RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Roorano Inobetsera Mamirioni Ari Kurarama Zvino
    Nharireyomurindi—1989 | July 1
    • 12. Nhau yacho yakapedzwa sei pamusha paRebheka?

      12 Rebheka akamhanyira kumba nomufaro kundoudza mhuri yake. Gare gare, apo baba vaRebheka nehanzvadzi vakanzwa mumuromo umene waEriezari donzo rorwendo rwake uye kuti Jehovha akanga apindura sei munyengetero wake, ivo vakabvuma pasina zenguriro kuti Rebheka anofanira kuva mudzimai waIsaka. “Zvino muranda waAbrahama wakati anzwa mashoko avo, akakotamira pasi pamberi paJehovha; muranda akabudisa zvishongo zvesirvheri, nezvendarama, nenguvo, akazvipa Rebheka, akapawo hanzvadzi yake naamai vake nhumbi dzinokosha.”—Genesi 24:52, 53.

  • Roorano Inobetsera Mamirioni Ari Kurarama Zvino
    Nharireyomurindi—1989 | July 1
    • 16. (a) Mubatiri waAbrahama anofananidzira mudzimu mutsvene waMwari sei, nenzira yakakodzera? (b) Mubvunzoi ungabvunzwa pamusoro po“mudzimu nomwenga”?

      16 Zita raEriezeri rinoreva kuti “Mwari Wangu Ndiye Mubetseri.” Muzita nomuchiito, iye anofananidzira nenzira yakakodzera mudzimu mutsvene waAbrahama Mukuru, Jehovha Mwari, uyo Iye akatumira kunyika iri kure, pasi redu, kundosarudza mwenga wakakodzera waIsaka Mukuru, Jesu Kristu. (Johane 14:26; 15:26) Boka romwenga ndiyo “ungano,” yakaumbwa navadzidzi vaJesu avo vakaberekwa nomudzimu mutsvene savanakomana vomudzimu vaMwari. (VaEfeso 5:25-27; VaRoma 8:15-17) Sezvo Rebheka akagamuchira zvipo zvinodhura, naizvozvo mitezo yokutanga yeungano yechiKristu pazuva rePentekosta ya 33 N.V. yakagamuchira zvipo zvamanenji muchibvumikiso chokudanwa kwavo kwoumwari. (Mabasa 2:1-4) Kufanana naRebheka, ivo vakarega nokudisa ukama hwose hwenyika nohwenyama kuti pakupedzisira vagobatanidzwa neChikomba chavo chokudenga. Kuvambira panguva apo mitezo mimwe nemimwe yeboka romwenga inodanwa kutosvikira parufu rwavo, ivo vanofanira kuchengeta umhandara hwavo hwomudzimu vachifamba munyika ine ngozi, inonyengera yaSatani. (Johane 15:18, 19; 2 VaKorinte 11:3; Jakobho 4:4) Rakazadzwa nomudzimu mutsvene, boka romwenga rinokoka vamwe nokutendeka kuti vagamuchire gadziriro dzaJehovha dzoruponeso. (Zvakazarurwa 22:17) Ko iwe unotevera muenzaniso wake here kupfurikidza nokugamuchirawo nhungamiro yomudzimu?

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe