Kariro Dzavanhu Dzakaisvonaka muParadhiso Yomufaro
“Mwari akavakomborera uye Mwari akati kwavari: ‘Berekai muve vazhinji muzadze pasi uye murikurire, mugova noudzori pahove dzegungwa nezvisikwa zvinobhururuka zvomumatenga nechisikwa chipenyu chiri chose chinofamba pamusoro papasi.’”—GENESI 1:28, “NW.”
1, 2. Kumugumoi uko Jehovha ari kushanda norudo pamusoro pavanhu, uye migovei yebasa yaakapa kuna Adhama?
“MWARI rudo,” tinoudzwa kudaro muBhaibheri Dzvene. Iye anofarira nenzira yorudo uye nenzira isina udyire rudzi rwomunhu uye anoshanda nguva dzose kuti ivo vagofarikanya nokusingaperi upenyu hwakanaka, hune rugare muparadhiso yapasi yomufaro. (1 Johane 4:16; enzanisa nePisarema 16:11.) Munhu wokutanga, Adhama akakwana, aiva noupenyu hune rugare nebasa rinofadza, rinofarikanywa. Musiki womunhu akamugovera kurima bindu rinofadza reEdheni. Musiki womunhu zvino akamupa rimwe basa, chairo, mugove unodenha, seizvo nhauro yezvakaitika inozivisa:
2 “Jehovha Mwari akaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti uchatumidza mazita api; zvipenyu zvose sezvazvakatumidzwa nomunhu, ndiwo akava mazita azvo. Munhu akatumidza zvipfuwo zvose mazita, neshiri dzedenga, nemhuka dzose dzesango.”—Genesi 2:19, 20.
3. Neiko kwakanga kusina rutyo kuna Adhama nechisiko chemhuka?
3 Munhu akadana bhiza kuti sus, mukono kuti shohr, gwai kuti seh, mbudzi kuti ‛ez, shiri kuti ‛ohph, njiva kuti yoh·nahʹ, pikoko kuti tuk·kiʹ, shumba kuti ʼar·yehʹ kana kuti ʼariʹ, bere kuti dov, ape kuti qohph, imbwa kuti keʹlev, nyoka kuti na·chashʹ, uye zvichingodaro.a Apo iye akaenda kurwizi rwaiyerera ruchibuda mubindu reEdheni, iye akaona hove. Kuhove iye akapa zita rokuti da·gahʹ. Munhu asina kushongedzwa nezvombo haana kutya idzi mhuka, dzinopfuyiwa nedzomusango, kana kuti shiri, uye idzo hadzina kumutya, uyo idzo dzakaziva nesimba romusikirwo somukuru wadzo, worudzi rwakakwirira rwoupenyu. Idzo dzakanga dziri zvisikwa zvaMwari, zvakapiwa upenyu Naye, uye munhu akanga asina chishuvo kana kuti kombamiro zvokudzikuvadza kana kuti kudzitorera upenyu hwadzo.
4. Chii chatingagumisa pamusoro pokutumidza mazita kwaAdhama mhuka dzose neshiri, uye ichochi chinofanira kuva chaiva chinoitika chorudzii?
4 Kuti chaizvo munhu akanga achiratidzwa mhuka dzinopfuyiwa nedzomusango nezvisikwa zvinobhururuka zvamatenga kwenguva yakareba sei, nhauro yacho haitiudzi. Zvose zvakanga zviri munhungamiro youmwari negadziriro. Adhama sezvingabvira akatora nguva yokufunda mhuka imwe neimwe yakasiana, achicherechedza tsika nomuitirwo wayo wakatsaukana; ipapo iye akasarudza zita raizova rakaikodzera zvikuru. Ikoku kungagona kureva kupfuura kwechitsama chakati chenguva. Chakanga chiri chinoitika chinofadza zvikurusa kuti Adhama adarozvo kurovedzana noupenyu hwechisikwa chapasi rino mumarudzi ahwo akawanda, uye kwakada mano makuru endangariro namasimba okutaura kuti iye asianise rumwe norumwe rwaaya marudzi ezvisikwa zvipenyu nezita rakakodzera.
5-7. (a) Mibvunzoi yaizomuka sezvingabvira? (b) Rudzii rwemhinduro rwakapiwa munhauro yechisiko pana Genesi 1:1-25?
5 Asi ndeipi yakanga yave iri nhevedzano yokusikwa kweizvi zvisikwa zvose zvipenyu? Ko mhuka dzapanyika dzakasikwa pamberi peshiri kana kuti kwete here, uye ndapapi munguva nomunhevedzano apo munhu akamira pamusoro peizvi zvisikwa zvose zvipenyu zvorudzi rwakaderera? Mwari akagadzirira sei pamusoro papasi nokuda kwemhatsa huru yakadaro youpenyu hwechisikwa, kugovera mhepo umo shiri dzaigona kubhururuka zvakakwirira zvakadaro, kugovera mvura yokunwa nemiti yokubatira sezvokudya, kuita kuti chiedza chikuru chijekese zuva ndokugonesa munhu kuona, uye kuita chiedza chakaderera kuti chinatse usiku? Neiko mugariro wokunze wakanga wakanaka kwazvo uye uchidziya zvokuti munhu aigona kufamba-famba ndokushanda ndokurara ari pachena uye asina kufuka?
6 Munhu haana kusiiwa kuti afembere mhinduro dzacho. Ndangariro yake ino mubvunzo yaifanirwa nemhinduro dzoungwaru dzinobva kumanyuko ane chiremera ayo aiziva nenzira yakarurama. Iye haana kusiiwa somwanakomana asingazivi waMwari, asi mwero wake wakakwirira woungwaru sezvingabvira wakakudzwa nenhau inoshamisa yechisiko seinopiwa pana Genesi 1:1-25.
7 Nokuda kwenhauro iyoyo inofadza yechisiko, Adhama aizova anoonga zvikuru. Iyo yakatsanangura zvinhu zvakawanda. Kubva munzira yayakanyorwa nayo, iye akanzwisisa kuti kwakanga kune nhambo refu nhatu dzenguva idzo Mwari akadana kuti mazuva mukuwirirana nenzira Yake yokuyera nguva, pamberi penhambo yokusika yechina umo Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri kuti zvioneke munzvimbo yamatenga kuratidzira zuva ramaawa 24 pfupi zvikuru romunhu. Iri zuva pfupi zvikuru romunhu pasi pano rakanga riri nguva inovambira pakuvira kwechiedza chikuru zvikuru kusvikira kukunyura kwacho kunotevera. Adhama akava anoziva kuti kwaifanira kuva namakore enguva nokuda kwake, uye iye pasina panikiro akakurumidza kuvamba kuverenga makore ake oupenyu. Chiedza chikuru zvikuru munzvimbo yamatenga chaizomugonesa kuita ikoku. Asi kana ari mazuva marefu zvikuru aMwari echisiko, munhu wokutanga akaziva kuti iye panguva iyeyo akanga achirarama muzuva rechitanhatu rebasa rokusika rapasi raMwari. Hakuna mugumo wakanga wati wadudzwa kwaari wezuva iroro rechitanhatu rokusika mhuka dzapasi dzose idzodzo uye ipapo basa rokusika munhu zvakaparadzana. Zvino iye aizonzwisisa nhevedzano yokusikwa kwemiti, zvomugungwa, shiri, uye mumhuka dzapasi. Asi ari oga zvake mubindu reEdheni, Adhama akanga asiri kuratidzirwa kwakazara, kwakakwana kwedonzo rorudo raMwari nokuda kwomunhu muParadhiso yake yapasi.
Kusika Mukadzi Wokutanga
8, 9. (a) Chii chakacherechedza munhu akakwana pamusoro pechisiko chemhuka, asi chii chaakagumisa pamusoro pake amene? (b) Neiko kwakanga kwakakodzera kuti munhu akakwana haana kukumbira Mwari mukwanyina? (c) Nhauro yeBhaibheri inorondedzera sei kusikwa kwomudzimai wohunhu wokutanga?
8 Munhu wokutanga, nendangariro yake yakakwana namasimba okucherechedza, akaona kuti munzvimbo yeshiri nemhuka, makanga mune mikono nehadzi uye kuti pakati pazvo zvaibereka rudzi rwazvo. Asi nomunhu amene, kwakanga kusina kudaro panguva iyeyo. Kana iyi cherechedzo yakamukombamirisa kuva nepfungwa yokufarikanya shamwari, iye haana kuwana mukwanyina akakodzera pakati peipi neipi yomunzvimbo yemhuka, kwete kunyange pakati pamaape. Adhama aizogumisa kuti kwakanga kusino mukwanyina wake nemhaka yokuti kudai akanga ariko, Mwari angadai here asina kuunza uyu mukwanyina kwaari? Munhu akanga asikwa akaparadzana namarudzi ose iwayo emhuka, uye akarehwa kuti asiane! Iye haana kukombamira kukuzvisarudzira amene zvinhu ndokuva asina kuchenjera ndokukumbira Mwari Musiki wake nokuda kwomukwanyina. Kwakanga kwakakodzera kuti munhu akakwana arege nhau yose ina Mwari, nokuti nokukurumidza pashure paikoko iye akaona kuti Mwari akanga aita mhedziso Dzake amene pamusoro pomugariro wacho. Pamusoro paikoku neicho zvino chakaitika, nhauro yacho inotiudza, kuti:
9 “Asi kwakashaikwa mubatsiri wakamukwanira iye munhu. Ipapo Jehovha Mwari wakavatisa munhu hope huru, akavata; akatora rumbabvu rwake rumwe, akadzivira nyama panzvimbo yarwo. Norumbabvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumunhu. Munhu akati: ‘Zvino uyu ipfupa ramapfupa angu, nenyama yenyama yangu; uchatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa pamurume.’ Naizvozvo munhu unofanira kusiya baba vake naamai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe. Vose vari vaviri vakanga vasina kusimira, munhu nomukadzi wake, asi havana kunyara.”—Genesi 2:20-25.
10. Murume akakwana akaita sei apo mukadzi akakwana akapiwa kwaari, uye mashoko ake angave akaratidzirei?
10 Kwakanga kune gutsikano yakakwana yakaratidzirwa mumashoko ake apo mukadzi akakwana akapiwa kwaari somubetseri nomukwaniri: “Pakupedzisira iri ipfupa ramapfupa angu nenyama yenyama yangu.” Nemhaka yaawa mashoko apo iye pakupedzisira akaona mudzimai wake akanga achangobva kusikwa, kungagona kuva kuti akanga amirira kwenguva yakati kuti agamuchire mukwanyina wake anofadza wohunhu. Achirondedzera mukwaniri wake, Adhama akadana mudzimai wake “Mukadzi” (ʼish·shahʹ kana kuti, chaizvoizvo, “munhukadzi”), “nokuti iyeyu akatorwa pamurume.” (Genesi 2:23, New World Translation Reference Bible, mashoko omuzasi) Adhama haana kunzwa ukama hwokunyama nezvisikwa zvinobhururuka nemhuka dzapanyika izvo Mwari akanga aunza kare kucherekedzo yake kuti atumidze mazita. Nyama yake yakanga yakasiana neyadzo. Asi uyu mukadzi zvirokwazvo akanga ari worudzi rwake rwenyama. Rumbabvu rwakatorwa parutivi pake rwakaita rudzi rumwe cheterwo rweropa rwakanga rwuri mumuviri wake amene. (Ona Mateo 19:4-6.) Zvino iye akava nomumwe munhu waaigona kuita kwaari somuporofita waMwari uye waaigona kugoverana naye nhauro inoshamisa yechisiko.
11-13. (a) Nokugamuchira kwaAdhama mudzimai, mibvunzoi ingamuka? (b) Nderipi raiva donzo raMwari nokuda kwavaroorani vokutanga vohunhu? (c) Chii chaizobatira sezvokudya nokuda kwemhuri yakakwana yavanhu?
11 Chii, ipapoka, chakanga chiri donzo roMusiki womunhu mukumupa mudzimai? Kwakanga kuchingova zvako here kumugovera mubetseri nomukwaniri, shamwari yorudzi rwake amene yokudzivisa pakuva noukata? Chinyorwa chinotsanangura donzo raMwari sezvachinotirondedzerera chikomborero chaMwari icho chakataurwa paroorano yavo:
12 “Mwari akati: ‘Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu; ngaave nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro penyika yose, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.’ Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi. Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: ‘Berekai, muwande, muzadze nyika, mubate ushe pairi; muve nesimba pamusoro pehove dzegungwa, napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pezvipenyu zvose zvinokambaira panyika.’
13 “Mwari akati: ‘Tarirai, ndakakupai mirivo yose, inobereka mbeu, iri panyika yose, nemiti yose ine michero nemiti inobereka mbeu, kuti zvive zvokudya zvenyu. Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, nezvipenyu zvose zvinokambaira panyika, zvine mweya woupenyu, ndakazvipa mirivo yose minyoro, kuti zvive zvokudya zvazvo;’ zvikaita saizvozvo.”—Genesi 1:26-30.
Kariro Dziri Mberi Kwavaroorani Vohunhu Vokutanga
14. Nechikomborero chaMwari, inguvai yemberi yaiva pamberi pomurume nomukadzi vakakwana, uye chii chavaigona nenzira yakafanira kuisa muchiono?
