Abrahama—Muenzaniso Wavose Vanotsvaka Ushamwari hwaMwari
“Haana kuneta mukutenda, . . . achipwiswa zvizere kuti izvo [Mwari] akanga apikira akanga achikwanisawo kuita.”—VAROMA 4:19-21, “NW.”
1. Neiko Satani akaedza kuzvidza chinyorwa chine chokuita naAbrahama?
SHOKO roumwari rinooneswa muMagwaro i“benyu uye rinoshandisa simba.” (VaHebheru 4:12, NW) Nokudaro, nhauro yokubata kwaJehovha naAbrahama, kunyange zvazvo yakanyorwa makore anopfuura 3 500 apfuura, manyuko ekurudziro kuvose vanotsvaka ushamwari hwaMwari. (VaRoma 15:4) Muvengi mukuru, Satani, anoziva ikoku uye akashandisa vatungamiriri vorudzidziso kuedza kupanikira chinyorwa ichocho sorungano.—2 VaKorinte 11:14, 15.
2. Vadzidzi vaJesu vakava nomurangariroi waAbrahama?
2 Sorutivi rwo“Rugwaro rwose . . . rwakafuridzirwa naMwari,” nhau yaAbrahama ndeyechokwadi uye “inobetsera nokuda kwokudzidzisa” kwechiKristu. (2 Timotio 3:16; Johane 17:17) Vadzidzi vapakuvamba vaJesu zvamazvirokwazvo vakanzwisisa ikoku, Abrahama achiva anodudzwa ka 74 muMagwaro echiGiriki echiKristu. Muganhuro yechi 11 inokurudzira kutenda yaVaHebheru, nzvimbo yakawanda inotsaurirwa kwaari kupfuura kumumwe mubatiri upi noupi wapamberi pechiKristu waMwari.
3. Abrahama akakudzwa sei zvikuru kwazvo?
3 Abrahama akanga asiri “muporofita” wenhando, nokuti Jehovha akamushandisa kuita “chinoitika chokufananidzira” chikuru umo tateguru akakudzwa zvikuru kwazvo mukushanda somufananidzo wouporofita waMwari amene. (Genesi 20:7; VaGaratia 4:21-26) Nokudaro, Jesu akataura nezve“chipfuva chaAbrahama” apo aienzanisira nzvimbo yenyasha dzaMwari.—Ruka 16:22.
Chiito Chake Chokutanga Chokutenda
4. Mukuwirirana neBhaibheri, kubata kwaMwari naAbrama kwakavamba sei?
4 Abrama, seizvo iye akatumidzwa pakutanga, akarererwa mu“Uri yavaKardhia.” Paakanga achigaramo, Jehovha Mwari akaoneka kwaari ndokuti: “Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yababa vako, uende kunyika yandichakuratidza iyo; ndichakuita rudzi rukuru, ndichakuropafadza, ndichakudza zita rako, iwe uropafadze vamwe. Ndicharopafadza ivo vanokuropafadza; unokutuka, ndichamutukawo; marudzi ose enyika acharopafadzwa mauri.”—Genesi 12:1-3; 15:7; Mabasa 7:2, 3.
5. (a) Chipikirwa chaMwari chinofanira kuva chakaorora sei mwoyo waAbrama? (b) Abrama akaita sei kuchipikirwa chacho?
5 Idanidzo inodenha zvakadini! Nokuda kwaAbrama, kuiteerera kwakareva kusiya mhoteredzo dzakaisvonaka nehama dzake dzokunyama kwoupenyu hwose kure munyika yechienzi. Asi mwoyo waAbrama wakaororwa zvikuru nechipikirwa chorudo chaMwari. Somutana asina mwana ane mudzimai asina kubereka, zita rake rakaratidzika kuva rakatemerwa kukurumidza kukanganwiwa. Chipikirwa chaMwari chakavimbisa zvakapesana: “Rudzi rukuru” rwaizobva kwaari. Uyezve, chipikirwa chaMwari chakabatanidza ziviswo inoshamisa yamashoko akanaka nokuda kworudzi rwose rwomunhu, inonongedzera mberi kunguva apo marudzi ose aizokomborerwa. (VaGaratia 3:8) Abrama akashandisa kutenda muchipikirwa chaJehovha uye akabva panzvimbo yeshambidziko yakavandudzika. “Akabuda akaenda,” Bhaibheri rinotiudza kudaro, “asingazivi kwaanoenda.”—VaHebheru 11:8.
