Unogadzirisa sei Kusawirirana?
ZUVA nezuva tinoshanda pamwe navanhu vane unhu hwakasiyana-siyana. Kakawanda izvi zvinotiunzira mufaro nemaonero matsva. Pane dzimwe nguva, zvinounza kusawirirana, kumwe kwacho kwakakura asi kumwe kwacho kunongova hako kupesana kuduku muupenyu hwedu hwezuva nezuva. Kungava kworudzi rwupi norwupi, mabatiro atinoita nokusawirirana kwedu ane zvaanoita patiri mupfungwa, mumwoyo, nomumudzimu.
Kuita zvatinogona kuti tipedze kusawirirana zvechokwadi kuchabatsirawo kuti tive noupenyu hwakanaka uye ukama hune rugare zvikuru navamwe. Chirevo chekare chinoti: “Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri.”—Zvirevo 14:30.
Mukupesana kwakasimba pane chokwadi chiri pachena chokuti: “Munhu usingadzori mweya wake, wakafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.” (Zvirevo 25:28) Ndiani wedu angada kuita kuti tisatane kuva namafungiro asina kururama anogona kuita kuti tiite nenzira dzisina kukodzera—nzira dzinogona kukuvadza vamwe nesu? Mhinduro dzehasha dzisingadzorwi dzinogona kuita izvozvo chaizvo. MuMharidzo yapaGomo, Jesu akakurudzira kuti tinzvere maitiro edu, angagona kuva nezvaanoita pamagadzirisiro atinoita kusawirirana kupi nokupi kwatingava nako navamwe. (Mateu 7:3-5) Pane kushora vamwe, tinofanira kufunga nezvokuti tingakudziridza sei uye kuti tingaramba sei tine ushamwari nevaya vane maonere akasiyana uye vanobva kwakasiyana.
Maitiro Edu
Danho rokutanga pakugadzirisa kusawirirana kuri kuoneka kuti kungavapo kana kunotovapo nderokuziva kuti hatitani kuva nepfungwa nemaitiro zvisina kururama. Magwaro anotiyeuchidza kuti tose tinotadza uye tino“perevedza pambiri yaMwari.” (VaRoma 3:23) Uyezve, kunzwisisa kungaratidza kuti chinetso chacho hachina kubva kune mumwe munhu wacho. Nezveizvi, ngatikurukurei zvakaitika kuna Jona.
Arayirwa naJehovha, Jona akanga aenda kuguta reNinevhe kunoparidza nezvokutonga kwaMwari kwakanga kwava kuda kuitirwa vanhu vaigaramo. Mugumisiro waifadza waive wokuti guta rose reNinevhe rakapfidza ndokutenda muna Mwari wechokwadi. (Jona 3:5-10) Jehovha akaona kuti kupfidza kwavakaita kwakanga kwakakodzera kukanganwirwa, saka haana kuvaparadza. “Asi zvakaodza mwoyo waJona kwazvo, akatsamwa.” (Jona 4:1) Zvakaita Jona nokuratidzwa kwakanga kwaitwa nyasha naJehovha zvaishamisa. Nei Jona akatsamwira Jehovha? Zviri pachena kuti Jona akanyanyofunga nezvemanzwiro ake, achifunga kuti akanga asisina ruremekedzo munharaunda. Akakundikana kuonga nyasha dzaJehovha. Nomutsa, Jehovha akaita kuti Jona ave nechidzidzo chinoshanda chakamubatsira kuchinja maitiro ake ndokuona kukosha kwazvo kwenyasha dzaMwari. (Jona 4:7-11) Zvakajeka kuti maitiro aJona ndiwo aida kuchinjwa, kwete aJehovha.
Isu tingada kuchinjawo maonero atinoita imwe nhau here? Muapostora Pauro anotirayira kuti: “Pakukudzana tungamiriranai.” (VaRoma 12:10) Airevei? Kune rumwe rutivi, ari kutikurudzira kuti tiite zvine musoro uye kubata vamwe vaKristu noruremekedzo norukudzo rukuru. Izvi zvinosanganisira kuziva kuti munhu mumwe nomumwe ane ropafadzo yokuita chisarudzo chaanoda. Pauro anotiyeuchidzawo kuti: “Mumwe nomumwe achatakura mutoro wake oga.” (VaGaratiya 6:5) Nokudaro, kusawirirana kusati kwakonzera kupesana, zvingava zvinokosha sei kuti tione kana maitiro edu ariwo anoda kugadziridzwa! Tinofanira kushanda zvakasimba kuti tiratidze mafungiro aJehovha toramba tine rugare navamwe vanonyatsoda Mwari.—Isaya 55:8, 9.
