Vakaita Kuda kwaJehovha
Kuwanira Isaka Mudzimai
MURUME akwegura akagara patsime akanga aneta. Iye nevarindiri vake pamwe chete nemakamera avo gumi vakanga vafamba nzira yose kubva kunharaunda yeBeeri-sheba kuenda kuchamhembe kweMesopotamia—daro remakiromita anopfuura 800.a Zvino zvavakanga vasvika kwavaienda, uyu mufambi akarukutika akamira kuti arangarire basa rake rakaoma. Ndiani akanga ari uyu murume, uye nei akanga aita urwu rwendo rwakaoma?
Murume wacho akanga ari mubatiri waAbrahama, “waiva mukuru weimba yake.” (Genesi 24:2) Kunyange zvazvo asingadudzwi zita munhoroondo yacho, sezviri pachena akanga ari Eriezeri, uyo Abrahama pane imwe nguva akanongedzera kwaari se‘mwanakomana weimba yake’ uye waakataura nezvake kuti akanga ari mumutsara woku‘mutsiva semudyi wenhaka.’ (Genesi 15:2, 3) Chokwadika, pakanga pari apo Abrahama naSara vakanga vasina mwana. Zvino mwanakomana wavo, Isaka, akanga ava nemakore 40 okukura, uye kunyange zvazvo Eriezeri akanga asichiri mudyi wenhaka mukuru waAbrahama, akanga achiri mubatiri wake. Naizvozvo akabvuma apo Abrahama akaita chikumbiro chakaoma. Chakanga chiri chii?
Basa Rakaoma
Muzuva raAbrahama roorano yaitapura kwete bedzi mhuri asiwo rudzi rwose, kana kuti nzanga yemadzitateguru. Naizvozvo kwakanga kuri tsika kuti vabereki vasarudzire vana vavo mukwanyina. Mukutsvakira mwanakomana wake Isaka mudzimai, zvisinei, Abrahama akatarisana nechinetso. Nzira dzisiri dzoumwari dzevaKanani vomunzvimbomo dzakaita kuti roorano nomumwe wavo ive isingafungiki. (Dheuteronomio 18:9-12) Uye nepo kwakanga kuri tsika kuti murume aroore mukati merudzi rwake amene, hama dzokunyama dzaAbrahama dzaigara kure nemazana emakiromita kuchamhembe kweMesopotamia. Aisangogona hake kuita kuti Isaka atamire ikoko, nokuti Jehovha akanga apikira Abrahama kuti: “Nyika ino ndichapa vana vako,” nyika yeKanani. (Genesi 24:7) Nokudaro, Abrahama akati kuna Eriezeri: “Uende kunyika yangu, nokuhama dzangu, undotorera ikoko mwanakomana wangu Isaka mukadzi.”—Genesis 24:4.
Pakupedza rwendo rwacho rurefu, Eriezeri akazorora patsime sezvo airangarira basa rake. Akaziva kuti nokukurumidza vakadzi vaizova vachiuya kutsime racho kuzochera mugove wemvura wemanheru. Nokudaro akateterera Jehovha kuti: “Zvino ngakuitwe kuti musikana wandichati kwaari: nditurirewo chirongo chako, ndinwe; kana akati: Inwai henyu, namakamera enyu ndichaanwisawo; ngaave iye wamakatsaurira muranda wenyu Isaka; naizvozvo ndichaziva kuti makaitira tenzi wangu ngoni.”—Genesis 24:14.
Apo akanga achiri kunyengetera, mukadzi muduku akaisvonaka anonzi Rebeka akasvika. “Dondipawo zvimvura pachirongo chako, ndinwe,” Eriezeri akadaro kwaari. Rebeka akaita saizvozvo, uye ipapo akati: “Ndichacherera makamera enyuwo kusvikira aguta.” Uku kwakanga kuri kuzvipira kukuru, sezvo kamera rine nyota richigona kunwa marita anosvika 95 emvura mumaminiti gumi chete! Kana makamera aEriezeri akanga ane nyota zvakadaro kana kuti kwete, Rebeka anofanira kuve akaziva kuti basa raakazvipira kuita raizoda simba. Zvirokwazvo, “akakurumidza, akadurura mvura yakanga iri muchirongo chake muchinwiro; akamhanyira kutsime kundocherazve, akacherera makamera ake ose.”—Genesi 24:15-20.
Achinzwa nhungamiro yaJehovha, Eriezeri akapa Rebeka chindori chendarama uye zvishongo zviviri zvendarama, zvaikosha anenge $13 440 muukoshi hwanhasi. Apo Rebeka akamuudza kuti akanga ari muzukuru-chibvi waNahori, mukoma waAbrahama, Eriezeri akapa munyengetero wokuonga kuna Mwari. “Jehovha wakandifambisa, akandisvitsa kuimba yehama dzatenzi wangu,” akadaro. (Genesi 24:22-27) Eriezeri akaunzwa kumhuri yaRebeka. Pashure penguva yakati, Rebeka akava mudzimai waIsaka, uye akava neropafadzo yokuva tategurukadzi waMesiya, Jesu.
Zvidzidzo Nokuda Kwedu
Jehovha akakomborera nhamburiko yokunyengetera yaEriezeri yokuwanira Isaka mukwanyina anotya Mwari. Yeuka, kunyange zvakadaro, kuti roorano yaIsaka yakanga yakabatana zvakananga nedonzo raMwari rokubereka mbeu kupfurikidza naAbrahama. Naizvozvo iyi nhoroondo haifaniri kutitungamirira kugumisa kuti munhu ari wose anonyengetera nokuda kwomukwanyina achamupiwa nenzira inoshamisa. Zvisinei, kana tikaomerera kunheyo dzaJehovha, achatipa simba rokutsungirira denho dzinouya nemamiriro ezvinhu muupenyu—kuroora kana kuti zvimwe kusaroorwa.—1 VaKorinte 7:8, 9, 28; enzanisa naVaFiripi 4:11-13.
Eriezeri aifanira kushandisa nhamburiko huru yokuita zvinhu munzira yaJehovha. Isuwo tingawana kuti kuwirirana nemipimo yaJehovha hakusi nyore nguva dzose. Somuenzaniso, kungava kwakaoma kuwana basa risingadzvinyiriri mubato woubati ushe hwaMwari, mukwanyina anotya Mwari, vasonganiri vanovaka, varaidzo isingashatsi. (Mateo 6:33; 1 VaKorinte 7:39; 15:33; VaEfeso 4:17-19) Bva, Jehovha anogona kutsigira avo vanoramba kubvumiranisa pane zvisina kufanira nheyo dzeBhaibheri. Bhaibheri rinopikira kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”—Zvirevo 3:5, 6.
[Mashoko Omuzasi]
a Tichirangarira avhareji yokufamba kwemakamera, kungava kwakatora mazuva anopfuura 25 kupedza rwendo rwacho.