Munhu Upi Noupi Akaona Mwari Here?
TATEGURU akakurumbira Abrahama, uyo akararama anopfuura makore 1 900 pamberi pokuberekwa kwaJesu Kristu, airangarirwa noushamwari kwazvo noMusiki wedu zvokuti akanzi “shamwari yaMwari.” (Jakobho 2:23, Byington) Kudai munhu upi noupi aizopiwa ropafadzo yokuona Mwari, zvirokwazvo Abrahama aizova munhu iyeyo. Eya, panhambo yakati, vashanyi vatatu vakauya kwaari vane shoko roumwari. Abrahama akataura kumumwe wavo saJehovha. Ikoku kunoreva here kuti Abrahama akaona Mwari zvomenemene?
Iyi nhauro inowanwa pana Genesi 18:1-3. Imomo tinorava, kuti: “Zvino Jehovha akazviratidza kwaari pamiti yemiouki yeMamre, agere pamukova wetende masikati zuva richipisa, akasimudza meso ake, akatarira, akaona varume vatatu vamire vakatarisana naye; wakati achivaona, akabva pamukova wetende, akamhanya kundosongana navo, akakotamira pasi, akati: ‘Ishe wangu, kana ndawana nyasha kwamuri, musapfuura henyu pamuranda wenyu.’”
Gare gare, apo Abrahama navashanyi vake vatatu vakanga vachiona Sodhoma vari panzvimbo yakakwirira, vaviri vakabva kuti vandoshanyira guta. Gen. 18 Ndima 22 ipapo inoti: “Asi Abrahama wakaramba amire pamberi paJehovha.” Kungaratidzika kubva muna ikoku kuti Mwari akanga ana Abrahama akapfeka muviri wenyama. Izvi ndizvo zvinotaura vamwe vanhu vanodavira kuti Mwari naJesu Kristu ndimunhu mumwe uye mumwe cheteyo.
Pamusoro paGenesi 18:3, Mudzidzi weBhaibheri Melancthon W. Jacobus akanyora, achiti: “Pano Mwari anooneka kwenguva yokutanga muchinyorwa somunhu pakati pavanhu, kuti aratidze zvomene yoKuvapo kwake, uye youkama Hwake navanhu, uye kupfurikidza neichi chiito chaicho kuvimbisa tateguru nezvechinzwano choUmwari noushamwari.” Avo vane uyu murangariro vangagona kugumisa kuti Abrahama akaona Jehovha zvomenemene nameso ake chaiwo uye kuti vanhu vakaona Jesu Kristu vakaonawo Mwari. Asi iyi mhedziso iri mutsinhirano neBhaibheri here?
Izvo Jesu Akataura
Panzvimbo pokuzivisa kuti iye akanga ari Mwari munyama, Jesu Kristu akati: “Ndiri Mwanakomana waMwari.” (Johane 10:36) SoMumiriri akakwana waJehovha Mwari, Jesu akatiwo: “Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.” (Johane 5:30) Apo Jesu akanga ari padanda rokutambudzira, akanyengetera kuMusiki mukuru mumatenga, achimuidza sa“Mwari wangu, Mwari wangu.” (Mateo 27:46) Pashure porumuko rwake, Jesu akaudza Maria Magdharene, kuti: “Ndinokwira kuna Baba vangu naBaba venyu, kuna Mwari wangu naMwari wenyu.” (Johane 20:1, 17) Sezvo Jesu Kristu akanga asiri Mwari muchimiro chomunhu, hakuna munhu akaona Jesu aigona kutaura kuti iye akanga adarozvo kuona Mwari.
Johane, muapostora uyo Jesu aida zvikuru, akasimbisa idi rokuti vaapostora vakanga vasiri kuona Mwari pavakatarira kuna Jesu. Mufuridzirwo Johane akati: “Hakuno munhu wakatongoona Mwari.” (Johane 1:18) Ndiani, ipapoka, uyo Abrahama akaona? Chinoitika chaMosesi chinotibetsera kuwana mhinduro.
Kuona Mwari Kwakaita Mosesi
Mosesi akambotaura chishuvo chokuona Mwari. Pana Eksodho 33:18-20, tinorava, kuti: “‘Dondiratidzai [Mosesi] henyu kubwinya kwenyu.’ Jehovha akati: ‘Ndichapfuudza kunaka kwangu kwose pamberi pako, nokudana zita raJehovha pamberi pako; asi ndichanzwira nyasha wandinoda kunzwira nyasha, ndichanzwira tsitsi wandinoda kunzwira tsitsi.’ Akatiwo: ‘Haungaoni chiso changu, nokuti hakuno munhu ungandiona, akazorarama.’”
Uko Mwari akabvumidza Mosesi kuona kwakanga kuri kubwinya Kwake kunopfuura.Eks. 33 Ndima 21-23 dzinoti: “Jehovha akatiwo: ‘Tarira, pane nzvimbo huno kwandiri, ungamira pabwe. Zvino kana kubwinya kwangu kwopfuura, ndichakupinza mumukaha webwe, ndigokufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura; ipapo ndichabvisa ruoko rwangu, ugondiona necheshure; asi chiso changu hachionekwi.’”
Mutsinhirano neizvo Jehovha akaudza Mosesi uye izvo muapostora Johane akataura, Mosesi haana kuona chimiro chomuviri kana kuti chenyama chaMwari. Izvo zvose Mosesi akaona kwakanga kuri kubwinya kwokuvapo kwoumwari kunopfuura. Kunyange ipapo iye aifanira kudzivirirwa nenzira youmwari. Sezviri pachena, akanga asiri Mwari amene uyo Mosesi akaona.
Apo Mosesi akataura kuna Mwari “zviso zvakatarisana,” zvinotaurwa pana Eksodho 33:11, akanga asingaonani naJehovha. Uku kutaura kunoratidzira mutoo uyo Mosesi akakurukura nawo naMwari, kwete izvo akaona. Kutaura naMwari “zviso zvakatarisana” kunoratidzira kurukurirano yavaviri. Nenzira yakafanana, munhu anogona kupfuuridzira kurukurirano yavaviri norunhare pasina kuona mumwe munhu.
Apo Mosesi akataura naMwari ndokugamuchira miraidzo yakabva kwaari, kurukurirano yacho yakanga isiri kupfurikidza nezviono, sezvaiwanzoitika navamwe vaporofita. Ikoku kunocherechedzwa pana Numeri 12:6-8, patinorava, kuti: “Zvino akati: ‘Teerera mashoko angu; kana kuno muporofita pakati penyu, ini Jehovha ndichazvizivisa kwaari nechiratidzo, ndichataura naye nokurota hope. Muranda wangu Mosesi haana kudaro; wakatendeka paimba yangu yose. Iye ndichataura naye nomuromo, pachena, ndisingatauri namashoko asinganzwisiswi; iye uchaona kuti Jehovha wakadini.’” Mosesi akaona “Jehovha” mupfungwai?
Mosesi akaona “Jehovha” apo iye, Aroni, navamwe varume vakati vakanga vari paGomo reSinai. Pana Eksodho 24:10, kwakanyorwa, kuti: “Vakaona Mwari wavaIsraeri; pasi petsoka dzake pakanga pakaita samabwe eSafiri, zvaionekera sokudenga chaiko.” Asi Mosesi navamwe varume “vakaona [sei] Mwari waIsraeri,” sezvo Mwari akanga amuudza, kuti, “Hakuna munhu ungandiona, akazorarama”? Eks. 24 Ndima 11 inotsanangura, nokuti inoti: “Asi haana kutambanudzira ruoko rwake kuvakuru ivavo vavana vaIsraeri; vakaona Mwari, vakadya, vakanwa.” Naizvozvo chitarisiko chaMwari icho Mosesi navamwe vakaona chaiva kupfurikidza nechiono.
Vamiriri Vengirozi
Kwave kusiri madikanwa kuti Musiki mukuru wenyika yose aburuke achibva kunzvimbo yake yakakwirira mumatenga kuti aendese mashoko kuvanhu vakati. Kunze kwezvinoitika zvitatu zvakanyorwa apo inzwi raMwari amene rakanzwiwa apo Mwanakomana wake akanga ari pasi pano, Jehovha nguva dzose akashandisa ngirozi kupa mashoko Ake. (Mateo 3:17; 17:5; Johane 12:28) Kunyange Mutemo uyo Mwari akapa kurudzi rwaIsraeri paGomo reSinai wakapiwa kupfurikidza nengirozi, kunyange zvazvo Mosesi akaratidzirwa saanotaura zvakananga naMwari amene. Pamusoro paikoku, muapostora Pauro akanyora, achiti: “Naizvozvo murairo chinyiko? Wakazowedzerwa nokuda kwezvivi, kusvikira mwana wakapikirwa izvozvo achizouya; iwo wakarairwa navatumwa; noruoko rwoMurevereri.”—VaGaratia 3:19.
Kuti Mosesi akataura zvomenemene nengirozi iyo pachayo yakanga ichimirira Mwari kunoratidzirwawo pana Mabasa 7:38, iyo inoti: “Ndiyeye wakanga ari muungano murenje, ano mutumwa wakataura naye muGomo reSinai, ana madzibaba eduwo.” Ngirozi iyoyo yakanga iri mutauriri chaiye waJehovha Mwari, Musiki, naizvozvo iyo yakataura kuna Mosesi sokunge Mwari amene akanga achitaura.
Ngirozi yakapa shoko raMwari kuna Mosesi pagwenzi rinopfuta mwoto yakanga iriwo mutauriri. Iyo inoziviswawo sengirozi yaMwari pana Eksodho 3:2, patinoudzwa, kuti: “Mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumurazvo womwoto pakati pegwenzi.”Eks. 3 Ndima 4 inoti: “Zvino Jehovha wakati achiona kuti wotsaukira kuti aone, Mwari akadana ari mukati megwenzi.”Eks. 3 Mundima 6, uyu mutauriri wengirozi waMwari wakati: “Ndini Mwari wababa vako, naMwari waAbrahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.” Naizvozvo pakutaura nouyu mumiriri chaiye waMwari, Mosesi akataura sokunge akanga achitaura kuna Jehovha amene.—Eksodho 4:10.
Muganhuro yechi 6 yaVatongi, tinowana mumwe muenzaniso womurume achitaura kuna Mwari kupfurikidza nomumiriri wengirozi.Vat 6 Ndima 11 inozivisa mutakuri weshoko so“mutumwa waJehovha.” Ipapo tinorava, kuti: “Zvino mutumwa waJehovha wakasvika, akagara pasi pomuouki wakanga uri paOfra, waiva waJoashi, muAbiezeri; Gideoni mwanakomana wake akanga achipura zviyo pachisviniro chewaini, kuti azvivanze nokuda kwavaMidhiani.” Iyi nhume, “mutumwa waJehovha,” pashure paikoku inoratidzirwa sokunge iyo yakanga iri Jehovha Mwari. Mundima yaVat 6 14 na 15, tinorava, kuti: “Ipapo Jehovha akatendeukira kwaari [Gideoni] akati: ‘Enda nesimba rako iri, undoponesa Israeri pamaoko avaMidhiani, handizini ndakakutuma here?’ Akati kwaari: ‘Haiwa, Ishe, ndichagoponesa Israeri neiko?’” Naizvozvo ngirozi yakapfeka muviri womunhu yakaonwa naGideoni uye yaakataura nayo inoratidzirwa munhauro yeBhaibheri sokunge akanga ari Mwari amene. Vat 6 Mundima 22, Gideoni anoti: “Haiwa, Jehovha Mwari! nokuti ndaona mutumwa waJehovha zviso zvakatarisana!” Ngirozi yakataura chaizvoizvo izvo Mwari akaiudza kutaura. Naizvozvo, Gideoni akataura naMwari kupfurikidza nouyu mutauriri wengirozi.
Rangarirawo chinoitika chaManoa nomudzimai wake, vabereki vaSamsoni. Iyi nhauro inotaurawo nezvenhume yengirozi so“mutumwa waJehovha” uye “mutumwa waMwari.” (Vatongi 13:2-18) Vat 13 Mundima 22, Manoa anotaura kumudzimai wake, achiti: “Tichafa zvirokwazvo, nokuti takaona Mwari.” Kunyange zvazvo iye asina kuona Jehovha Mwari zvomenemene, Manoa akanzwa nenzira iyoyo nemhaka yokuti iye akanga aona mutauriri chaiye akapfeka muviri womunhu waMwari.
“Hakuno Munhu Akaona Mwari”
Zvino kunobvira kunzwisisa nei Abrahama akataura kuuyu mumiriri wengirozi akapfeka muviri womunhu waMwari sokunge akanga achitaura kuna Jehovha Mwari amene. Sezvo iyi ngirozi yakataura chaizvoizvo izvo Mwari aida kuti zvitaurwe kuna Abrahama uye ipapo yakanga ichimumirira, chinyorwa cheBhaibheri chaigona kutaura kuti “Jehovha akaoneka kwaari.”—Genesi 18:1.
Yeuka kuti mutauriri wengirozi waMwari aigona kupa mashoko Ake zvakarurama chaizvo sorunhare kana kuti nhepfenyuro inogona kuendesa mashoko edu kumumwe munhu. Nokudaro, kunogona kunzwisiswa kuti Abrahama, Mosesi, Manoa, uye vamwe vaigona sei kutaura nengirozi yakapfeka muviri womunhu sokunge vakanga vachitaura kuna Mwari. Nepo vanhu vakadaro vakakwanisa kuona idzi ngirozi nembiri yaJehovha yakaratidzirwa nadzo, ivo havana kukwanisa kuona Mwari. Naizvozvo, ikoku hakutongopikisi kutaura kwomuapostora Johane, kunoti: “Hakuno munhu wakatongoona Mwari.” (Johane 1:18) Avo ava vanhu vakaona vakanga vari vamiriri vengirozi ndizvo kwete Mwari amene.