-
“Ndapota, Teererai Hope Idzi”Nharireyomurindi—2014 | August 1
-
-
Josefa akasvika asingambofungiri kuti vaida kumuuraya, zvichida achitofunga kuti vaizomugamuchira zvakanaka. Pane kudaro, vakoma vake vakamurwisa! Vakamubvisa nguo yake yakanaka neutsinye, vakamukwekweretsa, ndokumukanda mugomba rainge risisina mvura. Akabva awira mugomba racho! Achakavhiringidzika nezvainge zvaitika, akaedza kubuda, asi zvairamba. Aingoona makore chete, ukuwo manzwi evakoma vake achidzikira zvishoma nezvishoma. Akashevedzera achiteterera, asi havana kumuteerera. Vakadya zvavo vari pedyo nepaaiva, vasingatombokendengi. Vakafungazve kumuuraya Rubheni asipo, asi Judha akavanyengetedza kuti vamutengese kuvatengesi vaipfuura. Dhotani yaiva pedyo nemugwagwa waishandiswa nevezvokutengeserana kuenda kuIjipiti, uye pasina nguva boka revaIshmaeri nevaMidhiyani rakapfuura nepo. Rubheni asati adzoka, vakanyorerana chibvumirano chokutengesa Josefa. Vakatengesa munin’ina wavo semuranda nemashekeri 20.b—Genesisi 37:23-28; 42:21.
-
-
“Ndapota, Teererai Hope Idzi”Nharireyomurindi—2014 | August 1
-
-
b Kunyange muzvinhu zviduku zvakaita seizvi, Bhaibheri rakarurama. Zvinyorwa zvemunguva yacho zvinoratidza kuti muranda aiwanzotengeswa nemashekeri 20 muIjipiti.
-