6. (a) Neiko Genesi 11:31 ichipa mbiri kuna Tera yokutama? (Mabasa 7:2-4) (b) Sara akanga ari muenzaniso wavakadzi vechiKristu nhasi munzirai?
6 Kutenda kwaAbrama kwakatapura vamwe. Mhuri yake, pamwe chete naTera, baba vake, uye Roti, mwanakomana womunun’una wake, vakaenda naye. Zvisinei, nemhaka yokuti Tera akanga ari musoro wemhuri wamadzitateguru, anopiwa mbiri yokutama kwacho. (Genesi 11:31) Yakafanirwa nokucherechedza itsigiro Abrama akagamuchira kumudzimai wake, Sarai, gare gare akanzi Sara. Iye akatsungirira mupimo wakaderera wokurarama kworutivi rwose rwasara rwoupenyu hwake. (Genesi 13:18; 24:67) Nenzira inonzwisisika, parufu rwake, “Abrahama akauya kuzochema Sara nokumuririra.” (Genesi 23:1, 2) Nemhaka yokutenda kwake kwakasimba nokuzviisa pasi kwomudzimai kwomwoyo wose, iye anooneswa somuenzaniso worunako rwomudzimu rwechokwadi nokuda kwavakadzi vechiKristu.—VaHebheru 11:11, 13-15; 1 Petro 3:1-6.
7. MaKristu nhasi akaratidzira munzirai kutenda kwakafanana nouko kwaAbrahama naSara?
7 MaKristu akawanda nhasi akaratidza kutenda kwakafanana kupfurikidza nokuzvipira kuparadzira Shoko raMwari munzvimbo umo mune kushaiwa kukuru kwavaparidziri voUmambo uye nokuda kwokuvakwa nokushandiswa kwenzvimbo itsva dzokutsikirira nokutumira mabhuku eBhaibheri. (Mateo 24:14) Aya maKristu akagoverana mukuteerera murairo wokuti, “Endai . . . muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose.” Mukuenda kunyika isingazivikanwi, ivo kazhinji kazhinji vakatofanira kuchinjira kumupimo wakasiana wokurarama. Vamwe vakarega zvokunyama zvakatanhamara kuti vaite vadzidzi munharaunda mavo vamene.—Mateo 28:19, 20, NW.
Zvimwe Zviito Zvokutenda
8. Chiiko chakatungamirira kukuoneka kwechipiri kwaJehovha kuna Abrama?
8 Abrama akamira muguta reHarani kutozosvikira parufu rwababa vake, Tera. (Genesi 11:31, 32) Ipapo mhuri yake yakayambuka Rwizi rwaYufratesi ndokunanga kumaodzanyemba. Pakupedzisira ivo vakasvika “nzvimbo yeShekemi” pakati penyika yeKanani. Iyoyi inofanira kuva yaiva chiono chinofadza zvakadini! Shekemi iri mubani rakaorera riri pakati pamarungwerungwe maviri amakomo ane urengarenga paGomo reEbhari neGomo reGerizimi. Yakarondedzerwa se“paradhiso yeNyika Tsvene.” Nenzira yakakodzera, Jehovha pano akaonekazve kuna Abrama ndokuti: “Ndichapa vana vako nyika iyi.”—Genesi 12:5-7.
9. (a) Abrama akapfuurira kuratidzira kutenda munzirai yakatanhamara? (b) Chidzidzoi chatinodzidza muna ikoku?
9 Abrama akapindura nechimwe chiito chokutenda. Nhauro inoti: “Akavakira Jehovha atari ipapo.” (Genesi 12:7) Sezvingabvira, ikoku kwakabatanidza kubaira chibairo chemhuka, nokuti shoko rechiHebheru nokuda kwa“atari” rinoreva “nzvimbo yechibairo.” Gare gare, Abrama akadzokorora izvi zviito zvokutenda mumamwe mativi enyika. Mukuwedzera, iye ‘akadana pazita raJehovha.’ (Genesi 12:8; 13:18; 21:33) Chitsama chamashoko chechiHebheru chinoti “kudana pazita” chinorevawo “kuzivisa (kuparidza) zita.” Mhuri yaAbrama pamwe chete navaKanani vanofanira kuva vakamunzwa achizivisa noushingi zita raMwari wake, Jehovha. (Genesi 14:22-24) Nenzira yakafanana, vose vanotsvaka ushamwari hwaMwari nhasi vanofanira kudana pazita rake mukutenda. Ikoku kwaizobatanidza kugoverana mukuparidzira pachena, “nguva dzose kupa kuna Mwari chibairo cherumbidzo, ndiko kuti, chibereko chemiromo iyo inoita ziviso yapachena kuzita rake.”—VaHebheru 13:15, NW; VaRoma 10:10.
