-
“Ndinoda Kuenda”Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2016 | Nha. 3
-
-
Ribheka haana kutaura kuti aizocherera ngamera dzacho mvura shoma yekuti dzingonwa, asi akati aida kudzicherera kusvikira dzapedza nyota. Kana ngamera yakuvara nenyota, inogona kunwa mvura inopfuura marita 95! Kana kuri kuti ngamera dzacho dzose dziri 10 dzainge dzakuvara nenyota, Ribheka anofanira kunge akashanda zvakaoma kwemaawa akawanda. Asi paakazodzidirira mvura, zvinoita sokuti ngamera dzacho dzakanga dzisina hadzo nyota yakanyanya.a Ribheka aizviziva here izvozvo paakataura kuti aida kucherera ngamera dzacho mvura? Aiwa. Pasinei nokuti basa racho raizenge rakawanda sei, Ribheka aitoda kushanda nesimba kuti agamuchire zvakanaka murume uyu waakanga asingazivi. Murume wacho akabvuma kuti Ribheka acherere ngamera mvura. Akaramba akati ndee kuna Ribheka achimuona achimhanya kunochera mvura odzoka oidurura mumudziyo wekunwira mvura, odzokerazve kunochera imwe.—Genesisi 24:20, 21.
-
-
“Ndinoda Kuenda”Nharireyomurindi (Yeveruzhinji)—2016 | Nha. 3
-
-
Ribheka anofanira kunge akazviona kuti murume wacho airamba akamutarisa. Matarisiro aiita murume uyu akanga asiri oruchiva asi airatidza kuti aishamisika uye aifara. Ribheka paakazopedza kucherera ngamera mvura, murume wacho akamupa chipo chezvishongo zvinokosha! Akabva amubvunza kuti: “Uri mwanasikana waani? Ndapota, ndiudze. Kumba kwababa vako kune nzvimbo yokuti tirare here?” Ribheka paakataura nezvemhuri yavo, murume wacho akafara chaizvo. Ribheka angangodaro akanzwawo kufara, saka akabva ati: “Kune uswa nezvokudya zvezvipfuwo zvizhinji zvatinazvo, uyewo nzvimbo yokurara.” Uyu waiva mutsa wakakura nekuti murume uyu aiva nevamwe vaaifamba navo. Ribheka akabva amhanya kumba kunoudza amai vake zvakanga zvaitika.—Genesisi 24:22-28, 32.
-