Masvikire Edu
Fungidzira vana vaduku vaviri vari kudhonzerana chidhori chokutambisa, mumwe nomumwe achikakata nesimba chaizvo kuti achitore. Mashoko ehasha anogona kuvapo pakudhonzerana kwacho kuzosvikira pakupedzisira mumwe arega kubata kwake kana kuti mumwe munhu apindira.
Nhoroondo yaGenesi inotiudza kuti Abrahamu akanzwa kuti vafudzi vake vakanga vaitisana nharo nevafudzi vaRoti, mwanakomana womunun’una wake. Abrahamu akaita danho rokuenda kuna Roti kunoti: “Nharo ngadzirege kuvapo pakati pangu newe, napakati pavafudzi vangu navafudzi vako, nokuti tiri hama.” Abrahamu aisamboda kuita kuti gakava ripi neripi rikanganise ukama hwavo. Kusvika pamweroi? Akanga akagadzirira kurega ropafadzo yake yokutanga kusarudza somunhu mukuru; akanga akagadzirira kupa chimwe chinhu. Abrahamu akabvumira Roti kuti asarudze kwaaida kuendesa mhuri yake nemapoka ake ezvipfuwo. Nokufamba kwenguva Roti akazvisarudzira nzvimbo yakaorera yeSodhoma neGomora. Abrahamu naRoti vakaparadzana murugare.—Genesi 13:5-12.
Kuti tirambe tine ukama hworugare navamwe, takagadzirira kuita semaitiro akaita Abrahamu here? Ichi chiitiko chiri muBhaibheri chinotipa muenzaniso wakanaka kwazvo wokutevedzera patinenge tichigadzirisa kusawirirana. Abrahamu akakumbira kuti: “Nharo ngadzirege kuvapo.” Chido chaAbrahamu chaicho-icho chakanga chiri chokusvika pakugadzirisana murugare. Chokwadi kukumbira kwakadaro kuti parambe pane ukama hune rugare kungabatsira kubvisa kusanzwisisana kupi nokupi. Ipapo Abrahamu akagumisa nemashoko okuti “nokuti tiri hama.” Kudirei kukanganisa ukama hunokosha kudaro nemhaka yezvaunoda bedzi kana kuti yokudada? Abrahamu akaramba akatarisa zvakajeka pane zvaikosha. Akaita kudaro nokuzviremekedza norukudzo, panguva imwe chete achikudza mwanakomana womunun’una wake.
Kunyange mamiriro ezvinhu achimuka apo kupindira kwavamwe kungadiwa kuitira kugadzirisa chinetso, zviri nani sei kana chinetso chacho chikagadziriswa muri moga! Jesu anotikurudzira kuita nhanho yokutanga pakuita rugare nehama yedu, tichikumbira ruregerero kana zvakafanira kuti tidaro.a (Mateu 5:23, 24) Zvichada kuzvininipisa, kana kuti pfungwa dzinozvidukupisa, asi Petro akanyora kuti: “Zvisungei nepfungwa dzinozvidukupisa kune mumwe nomumwe, nokuti Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa mutsa usina kufanirwa vanozvininipisa.” (1 Petro 5:5) Nzira yatinobata nayo vatinonamata navo ine zvainoita zvakananga paukama hwedu naMwari.—1 Johani 4:20.
Muungano yechiKristu, tingafanira kurega kodzero yedu kuitira kuti tichengetedze rugare. Vakawanda vevari kusonganira neZvapupu zvaJehovha zvino vakauya mumhuri yaMwari yavanamati vechokwadi mumakore mashanu apfuura. Izvi zvinounza mufaro wakadini kumwoyo yedu! Nzira yatinozvibata nayo zvechokwadi ine zvainoita pane ava navamwe vari muungano. Ichi chikonzero chakanaka chokufunga zvakadzama nezvevaraidzo dzatinosarudza, zvinotifadza, nhandaro, kana basa, tichifunga kuti vamwe vanotiona sei. Maitiro edu api naapi kana kuti mashoko angasanzwisiswa uye ova chikonzero chokugumbura vamwe here?
