RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Ndinoda Kuenda”
    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2016 | Nha. 3
    • Rimwe zuva ari manheru, paakanga azadza chirongo chake, mumwe murume akanga akwegura akamhanya achiuya kwaari. Akataura naye zvinyoronyoro uye zvine ruremekedzo achiti: “Ndapota, ndipewo mvura shomanana.” Ribheka anogona kunge akaona kuti murume wacho akanga abva kure. Saka akabva atura chirongo chaiva papfudzi rake achibva amupa mvura yokunwa inotonhorera, kwete yokungonyorovesa pahuro, asi yokuti anyatsopedza nyota. Ribheka akaona kuti murume wacho aiva nengamera 10 dzaiva dzakagwadama pedyo uye kuti mudziyo wekuti dzinwire mvura wainge usina chinhu. Akaonawo kuti murume wacho airamba akamutarisa uye aida kuita zvose zvaaigona kuti amubatsire. Saka akati: “Ndichachererawo ngamera dzenyu mvura kusvikira dzaguta.”​—Genesisi 24:17-19.

      Ribheka haana kutaura kuti aizocherera ngamera dzacho mvura shoma yekuti dzingonwa, asi akati aida kudzicherera kusvikira dzapedza nyota. Kana ngamera yakuvara nenyota, inogona kunwa mvura inopfuura marita 95! Kana kuri kuti ngamera dzacho dzose dziri 10 dzainge dzakuvara nenyota, Ribheka anofanira kunge akashanda zvakaoma kwemaawa akawanda. Asi paakazodzidirira mvura, zvinoita sokuti ngamera dzacho dzakanga dzisina hadzo nyota yakanyanya.a Ribheka aizviziva here izvozvo paakataura kuti aida kucherera ngamera dzacho mvura? Aiwa. Pasinei nokuti basa racho raizenge rakawanda sei, Ribheka aitoda kushanda nesimba kuti agamuchire zvakanaka murume uyu waakanga asingazivi. Murume wacho akabvuma kuti Ribheka acherere ngamera mvura. Akaramba akati ndee kuna Ribheka achimuona achimhanya kunochera mvura odzoka oidurura mumudziyo wekunwira mvura, odzokerazve kunochera imwe.​—Genesisi 24:20, 21.

      Ribheka achicherera ngamera dzevashandi vaAbrahamu mvura

      Ribheka aishanda nesimba uye aiitira vamwe zvakanaka

  • “Ndinoda Kuenda”
    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2016 | Nha. 3
    • a Akanga atova manheru. Nhoroondo yacho hairatidzi kuti Ribheka akatora maawa akawanda ari patsime. Hapana panoratidza kuti mhuri yavo yakanga yatorara paakapedza kucherera ngamera mvura, kana kuti pane munhu akauya kutsime kwacho kuzoona kuti nei akanga anonoka kudzoka.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe