-
“Ndingaita Seiko Chinhu Ichi Chakaipa Kwazvo?”Nharireyomurindi—2014 | November 1
-
-
Zvakazoitwa kuna Josefa zvakanga zvakaipa. Mudzimai waPotifari aida kumukaurisa. Akabva angoti mhere kwetsu, achishevedza vamwe vashandi kuti vauye mumba imomo. Akapomera Josefa kuti aida kumubata chibharo uye kuti ainge atiza paakatanga kuchema. Akachengeta nguo yacho kuti ive umbowo kumurume wake paaizodzoka. Potifari paakadzoka kumba, mudzimai wake akamuudza nhema idzodzo, achitoti Potifari ndiye ainge akanganisa nekuunza mutorwa mumusha. Potifari akaitei? Tinoverenga kuti: “Akatsamwa kwazvo”! Akabva aita kuti Josefa aiswe mujeri.—Genesisi 39:13-20.
“VAKARWADZISA TSOKA DZAKE NEZVISUNGO ZVOMUMAKUMBO”
Tinongoziva zvishoma nezvezvainge zvakaita majeri ekuIjipiti mazuva iwayo. Vamwe vaongorori vakawana matongo ezvivako zvakakura zvaiva nezvitokisi nemajeri aivakwa pasi pevhu. Josefa akazotaura nezvenzvimbo yacho achishandisa shoko rinoreva kuti “gomba,” rinoratidza kuti yaiva nzvimbo ine rima yekuti haufi wakabudiswa. (Genesisi 40:15) Bhuku reMapisarema rinoratidza kuti Josefa akawedzera kurwadziswa richiti: “Vakarwadzisa tsoka dzake nezvisungo zvomumakumbo,” vakamuisa simbi muhuro. (Pisarema 105:17, 18) Dzimwe nguva vaIjipiti vaiita kuti vasungwa vaise maoko kumusana vovasunga mumagokora uye vamwe vaisungwa nesimbi muhuro. Josefa anofanira kunge akarwadziwa chaizvo kubatwa seizvi, iye asina kana mhosva yaainge apara!
Iri rakanga risiri dambudziko rakangouya richipfuura. Nhoroondo yacho inoti Josefa “akaramba ari mujeri imomo.” Akaita makore achitambura arimo!a Aisatomboziva kana aizobudiswa. Mazuva iwayo ekutanga airwadza zvaaifamba, chii chaimubatsira kuti asarase tariro?
-
-
“Ndingaita Seiko Chinhu Ichi Chakaipa Kwazvo?”Nharireyomurindi—2014 | November 1
-
-
a Bhaibheri rinoratidza kuti Josefa ainge ava nemakore anenge 17 kana kuti 18 paakasvika mumusha waPotifari, uye akagara naye, zvichida kwemakore akati kuti kusvikira ati kurei. Akanga ava nemakore 30 paakabudiswa mujeri.—Genesisi 37:2; 39:6; 41:46.
-