Muapostora Pauro anotiyeuchidza kuti: “Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo; asi hazvisi zvinhu zvose zvinobetsera. Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo; asi hazvisi zvinhu zvose zvinovaka. Mumwe nomumwe ngaarambe achitsvaka, kwete zvake oga, asi zvomumwe munhu.” (1 VaKorinde 10:23, 24) Sezvo tiri vaKristu, tine hanya zvikuru nokuvaka rudo nokubatana zvoukama hwechiKristu.—Pisarema 133:1; Johani 13:34, 35.
Mashoko Anopodza
Mashoko anogona kuva nezvaanoita zvakasimba pakuita zvakanaka. “Mashoko, anofadza, akaita somusvi wouchi, zvinotapira kumweya zvichiporesa mapfupa.” (Zvirevo 16:24) Nhoroondo yokudzivisa kwaGidheoni hondo yaigona kuitika navaEfraimi inoratidza chokwadi chamashoko aya.
Gidheoni, akabatanidzwa zvakasimba muhondo navaMidhiani, akakumbira rudzi rwaEfraimi kuti rwubatsire. Zvisinei, hondo yacho yapera, Efraimi akamukira Gidheoni akatsutsumwa zvikuru kuti akanga asina kuvadana pavakanotanga kurwa. Nhoroondo yacho inoti “vakamupopotera kwazvo.” Gidheoni akapindura kuti: “Ini zvino ndaiteiko hangu, kana ndichizvifananidza nemi? Handiti zvaunganidzwa naEfraimi zvinopfuura kukohwa kwose kwaAbiezeri here? Mwari wakaisa machinda maviri aMidhiani, Orebi naZeebi, mumaoko enyu, zvino ini ndaigona kuiteiwo, kana ndichizvifananidza nemi?” (Vatongi 8:1-3) Namashoko ake akanyatsosarudzwa, anopodza, Gidheoni akadzivisa ingadai yakazova hondo yamarudzi inoparadza zvikuru. Vorudzi rwaEfraimi ivavo vangadai vaiva nechinetso chokuzvikoshesa uye kudada. Zvisinei, izvozvo hazvina kumisa Gidheoni pakuedza kuunza mugumisiro une rugare. Tingaita zvakadarowo here?
Kutsamwa kungakura mune vamwe kwoita kuti vatiitire utsinye. Ziva manzwiro avo, uye shandira kunzwisisa maonero avo. Isu tingadai takaitawo zvimwe zvinhu zvinoita kuti vanzwe kudaro here? Kana Zvakadaro, tinodii kubvuma zvatakaita mukukonzera chinetso chacho toratidza kuti tinozvidemba kuti takawedzera chinetso chacho. Mashoko mashomanana akanyatsofungwa anogona kudzorera ukama hwakakuvadzwa. (Jakobho 3:4) Vamwe vakatsamwa vangangoda kuti tivavimbise nomutsa. Bhaibheri rinotaura kuti “moto unodzima nokushaiwa huni.” (Zvirevo 26:20) Hungu, mashoko akasarudzwa nokungwarira achitaurwa nenzira kwayo anga‘dzora kutsamwa’ uye ova chinhu chinoporesa.—Zvirevo 15:1.
Muapostora Pauro anokurudzira kuti: “Kana zvichibvira, sokugona kwenyu, ivai norugare nevanhu vose.” (VaRoma 12:18) Ichokwadi kuti hatigoni kudzora manzwiro avamwe, asi tinogona kuita zvatinokwanisa pachedu kuti tisimudzire rugare. Pane kudzorwa namapinduriro edu asina kukwana kana avamwe, tinogona kuita chiito zvino kuti tishandise nheyo dzeBhaibheri dzine padzakavakirwa. Kugadzirisa kupesana munzira iyo Jehovha anotirayira kuti tiite nayo kuchaguma nokuva kwedu norugare nomufaro zvisingaperi.—Isaya 48:17.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya dzinoti “Kanganwira Nomwoyo Wako Wose” uye “Ungawana Hama Yako,” dziri muNharireyomurindi yaOctober 15, 1999.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Tinoomerera pakuti zvinhu zviite sezvatinoda here?
[Mufananidzo uri papeji 25]
Abrahamu akagadza muenzaniso wakanaka kwazvo wokubvuma kuzvidukupisa kuitira kuti agadzirise kusawirirana