:7, 8, 11, 12) Yeuka, kunyanguvezvo, kuti apo Mwari akapa Noa maruramiro okudya nyama, haana kurambidza kudyiwa kwenyama yemhuka dzakadaro. Asi iye akaraira kuti vanhu havafaniri kudya ropa. Mwari akanga asiri kuisa ngwariro zvikurukuru panjodzi dzoutano dzinobvira. Ikoko kwakanga kusiri pfundo rinokosha kumurairo wake paropa. Vanamati vake vaifanira kuramba kutsigira upenyu hwavo neropa, kwete zvikurukuru nemhaka yokuti kuita saizvozvo kwakanga kusiri utano hwakanaka, asi nemhaka yokuti kwakanga kusiri kutsvene. Vakaramba ropa, kwete nemhaka yokuti rakanga rakashatiswa, asi nemhaka yokuti rakanga richikosha. Vaigona kuwana kanganwiro kupfurikidza bedzi neropa rechibairo.
25. Ropa rinogona sei kuponesa upenyu nokusingagumi?
25 Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nesu. Pana VaEfeso 1:7, muapostora Pauro akatsanangura, kuti: “Uyo [Kristu] watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake.” Kana Mwari achikanganwira zvivi zvomumwe munhu ndokurangarira iyeyo saakarurama, munhu wacho ane kariro youpenyu husingagumi. Naizvozvo ropa rorudzikinuro raJesu rinokwanisa kuponesa upenyu—nokusingagumi, kutaura idi, nokusingaperi.
[Mashoko Omuzasi]
a Murairo wacho wakaguma, nokuti: “Kana mukazvichengeta mumene nokungwarira pazvinhu izvi, muchabudirira. Utano hwakanaka kwamuri!” (Mabasa 15:29, NW) Tsinhiro yokuti “Utano hwakanaka kwamuri” yakanga isiri chipikirwa chokuti, ‘Kana mukarega ropa kana ufeve, muchava noutano huri nani.’ Kwaingovawo hako kupfiga tsamba, kwakadai sokuti, ‘Sarai zvakanaka.’
b Zvinotsiva kuisirwa ropa zvizhinji zvinobudirira zvinohwirudzurwa mubhurocha rinonzi How Can Blood Save Your Life?, rakabudiswa muna 1990 neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Chii chiri chikonzero chikuru nei Zvapupu zvaJehovha zvichiramba kuisirwa ropa?
◻ Ufakazii hunosimbisa kuti chimiro cheBhaibheri paropa hachisati chiri chisina mufungo mumushonga?
◻ Rudzikinuro runobatanidzwa sei nomutemo weBhaibheri paropa?
◻ Ndeipi iri nzira bedzi iyo ropa rinogona kuponesa upenyu nokusingagumi?
[Bhokisi riri papeji 10]
KUISIRWA NOKUTAPURWA NEHOSHA
Pashure pehwirudzuro huru yokuti kuisira ropa kungaita kuti murwere ave anotapurwa zviri nyore nehosha here, Dr. Neil Blumberg akapedzisa, kuti: “Pafundo 12 dzokurapa [dzenhau yacho], 10 dzakawana kuti kuisira kwakanga kwakabatanidzwa zvikuru uye nenzira yokuzvimirira nenjodzi yakawedzerwa yokutapurwa noutachiona . . . Mukuwedzera, kuisira panguva yakati iri kure pamberi pokuvhiya kungatapura kudzivisa kwomurwere kutapukirwa nehosha kana miuyo yokudzivisa kutapurwa nehosha yokuisira yagara zvikuru sokukarakadza kunoita dzimwe fundo . . . Kana aya mashoko achigona kutambanudzwa ndokusimbiswa, kunooneka kuti tapuro dzinorwadza dzapashure pokuvhiiwa dzingagona kuva kuoma kunokosha zvikurusa kunozivikanwa navose kwakabatanidzwa nokuisira kunowirirana.”—Transfusion Medicine Reviews, October 1990.
[Mufananidzo uri papeji 8]
Masero matsvuku eropa akakudzwa. “‘Microliter’ (maaunzi 0.00003) imwe neimwe yeropa ine masero matsvuku eropa anovambira pamamirioni 4 kusvikira kumamirioni 6.”—“The World Book Encyclopedia”
[Kwazvakatorwa]
Kunkel-CNRI/PHOTOTAKE NYC