-
Bhuku reBhaibheri Nhamba 1—Genesi“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
-
-
31. Kupfurikidza nenongedzero kuchati iri pane iyi peji, ratidza kuti bhuku raGenesi rine (a) uporofita hune revo uye (b) nheyo dzinokosha.
31 Magwaro echiGiriki echiKristu anoita nongedzero kuchinoitika chakatanhamara chiri chose nomunhu zvakanyorwa mubhuku raGenesi. Kupfuurirazve, sezvinoratidzwa muMagwaro ose, uporofita hwakanyorwa mubhuku raGenesi hwakazadzikwa nomutoo usingakanganisi. Humwe hwaihwohwu, “makore ana mazana mana” enhamo pambeu yaAbrahama, hwakatanga apo Ishmaeri akanyomba Isaka muna 1913 B.C.E. uye hwakaguma nokununurwa muEgipita muna 1513 B.C.E.e (Gen. 15:13) Mienzaniso yohumwe uporofita hune revo nezadziko yahwo inoratidzwa muchati ine iyi peji. Uyewo dzebetsero huru mukuvaka kutenda nenzwisiso ndidzo nheyo dzoumwari dzakatanga kutaurwa mubhuku raGenesi. Vaporofita vekare, pamwe chete naJesu navadzidzi vake, kazhinji kazhinji vainongedzera uye vaishandisa zvikamu zvamashoko zvinobva mubhuku raGenesi. Tichaita zvakanaka kutevera muenzaniso wavo, uye kufundwa kwechati ine iri peji kunofanira kubatsira muna ikoku.
-