14 Chakanga chiri chinhu chinoshamisa zvakadini kuti murume akakwana iyeyu nomudzimai wake akakwana vanzwe inzwi raMwari richitaura kwavari, richivaudza chokuita nokuvakomborera! Nechikomborero chaMwari, upenyu hahusati hwaizova husina maturo, asi ivo vaizogoneswa kuita izvo ivo vakaudzwa kuita. Inguva yemberi yakadini yakanga iri mberi kwavo! Sezvo varoorani vanofara vakamira ipapo mumusha mavo, bindu reEdheni, ivo sezvingabvira vakafungisisa pamusoro pezvaizovapo sezvo vakaita kuda kwaMwari nokuda kwavo. Sezvo ziso rendangariro yavo rakatarira mberi munguva yemberi iri kure, ivo vakaona, kwete chete “bindu muEdheni, kumabvazuva,” asi pasi rose rakazadzwa navarume navakadzi vane zviso zvinofara. (Genesi 2:8) Mwoyo womurume nomukadzi waizofara nomufungo wokuti vose ivava vaiva vana vavo, vazukuru vavo. Vose vakanga vakakwana, vasina mhaka muchimiro chomuviri nomuumbirwo, vachiva noupwere husingagumi uhwo hwakanga hwakazara noutano hwakaisvonaka nomufaro wokurarama, vose vavo vachiratidzira rudo rwakakwana nokuda kwomumwe nomumwe, vose vachinamata vakabatana Musiki wavo mukuru, Baba vavo vokudenga, vachiita ikoku pamwe chete nababa naamai vohunhu vokutanga. Mwoyo womurume nomukadzi vokutanga unofanira kuva wakafara nomufungo wokuva nemhuri yakadaro!
15, 16. (a) Neiko kwaizova nezvokudya zvakawanda zvemhuri yavanhu? (b) Sezvo mhuri inofara yakakura muchiverengero, ibasai raizovapo nokuda kwavo kunze kwebindu reEdheni?
15 Kwaizova nezvokudya zvakawanda zvomutezo uri wose weiyi mhuri yavanhu iyo yakazadza pasi rose. Kwakanga kune zvokudya zvakawanda pakutanga, imomo mubindu reEdheni. Mwari akanga avagovera ndokupa kwavari miti yose inobereka mbeu kubatira sezvokudya zvakanaka, zvinotsigira upenyu, pamwe chete nemiti inobereka michero.—Enzanisa nePisarema 104:24.
16 Sezvo mhuri yavo yakakura muchiverengero, ivo vaizokudza bindu kusvikira kuminda yaiva seri kwemiganhu yeEdheni, nokuti mashoko aMwari anoratidzira kuti kunze kwebindu reEdheni, pasi rakanga riri mumugariro usina kurimwa. Zvisinei hazvo, raisatarisirwa uye harina kuunzwa pamwero wakakwirira mumwe chetewo wokurima uyo wakaratidzira bindu reEdheni. Ndokusaka Musiki wavo akavaudza “kurima” pasi sezvavakarizadza.—Genesi 1:28.
17. Neiko kwaizova nezvokudya zvakawanda nokuda kwechiverengero chavanhu chinokura, uye chii pakupedzisira chaizotekeshera sezvo bindu rakakudzwa?
17 Sezvo bindu rakakudzwa navarimi vakakwana navatarisiri, pasi rinodzorwa raizobereka zvakawanda nokuda kwechiverengero chavagari vapasi chinokura. Pakupedzisira, bindu rinokura zvakatsiga raizofukidza pasi rose, uye paradhiso yapasi rose yaizopararira, kubudirira somusha usingaperi worudzi rwomunhu. Yaizova nzvimbo yorunako kutarira uri kudenga, uye Musiki wokudenga aigona kuiti yakanaka zvikuru.—Enzanisa naJobho 38:7.
