RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zororo raMwari Chii?
    Nharireyomurindi—2011 | July 15
    • 1, 2. Tinodzidzei pamashoko ari pana Genesisi 2:3, uye mibvunzo ipi inovapo?

      MUCHITSAUKO chokutanga chaGenesisi tinodzidza kuti mumazuva matanhatu, asiri emaawa 24, Mwari akagadzirira vanhu nyika kuti vagare. Nezvekuguma kwezuva rimwe nerimwe Bhaibheri rinoti: “Manheru akavapo nemangwanani akavapo.” (Gen. 1:5, 8, 13, 19, 23, 31) Asi nezvezuva rechinomwe, Bhaibheri rinoti: “Mwari akatanga kukomborera zuva rechinomwe, akariita dzvene, nokuti pazuva iroro, iye Mwari ave achizorora pabasa rake rose.”—Gen. 2:3.

      2 Mashoko okuti “ave achizorora” anoratidza kuti zuva rechinomwe kana kuti “zuva” raMwari rokuzorora, rakanga richiripo mugore ra1513 B.C.E. pakanyorwa bhuku raGenesisi naMosesi. Zororo raMwari richiri kuenderera mberi here? Kana zvakadaro, tinogona here kupinda mariri mazuva ano? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzinokosha zvikuru kwatiri.

  • Zororo raMwari Chii?
    Nharireyomurindi—2011 | July 15
    • 5. Chinangwa chezuva rechinomwe chaiva chei, uye chichanyatsozadziswa rini?

      5 Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, tinofanira kuyeuka chinangwa chezuva rechinomwe. Genesisi 2:3 inochitsanangura ichiti: “Mwari akatanga kukomborera zuva rechinomwe, akariita dzvene.” Zuva iroro ‘rakaitwa dzvene’ naJehovha kana kuti akarisiyanisa nemamwe kuti azadzise chinangwa chake. Chinangwa ichocho ndechokuti nyika igarwe nevarume nevakadzi vanoteerera vachiitarisira pamwe nezvipenyu zvose zviri pairi. (Gen. 1:28) Chinangwa ichocho ndicho chiri kuita kuti Jehovha Mwari naJesu Kristu, “Ishe wesabata,” varambe “vachishanda.” (Mat. 12:8) Zuva rezororo raMwari richaramba riripo kusvikira chinangwa chake chanyatsozadziswa panoguma Kutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe