-
Mukoma Nomunun’una Vaishungurudzika “Vakavaka Imba yaIsraeri”Nharireyomurindi—2007 | October 1
-
-
Pane chimwe chinhu chakaitika chinoratidza kurwisana kwaiita Rakeri naReya. Chaiva nechokuita nemamandireki akawanwa naRubheni, mwanakomana waReya. Muchero uyu waifungidzirwa kuti waibatsira kuti mukadzi abate pamuviri. Rakeri paakaakumbira, Reya akamupindura neshungu, achiti: “Ichi chinhu chiduku here, kutora kwawakaita murume wangu, zvino wotorawo mamandireki omwanakomana wangu?” Vamwe vanoti zvaakataura izvi zvinoratidza kuti Jakobho ainyanya kugara naRakeri kupfuura naReya. Zvichida Rakeri akaona kuti chichemo chaReya chaiva chechokwadi, nokuti akapindura kuti: “Nokuda kwaizvozvo acharara newe usiku huno nokuda kwemamandireki omwanakomana wako.” Saka Jakobho paakasvika kumba manheru iwayo, Reya akamuudza kuti: “Ucharara neni, nokuti ndakutenga zvakananga nemamandireki omwanakomana wangu.”—Genesisi 30:15, 16.
-
-
Mukoma Nomunun’una Vaishungurudzika “Vakavaka Imba yaIsraeri”Nharireyomurindi—2007 | October 1
-
-
Mamandireki haana kushanda. Rakeri akazopedzisira abata pamuviri ndokubereka Josefa kwapera makore matanhatu, nokuti Jehovha ‘akazomuyeuka’ uye akapindura munyengetero wake. Panguva iyoyo Rakeri ndipo paakakwanisa kuti: “Mwari abvisa kuzvidzwa kwangu!”—Genesisi 30:22-24.
-