10. (a) Abrama akashandisa kutenda mudzimwe nzirai? (b) Muenzanisoi waakagadza nokuda kwemisoro yemhuri yechiKristu? (1 Timotio 3:12)
10 Kutenda kwaAbrama muna Jehovha kwakashandiswa mudzimwe nzira dzakawanda. Iye akaita zvibairo nokuda kworugare asi akabata nenjodzi noushingi. (Genesi 13:7-11; 14:1-16) Kunyange zvazvo akanga akapfuma, akanga asingadisi zvenyika. (Genesi 14:21-24) Panzvimbo pezvo, iye aiva nomutsa uye aitsigira norupo kunamatwa kwaJehovha. (Genesi 14:18-20; 18:1-8) Zvinokosha zvikurusa, iye akanga ari musoro wemhuri womuenzaniso uye akatevera muraidzo waJehovha kupfurikidza nokuraira vanakomana vake nemhuri yake vapashure pake zvokuti ivo vakachengeta “nzira yaJehovha yokuita kururama.” (Genesi 18:19) Muna ikoku, mhuri yaAbrama yakatora nzira inopesana zvikuru neiyo yavashatisi vevatano veKanani muSodhoma neGomora zvaiva pedyo. Abrama zvamazvirokwazvo angadai asina kushivirira zvivi zvakakomba zvakadaro mumhuri make. Kuti iye akatungamirira mhuri yake nomutoo wakaisvonaka kunoratidzirwa munzira iyo mitezo yayo yakamutevedzera kupfurikidza nokudana pazita raJehovha mukutenda.—Genesi 16:5, 13; 24:26, 27; 25:21.
“Iye Haana Kuneta Mukutenda”
11. Abrama akakwanisa sei kutsungirira so“muenzi . . . munyika yokumwe” kwamakore ane zana?
11 Kutenda kwakasimba kwaAbrama kwakamubetsera kutsungirira nhamo sezvaakagara kwamakore ane zana rimwe pakati pavanhu vaiti nyika ndeyavo vamene. (Genesi 12:4; 23:4; 25:7) Bhaibheri rinoti: “Nokuti wakandogara somutorwa munyika yechipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatende naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwe chete naye; nokuti wakanga achitarira guta [Umambo hwaMwari] rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro. [Asi, kudai (iye) zvamazvirokwazvo akanga aramba achiyeuka nyika iyoyo (iye) akanga abva pairi, (iye) angadai akava nebanza nokudzokera NW].”—VaHebheru 11:9, 10, 15; enzanisa naVaHebheru 12:22, 28.
12. Abrama akava nebanzai rapakuvamba rokudzokera kuUri, uye akabata sei njodzi yacho?
12 Abrama akanga asina kugara kwenguva refu muKanani apo nzara yakakomba yakamupa “banza rokudzokera.” Uri, zvaraigoverwa mvura yakawanda neRwizi rwaYufratesi, yakanga isingatsamiri pamvura inonaya zvakananga. Panzvimbo pokudzokerako, zvisinei, Abrama akaisa kutenda muna Jehovha ndokunanga munzira yakasiana—Egipita. Ikoko kwakanga kune ngozi. Zvaaiva nomudzimai akaisvonaka, wokumwe, Abrama, akanga ari mungozi youpenyu hwake munyika iyoyo yechienzi. Kunyanguvezvo, iye akangwarira kupfurikidza nokukumbira Sarai kuvanza ukama hwavo hweroorano. Jehovha akakomborera Abrama nokuda kwokutenda kwake, uye nokukurumidza akakwanisa kudzokera kuNyika Yakapikirwa noupfumi hukuru zvikuru kupfuura nakare kose.—Genesi 12:10–13:2; 20:12.
13. Chii chinofananidzirwa nokusabereka kwaSarai uye nokuvanza kwaAbrama ukama hwake hweroorano kwaari?
13 Ikokuwo kwakaumba rutivi rwechinoitika chouporofita icho Abrama asingazivi akaita nokuda kwomuraidzo wedu. Sarai, uyo akanga achiri asingabereki, akafananidzira sangano rakafanana nomudzimai rokudenga raJehovha rengirozi dzakavimbika. Uyu mukadzi akaisvonaka wokufananidzira aifanira kumirira anopfuura makore 4 000 asati agona kugovera mbeu yechokwadi yaAbrahama Mukuru, Jehovha Mwari. Kutambudzwa chaiko kwavabatiri vakatendeka vaMwari mukati mamakore iwayo ose okumirira pane dzimwe nguva kwakaita kuti kuratidzike sokunge kuti Jehovha akanga avanza ukama hwake hwomurume naye.—Genesi 3:15; Isaya 54:1-8; VaGaratia 3:16, 27, 29; 4:26.
14. (a) Sarai pakupedzisira akaita sei kukusabereka kwake? (b) Chii chakaitika mugore rechi 100 raAbrama, uye nei?
14 Pashure pokutsungirira sowokumwe kwamakore gumi, Abrama akanga achiri asina mwanakomana somudyi wenhaka. Mukupererwa nezano, Sarai akamukumbira kubereka mwana nomuranda wake, Hagari. Abrama akabvuma uye Ishmaeri akaberekwa. (Genesi 12:4; 16:1-4, 16) Asi mbeu yakapikirwa yechikomborero yaifanira kuuya kupfurikidza nomumwe munhuwo zvake. Mugore rechi 100 raAbrama, zita rake rakachinjirwa kuna Abrahama nemhaka yokuti, sezvakataura Mwari, “ndichakuita baba weboka ramarudzi.” Zita raSarai rakachinjirwa kuna Sara nechipikirwa chokuti iye aizobereka mwanakomana.—Genesi 17:1, 5, 15-19.
15. (a) Neiko Abrahama akaseka mufungo wokumuberekera kwaSara mwanakomana? (b) Ndichimwe chitendisoi chakapa Abrahama chokutenda kwake kwakasimba?
15 Abrahama (uye gare gare Sara) vakaseka mufungo wacho nemhaka yokuti ose ari maviri masimba ake neaSara okubereka akanga aguma. (Genesi 17:17; 18:9-15) Asi ikoku kwakanga kusiri kuseka kwokusadavira kusina kutenda. Bhaibheri rinotsanangura, kuti: “Iye haana kuneta mukutenda . . . asi nemhaka yechipikirwa chaMwari iye . . . akava nesimba kupfurikidza nokutenda kwake, achipa Mwari mbiri nokupwiswa zvizere kuti icho akanga apikira aikwanisawo kuita.” (VaRoma 4:18-21, NW) Pazuva rimwe chetero, Abrahama akapa chitendiso chokutenda kwake kwakasimba. Sechiratidzo chesungano yaMwari naye, Jehovha akaudza Abrahama kudzingiswa pamwe chete nomunhurume ari wose womumhuri yake huru. (Genesi 15:18-21; 17:7-12, 26) Iye akaita seiko kuuyu murairo unorwadza? “Akavadzingisa zvikanda zvavo zvapamberi nomusi iwoyo, sezvaakaudzwa naMwari.”—Genesi 17:22-27.
16. (a) Chii chakaitika pazuva rokurumurwa kwaIsaka? (b) Kudzingwa kwaHagari naIshmaeri kwakafananidzirei?
16 Isaka, ane zita rinoreva kuti “Kuseka,” akaberekwa naSara gore rakatevera racho. (Genesi 21:5, 6) Nokukurumidza nguva yakasvika yokuti arumurwe. Mukati mamabiko, Ishmaeri ane shanje akatambudza Isaka. Pana ikoku, Sara akakurudzira Abrahama nesimba kudzinga mukadzi wouranda, Hagari, uye mwanakomana wake mumhuri. Jehovha Mwari akatsigira chikumbiro chaSara. Kunyange zvazvo akarwadzwa, Abrahama akakurumidza kuteerera. (Genesi 21:8-14) Mukuwirirana naVaGaratia 4:21-30, ikoku kwakafananidzira kuti Abrahama Mukuru aizogumisa sei ukama hwake norudzi rwaIsraeri wokunyama. Kufanana navasara vose vorudzi rwomunhu, ivo vakaberekwa savaranda vechivi. (VaRoma 5:12) Asi ivo vakarambawo Jesu Kristu, mbeu yechokwadi yaAbrahama, uyo akauya kuzovasunungura. (Johane 8:34-36; VaGaratia 3:16) Uye sezvo Ishmaeri akatambudza Isaka, ivo vakatambudza ungano yechiKristu yakanga ichangobva kuumbwa yaIsraeri womudzimu, avo vakanga vari rutivi rwechipiri rwembeu yaAbrahama.—Mateo 21:43; Ruka 3:7-9; VaRoma 2:28, 29, 8:14-17, 9:6-9; VaGaratia 3:29.
Muedzo Wake Mukurusa Wokutenda
17. Kutenda kwaAbrahama kwakatevera kuedzwa sei zvakakomba?
17 Hakubviri kuti baba vapi navapi vohunhu vakava norudo rukuru rwomwanakomana kupfuura urwo mukweguru Abrahama aiva narwo nokuda kwaIsaka. Kunofanira kuva kwaiva katyamadzo inotyisa zvakadini, ipapoka, apo iye akagamuchira uyu murairo: “Tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete, waunoda, Isaka, uende kunyika yeMoria umuite chibairo chinopiswa pane rimwe gomo randichakuudza.”—Genesi 22:1, 2.
18. Abrahama akaita sei kumurairo waJehovha wokubaira Isaka?
18 Kunofanira kuva kwakaomera Abrahama kunzwisisa chikonzero chouyu murairo unorwadza. Bva iye akaratidzira teerero yake yokukurumidza yenguva dzose. (Genesi 22:3) Kwakamutorera mazuva matatu anorwadza kuti asvike gomo rakasarudzwa. Ikoko iye akavaka atari ndokuisa huni pamusoro. Panguva ino, iye anofanira kuva akatsanangura murairo waMwari kuna Isaka, uyo aigona kuve akatiza nyore nyore. Panzvimbo pezvo, Isaka akabvumidza baba vake vakwegura kusunga makumbo namaoko ake ndokumuisa paatari. (Genesi 22:4-9) Chii chatinogona kuti chakaparira teerero yakadaro?
19. (a) Tinogona kuti kuzviisa pasi kwoushingi kwaIsaka kwakaparirwa nechii? (b) Ukama hwapakati paAbrahama naIsaka chifundo chemhuri dzechiKristu nhasi sei?
19 Abrahama akanga aita nokutendeka mitoro yake pamusoro paIsaka, sezvinooneswa pana Genesi 18:19. Pasina panikiro iye akanga aroverera pana Isaka donzo raJehovha rokumutsa vakafa. (Genesi 12:3; VaHebheru 11:17-19) Isaka, nokuda kworutivi rwake, akanga ari mudiwa worudo rukuru rwaAbrahama uye angadai akada kufadza baba vake muchinhu chiri chose, zvikurukuru apo kwaibatanidza kuita kuda kwaMwari. Ichocho chifundo chakaisvonaka zvakadini nokuda kwemhuri dzechiKristu nhasi!—VaEfeso 6:1, 4.
20. Abrahama akateerera sei, uye netusoi?
20 Zvino mugumo womuedzo wakasvika. Abrahama akabata banga rokuuraisa. Asi sezvo akanga odokuuraya mwanakomana wake, Jehovha akamumisa ndokuti: “Zvino ndinoziva kuti unotya Mwari, zvausina kundinyima mwanakomana wako, iye mwanakomana wako mumwe chete.” (Genesi 22:11, 12) Abrahama akatuswa zvikuru sei nokunzwa ziviso yaMwari amene yokururama kwake! Iye zvino aigona kunzwa ane chokwadi chokuva anowirirana neizvo Mwari anoda kumunhu asina kukwana. Zvinokosha zvikuru, kuyera kwaJehovha kwapamberi pezvi kutenda kwake kwakarevererwa. (Genesi 15:5, 6) Pashure paizvozvi, Abrahama akabaira gondohwe rakagoverwa nenenji kutsiva Isaka. Ipapo iye akanzwa Jehovha achisimbisa, nemhiko yakapikwa, zvipikirwa zvesungano. Gare gare, iye akazozivikanwa seshamwari yaJehovha.—Genesi 22:13-18; Jakobho 2:21-23.
21. Muenzanisoi wouporofita wakagoverwa pano, uye unofanira kutikurudzira kutsvakei?
21 Chibairo chaAbrahama chakanga chiri “chomufananidzo.” (VaHebheru 11:19) Icho chakafananidzira chibairo chinorwadza, chinodhura icho Jehovha Mwari akaita apo akatuma Mwanakomana wake anodiwa kupasi kuzofa se“chibairo cheGwaiana raMwari iro rinobvisa chivi chenyika.” (Johane 1:29, NW) Uye kudisa kwaIsaka kufa kunoenzanisira kuti Isaka Mukuru, Jesu Kristu, akabvuma norudo sei kuita kuda kwaBaba vake vokudenga. (Ruka 22:41, 42; Johane 8:28, 29) Pakupedzisira, seizvo Abrahama akagamuchira mwanakomana wake ari mupenyu achibva paatari, Jehovha akagamuchira Mwanakomana wake anodiwa achibva muna vakafa sechisikwa chomudzimu chine mbiri. (Johane 3:16; 1 Petro 3:18) Ikoku kwose kunokurudzira sei nokuda kwavatsvaki voushamwari hwaMwari nhasi!
22. Boka rakasarudzwa ravanhu vakabetserwa sei norudo rwakaisvonaka rwaMwari?
22 Kupfurikidza nokushandisa kutenda muichi chiito chakaisvonaka chorudo chaAbrahama Mukuru, Jehovha Mwari, boka rakasarudzwa ravanhu rakaruramiswa savanakomana vaMwari. (VaRoma 5:1; 8:15-17) Zvavakatanga kutorwa muvaJudha uye ipapo muVamarudzi, ivava vakakomborerwa zvamazvirokwazvo kupfurikidza neMbeu yaAbrahama, Jesu Kristu. (Mabasa 3:25, 26; VaGaratia 3:8, 16) Uyewo, ivo vanoumba rutivi rwechipiri rwembeu yaAbrahama. (VaGaratia 3:29) Vakadaro pakupedzisira vanosvika 144 000 uye, kufanana naJesu, vanomutsirwa kuupenyu hwokudenga pashure pokuzvibvumikisa vamene vakatendeka kusvikira kurufu.—VaRoma 6:5; Zvakazarurwa 2:10; 14:1-3.
23. (a) Mamirioni ava kutokomborerwa sei kupfurikidza navakasarira vembeu yaAbrahama? (2 VaKorinte 5:20) (b) Ndizvimwe zvikomboreroi zviri mberi nokuda kwe“boka guru”?
23 Munguvayi, mamirioni anobva mumarudzi ose ari ‘kuzvikomborera amene’ nokugamuchira kwawo ushumiri hworudo hwavakasarira vashoma vembeu yaAbrahama. (Genesi 22:18) Ivo vakafadzwa nokuziva kuti vanhu vanotadza vanogona sei kururamiswa seshamwari dzaMwari. Somuuyo, “boka guru . . . rinobva mumarudzi ose” vari kufarikanya nyasha dzaMwari, vachiva “vakasuka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwaiana.” Vakasarira vachitungamirira, ivowo vanoitira Mwari “basa rinoyera masikati nousiku.” Yakaiswa pamberi peiri boka guru itariro inoshamisa youpenyu husingaperi muParadhiso sa“vana vaMwari” vapasi. (Zvakazarurwa 7:9-17, NW; 21:3-5; VaRoma 8:21; Pisarema 37:29) Zvisinei, zvikomborero zvakadaro zvisati zvava chinhu chaicho, zvinoitika zvoukoshi hukuru zvikuru zvinofanira kuitika, sezvatichadzidza munyaya inotevera.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Kutenda kwaAbrahama nemhuri yake kwakaedzwa sei?
◻ MaKristu nhasi akaratidza sei kutenda kwakafanana?
◻ Abrahama akashandisa kutenda mudzimwe nzirai?
◻ Abrahama, Sara, uye Isaka muenzaniso sei nokuda kwemhuri dzechiKristu?
◻ Chii chakaratidzirwa nechiito chikurusa chaAbrahama chokutenda?