18. Neiko bindu renyika yose reEdheni raizova risina vhiringidzo, uye kuva norugare kwakadini kwaizotekeshera?
18 Yose yaizova norugare uye isina dzongonyedzo sebindu iroro reEdheni umo murume nomukadzi vakanga vachangobva kuroorana vakazviwana vamene. Hakusati kwaizova nokudikanwa kwokutya ngozi kana kuti kuvadziko zvinobva kumhuka idzodzo dzose nezvisikwa zvinobhururuka izvo munhu wokutanga, Adhama, akanga anzvera ndokutumidza mazita. Kufanana nababa naamai vavo vokutanga vohunhu, vagari vakakwana ivavo veParadhiso yapasi rose vaizodzora hove dzegungwa, zvisikwa zvinobhururuka zvamatenga, uye chinhu chipenyu chiri chose chinofamba-famba pamusoro papasi, kunyange zvikara zvomusango. Nokunzwa kwomusikirwo kwokuzviisa pasi pomunhu, uyo akasikwa “mumufananidzo waMwari,” izvi zvisikwa zvipenyu zvakaderera zvaizova norugare naye. Vatenzi vazvo vohunhu vanyoro, vakakwana, mukuva neizvi zvisikwa zvakaderera zvipenyu pasi, vaizosimudzira mugariro worugare pakati pechisiko chemhuka. Pesvedzero ine rugare yaava vatenzi vohunhu vakafanana naMwari yaizopararira nenzira inodzivirira paizvi zvisikwa zvipenyu zvakaderera zvinogutsikana. Kupfuura zvose, rudzi rwomunhu rwakakwana rwaizova norugare naMwari, ane chikomborero chisati chaizotongobviswa kwavari.—Enzanisa naIsaya 11:9.
Mwari Anozorora Pamabasa Ake Okusika
19. (a) Pamusoro pedonzo raMwari, chii icho murume nomukadzi vokutanga vanofanira kuve vakaziva? (b) Chii chakaratidzira Mwari pamusoro penguva?
19 Sezvo varoorani vohunhu vakakwana vaizorangarira chiono chapasi chakapedzwa mukuwirirana nedonzo raMwari, ivo vaizoziva chimwe chinhu. Kuti ivo vaite iri basa rinoshamisa rakabva kuna Mwari kwaizoda nguva. Nguva yakawanda sei? Musiki wavo naBaba vokudenga aiziva. Iye akaratidzira kwavari kuti nhevedzano huru yamazuva okusika zvino yakanga yasvika mumwe mugumo uye kuti ivo vakanga vamire pa“madekwana,” pokutangira zuva idzva mukuwirirana nokuratidzira kwaMwari amene mazuva okusika. Raifanira kuva zuva rakakomborerwa ndokutsveneswa kudonzo raMwari amene rakachena, rakarurama. Munhu akakwana, muporofita waMwari, akacherekedza ikoku. Nhauro yakafuridzirwa inotiudza, kuti:
20. Chii chinotaura nhauro yeBhaibheri pamusoro pe“zuva rechinomwe”?
20 “Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva retanhatu. Denga nenyika zvikapera saizvozvo, nohuzhinji hwazvo. Mwari akapedza basa rake raakaita nomusi wechinomwe; akazorora nomusi wechinomwe pabasa rake rose raaita. Mwari akaropafadza musi wechinomwe akauita mutsvene; nokuti wakazorora nawo pabasa rake rose, raakanga asika nokuita iye Mwari. Ndiko kuvamba kwedenga nenyika, musi wazvakasikwa: Nezuva irero Jehovha Mwari raakasika naro nyika nedenga.”—Genesi 1:31–2:4.
21. (a) Bhaibheri rinotaura here kuti Mwari akagumisa zuva rake rokuzorora uye kuti rakanga rakanaka zvikuru? Tsanangura. (b) Mibvunzoi inomuka?
21 Nhauro yacho haitauri kuti Mwari akagumisa zuva rake rokuzorora ndokuona kuti rakanga rakanaka zvikuru uye kuti kwakava namadekwana namangwanani, zuva rechinomwe. Kuti riwirirane namazuva okusika matanhatu akapfuura, zuva rechinomwe richigere kuziviswa kuva rakanaka zvikuru, nokuti richigere kuguma. Ko Jehovha Mwari anogona kuzivisa zuva racho kuti rakanaka zvikuru kusvikira panguva iyoyo here? Rave riri zuva rokuzorora kune rugare nokuda kwomunhu kusvikira panguva iyeyo here? Zvakadiniko nezvekariro iya inofadza iyo murume wokutanga nomukadzi vakaisa muchiono kwavari vamene pazuva ravo reroorano muParadhiso? Ngationei sezvo chiono chacho chinopetenuka munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Aya ndiwo mazita anowanwa murugwaro rwechiHebheru rwaGenesi namamwe mabhuku akafuridzirwa aMagwaro echiHebheru.
Waizopindura Sei?
◻ Ibasai rakapa Mwari Adhama mukuwedzera kukutarisira bindu, uye irori rakabatanidzei?
◻ Chii icho nhauro yechisiko iri pana Genesi 1:1-25 yakazivisa?
◻ Mudzimai wokutanga wohunhu akasikwa sei, uye Adhama akaita sei pazuva ravo reroorano?
◻ Ikariroi dzaiva mberi kwavaroorani vokutanga vohunhu?
◻ Mwari akaratidzira sei kuti nhevedzano huru yamazuva okusika yakanga yasvika mumwe mugumo?