-
Roorano Inobetsera Mamirioni Ari Kurarama ZvinoNharireyomurindi—1989 | July 1
-
-
10, 11. (a) Munyengetero waEriezeri wakapindurwa munzirai inoshamisa? (b) Rebheka akaratidza sei mavara akanaka? (c) Eriezeri akaita sei?
10 Kunyange Eriezeri asati apedza munyengetero wake, wakapindurwa, sezvo nhauro yacho ichiti: “Rebheka [wakasvika], . . . Zvino musikana uyu akanga akanaka kwazvo pameso pake, mhandara isina kumbozihwa nomurume; akaburukira kutsime akazadza chirongo chake, akakwirazve. Ipapo muranda wakamhanyira kundosangana naye, akati: ‘Dondipawo zvimvura pachirongo chako ndinwe.’ Iye akati kwaari: ‘Inwai henyu, ishe wangu.’ Akakurumidza kutura chirongo chake paruoko rwake akamunwisa. Wakati apedza kumunwisa akati: ‘Ndichacherera makamera enyuwo kusvikira aguta. Akakurumidza, akadurura mvura yakanga iri muchirongo chake muchinwiro, akamhanyira kutsime kundocherazve, akacherera makamera ake ose.”—Genesi 24:15-20.
-
-
Roorano Inobetsera Mamirioni Ari Kurarama ZvinoNharireyomurindi—1989 | July 1
-
-
17. (a) Makamera gumi anofananidzirei? (b) Ndechipi chinofanira kuva chimiro chedu kuBhaibheri nokuzvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri zvinogadzirirwa neboka romwenga? (Mabasa 17:11)
17 Boka romwenga rinokoshesa zvikuru chinofananidzirwa namakamera gumi. Gumi anoshandiswa muBhaibheri kuratidzira kukwana kana kuti kuzara pamusoro pezvinhu zviri pasi pano. Makamera gumi angaenzaniswa neShoko rakazara nerakakwana raMwari, kupfurikidza naro boka romwenga rinogamuchira tsigiro yomudzimu nezvipo zvomudzimu. (Johane 17:17; VaEfeso 1:13, 14; 1 Johane 2:5) Ichitsinhira pamusoro pokunwisa mvura kwaRebheka makamera, Nharireyomurindi yechiNgezi yaNovember 1, 1948, yakaita uku kushanda kuboka romwenga: “Ivo vanorangarira nenzira yorudo Shoko raMwari iro rinoendesa wakawanda womudzimu wake kwaari. Ivo vanova nefariro muShoko rake rakanyorwa, vachiribatira nokurimutsidzira kupfurikidza nokuritarisira nokuratidzira hanya yechokwadi shoko raro nedonzo, vachitsvaka kuridavira.” Somuenzaniso waikoku, vakasarira veboka romwenga nenzira yorudo vakaita kuti iwanike kumamirioni New World Translation of the Holy Scriptures yakanaka, inowirirana nomusi. Kana iyi shanduro yakaisvonaka ichiwanika mumutauro wenyu kana kuti kwete, ko unoratidza kuonga kupfurikidza nokunzvera nguva dzose Bhaibheri pamwe chete neyamuro zvinogoverwa neboka romwenga here?—2 Timotio 3:16.
-