Kudza Mwanakomana, Mumiriri Mukuru waJehovha
“Usingakudzi Mwanakomana, haakudzi baba, vakamutuma.” —JOHANE 5:23.
1. Chitendero chechiKristudhomu muUtatu chinozvidza sei Jesu?
NHASI vazhinji vari muchiKristudhomu vanoti vanokudza Jesu Kristu, nepo vachiita zvakapesana chaizvo. Seiko? Eya, vazhinji vanotaura kuti Jesu ndiMwari Wamasimba ose, uye kuti Mwari, Musiki wezvinhu zvose, akauya kupasi ndokurarama uye kufa somunhu. Uku kutaura kunobatanidzwa mudzidziso yoUtatu, iyo iri dzidzo huru yechiKristudhomu. Asi kana Utatu huri nhema, kana Jesu ari, kutaura idi, akaderera zvikuru uye muduku kuna Mwari, ko uku kutaurwa kusina kururama kwoukama hwake naMwari hakusati kwaizoita kuti Jesu asafare here? Zvamazvirokwazvo, iye aizorangarira kutaura kusina kururama kwakadaro soruzvidzo kwaari amene nechinhu chiri chose chaakadzidzisa.
2. Magwaro anoratidza sei zvakajeka kuti Jesu akaderera kuna Mwari muduku kwaari?
2 Zvokwadi ndeiyi, Jesu haana kutongotaura kuva Mwari, asi akataura ataurazve nezvake amene so“Mwanakomana waMwari.” Kunyange vavengi vake vaiziva ikoku. (Johane 10:36; 19:7) Jesu aiziva nguva dzose nezvokukudza Baba ndokuzviisa amene pasi Pake, sezvaakataura, kuti: “Mwanakomana haagoni kuita chinhu ari oga, kana asingaoni Baba vachichiita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvowo. Handigoni kuita chinhu ndoga; . . . nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.” Zvakare, iye akati: “Ndiri mumiriri anobva kwaari, uye Iyeyo akandituma.” Iye akatiwo: “Ndakabva kuna Mwari uye ndiri pano.” (Johane 5:19, 30; 7:28, 29; 8:42, NW) Jesu haana kutongokarakadza kuti iye akanga ari Mwari kana kuti akanga akaenzana naye. Naizvozvo kudzidzisa chinhu chakadaro kunozvidza Jesu.
Dzimwe Nzira Vamwe Vanozvidza Nadzo Jesu
3. (a) Vamwe vari muchiKristudhomu vanomuzvidza kupfurikidza nokurambei pamusoro paJesu? (b) Chipupuriroi icho Jesu akapa pamusoro pokuvapo kwake kwapamberi pokuva munhu?
3 Nenzira yechienzi zvikuru, kunewo vamwe vari muchiKristudhomu nhasi vanozvidza Jesu kupfurikidza nokuramba kuti iye akanga ane kuvapo kwapamberi pokuva munhu. Zvisinei, kana bedzi tikanzwisisa kuti Jesu akaburuka chaizvoizvo achibva kudenga achiuya kupasi tinogona kuvamba nenzira yakafanira kumukudza. Jesu amene akataura ataurazve kuti iye akanga ane kuvapo kwapamberi pokuva munhu. “Hakuna munhu wakakwira kudenga,” iye akadaro, “asi iye wakaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.” Gare gare akataura, kuti: “Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; . . . Muchagodiniko kana muchiona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva pakutanga?” Uyezve: “Imi muri vapasi, ini ndiri wokumusoro; . . . Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abrahama asati avapo, ini ndakanga ndavapo.” (Johane 3:13; 6:51, 62; 8:23, 58) Jesu akanongedzerawo kukuvapo kwake kwapamberi pokuva munhu mumunyengetero wake kuna Baba vake vokudenga pausiku hwokushambadzwa kwake.—Johane 17:5.
4. (a) Munzirai yokuwedzera umo vazhinji vanozvidza Jesu? (b) Ufakazii hunofanira kuva hwakakwana kubvumikisa kuti Jesu akararama chaizvoizvo, uye nei?
4 Vamwe vari muchiKristudhomu vanotosvika pakunyanyisa kuramba kuti Jesu akanga ari munhu wenhau, kuti akamborarama somunhu. Kana iye asina kuvapo chaizvoizvo, kwaizova kusingabetseri kukurukura chikonzero nei uye sei tichifanira kumukudza. Bva chipupuriro chikuru chezvapupu zvakaona chakachengetwa muMagwaro chinofanira kuva ufakazi hwakakwana hwokubvumikisa pasina panikiro kuti Jesu akararama chaizvoizvo pasi pano. (Johane 21:25) Zvikurukuru ikoku ndokwechokwadi sezvo maKristu apakuvamba akadzidzisa kazhinji kazhinji pamusoro paJesu pakuiswa mungozi kwoupenyu hwavo humene norusununguko. (Mabasa 12:1-4; Zvakazarurwa 1:9) Zvisinei, kunze kweizvo vateveri vake vakanyora pamusoro pake, kuvapo kwaJesu kunogona kuratidzirwa here?
5, 6. Chii icho ufakazi hwenhau, kunze kwaMagwaro, hunoratidza pamusoro pokuvapo chaikoiko kwaJesu Kristu?
5 The New Encyclopædia Britannica (1987) inoti: “Nhauro dzakazvimirira dzinobvumikisa kuti munguva dzekare kunyange vashori vechiKristu havana kutongopanikira kuva wenhau kwaJesu.” Ndedzipi dziri dzimwe dzeidzi nhauro dzakazvimirira? Mukuwirirana nenyanzvi yechiJudha Joseph Klausner, pane chipupuriro chamanyoro apakuvamba eTalmud. (Jesus of Nazareth, peji 20) Kunewo chipupuriro chowezvenhau wechiJudha womuzana rokutanga ramakore Josephus. Somuenzaniso, iye anorondedzera kutakwa namabwe kwaJakobho, achimuzivisa so“munun’una waJesu uyo ainzi Kristu.”—Jewish Antiquities, XX, [ix, 1].
6 Mukuwedzera, pane chipupuriro chavezvenhau vapakuvamba veRoma, zvikurukuru chiya chaTacitus aikudzwa zvikuru. Akanyora pakuvamba muzana ramakore rechipiri pamusoro pe“boka raivengwa nokuda kwenhamo dzaro, rainzi maKristu navoruzhinji. Christus [Kristu], kwaari zita rokuti [muKristu] rakava namavambo aro, akatambura chirango chikuru mukati mokutonga kwaTibherio pamaoko omumwe wavamiriri vedu.” (The Annals, XV, XLIV) Achirangarira ufakazi hwokuti Jesu akanga ari munhu wenhau sohukuru, wezvouzivi hwetsika wechiFrench wezana ramakore rechi 18, Jean-Jacques Rousseau, akapupurira, kuti: “Nhau yaSocrates, iyo munhu upi noupi asingapanikiri, haipupurirwi zvakanaka kwazvo seiyo yaJesu Kristu.”
Zvikonzero Zvokukudza Mwanakomana
7. (a) Chipupuriroi chapaMagwaro chinotipa musengwa wokukudza Jesu Kristu? (b) Jehovha akakudzazve sei Mwanakomana wake?
7 Zvino tinosvika panhau yokukudza Jesu Kristu. Kuti vateveri vake vane musengwa wokumukudza kunogona kuoneka mumashoko ake ari pana Johane 5:22, 23: “Nokuti Baba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose, kuti vose vakudze Mwanakomana sezvo vanokudza Baba. Usingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba, vakamutuma.” Chifo chorumuko rwaKristu, Jehovha akakudza Mwanakomana wake kusvikira kumwero wakatokura zvikuru, ‘achimupfekedza korona yembiri norukudzo nokuda kwokuve akatambura rufu.’ (VaHebheru 2:9; 1 Petro 3:22) Chaizvoizvo, tine zvikonzero zvokukudza Jesu kwose kuri kuviri nemhaka youyo iye ari uye nemhaka yezvaakaita.
8. Jesu Kristu anofanirwa norukudzo nemhaka yamaidii echienzi pamusoro pake?
8 Jesu Kristu anofanirwa norukudzo nemhaka yokuti iye, saLogos, kana kuti Shoko, mukurukurirani waJehovha akaisvonaka. MuMagwaro kuri pachena kuti zita rokuti “Shoko” rinoshanda kuna Jesu asati auya kupasi pamwe chete napashure pokunge akwira kudenga. (Johane 1:1; Zvakazarurwa 19:13) Pana Zvakazarurwa 3:14 iye anotaura nezvake amene so“kutanga kwezvisikwa zvaMwari.” Iye haasati bedzi ari “dangwe rezvisikwa zvose” asi so“Mwanakomana wakaberekwa ari mumwe oga” ndiye uyo bedzi akasikwa zvakananga naJehovha Mwari. (VaKorose 1:15; Johane 3:16) Mukuwedzera, “zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa.” (Johane 1:3) Naizvozvo, patinorava pana Genesi 1:26 kuti Mwari akati, “Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu,” “ti” iyeyo anobatanidza Logos, kana kuti Shoko. Zvirokwazvo, idi rokuti Jesu mukuvapo kwake kwapamberi pokuva munhu akanga aine ropafadzo inoshamisa yokugoverana naJehovha Mwari muchisiko rinomuita kuti afanirwe norukudzo rukuru.
9. Neiko tichigumisa kuti Jesu ndiMikaeri ngirozi huru, uye Mikaeri akakudza sei Jehovha pamusoro pomuviri waMosesi?
9 Jesu Kristu anofanirwazve norukudzo nemhaka yokuti ndiye ngirozi huru yaJehovha, kana kuti ngirozi yakakura. Tinosvika pamhedziso iyoyo pahwaroi? Eya, shoko rinotevera rokuti “yakakura,” rinoreva “huru” kana kuti “chikuru,” rinoreva kuti kune ngirozi yakakura imwe bedzi. Shoko raMwari rinotaura nezvake richinongedzera kuna Ishe akamutswa Jesu Kristu. Tinorava, kuti: “Ishe amene uchaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi re[ngirozi huru, NW], nehwamanda yaMwari; vakafa muna Kristu vachatanga kumuka.” (1 VaTesaronika 4:16) Iyi ngirozi huru ine zita, sezvatinorava pana Judhasi 9: “Asi Mikaeri [ngirozi huru, NW], nguva yaakarwa naDhiabhorosi, akaita nharo naye pamusoro pomuviri waMosesi, wakatya kumupa mhosva namashoko okutuka, asi wakati: ‘[Jehovha, NW] ngaakuraire.’” Mukusamhanyira mberi kwaJehovha kupfurikidza nokushinga kuunza rutongeso mukurwisana naDhiabhorosi, Jesu nokudarozvo akakudza Baba vake vokudenga.
10. (a) Mikaeri anotungamirira sei mukurwira Umambo hwaMwari? (b) Mikaeri akaita rutivii pamusoro porudzi rwaIsraeri?
10 Ngirozi huru Mikaeri inorwira Umambo hwaMwari, ichitungamirira mukubvisa mumatenga Satani namapoka ake amadhemoni. (Zvakazarurwa 12:7-10) Uye muporofita Dhanieri anotaura kuti ‘iye anomira nokuda kwavanhu vaMwari.’ (Dhanieri 12:1) Kunooneka, naizvozvo, kuti Mikaeri i“ngirozi yaMwari wezvokwadi uyo akanga achitungamirira hondo yaIsraeri” uye kuti ndiye uyo Mwari akashandisa kupinza vanhu vake muNyika Yakapikirwa. “Mumunzwei, muteerere inzwi rake,” Mwari akaraira kudaro. “Musamupandukira, . . . nokuti zita rangu riri mukati make.” (Eksodho 14:19, NW; Eks 23:20, 21) Pasina panikiro ngirozi huru yaJehovha inofanira kuva yakava nefariro huru muvanhu vokufananidzira vezita raMwari. Nenzira yakakodzera zvikurusa akayamura imwe ngirozi yakatumwa kuzonyaradza muporofita Dhanieri, uye iyo yakanga yahwandirwa nhema nedhemoni rine simba zviruku. (Dhanieri 10:13) Naizvozvo kungava kuno mufungo kugumisa kuti ngirozi yakaparadza mauto 185 000 aSanheribhi yakanga isiri imwe kunze kwaMikaeri ngirozi huru.—Isaya 37:36.
11. Jesu anofanirwa norukudzo rwedu nokuda kwokuve akaronda nzirai youpenyu pasi pano?
11 Jesu Kristu haasati achifanirwa bedzi nokukudzwa nemhaka youyo iye ari asi iye anofanirwawo norukudzo rwedu nemhaka yezvaakaita. Somuenzaniso, ndiye bedzi munhu akararama upenyu hwakakwana. Adhama naEvha vakasikwa vakakwana, asi kukwana kwavo kwaiva kwenguva pfupi. Zvisinei, Jesu Kristu akaramba ‘akavimbika, asinganyengeri, akaparadzana navatadzi’ pasinei zvapo nezvose izvo Dhiabhorosi aigona kuunza paari mumiedzo kana kuti chitambudzo. Mose “haana kuita zvivi, nokunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.” Aigona kudenha nenzira yakarurama vashori vake vorudzidziso: “Ndianiko kwamuri unganditendisa kuti ndine zvivi?” Hakuna nomumwe wavo aigona! (VaHebheru 7:26; 1 Petro 2:22; Johane 8:46) Uye nemhaka yokuchengeta kwake perero isina chivi, Jesu akareverera Baba vake vokudenga saChangamire ane maruramiro wapose pose ndokubvumikisa Dhiabhorosi kuva murevi wenhema akaipa uye mukuru.—Zvirevo 27:11.
12. (a) Jesu akanga ari rudzii rwomunhu, uye chii chaakaita nokutambura nokuda kwavamwe? (b) Neiko ungati Jesu anofanirwa norukudzo rwedu nemhaka yezvaakaita nezvaakatambura?
12 Jesu Kristu anofanirwa norukudzo rwedu, kwete bedzi nemhaka yokuti iye akararama upenyu hwakakwana, husina chivi asiwo nemhaka yokuti iye akanga ari munhu akanaka, munhu asina udyire, anozvibaira. (Enzanisa naVaRoma 5:7.) Iye akashumira nokusaneta zvinodikanwa zvomudzimu nezvokunyama zvavanhu. Ishingairo yakadini yaakaratidzira nokuda kweimba yaBaba vake, uye ishiviriro yakadini yaakaratidzira mukubata navadzidzi vake! Kutambura kwakadini kwaaidisa kutambura mukuita kuda kwaBaba vake! Nezvomuedzo wake mubindu reGetsemani, Bhaibheri rinoti: “Zvino, ari pakutambura kukuru, wakanyanya kunyengetera; ziya rake rikaita samadonhwe eropa, akadonhera pasi.” Hungu, “akapa minyengetero nemikumbiro . . . achichema nokuchema kukuru.” (Ruka 22:44; VaHebheru 5:7) Muporofita Isaya akadeya kutaura nenzira yakarurama sei muedzo wake pana Isaya 53:3-7!
13. Muenzanisoi wakaisvonaka uyo Jesu akatigadzira mukukudza Baba vake vokudenga?
13 Jesu anofanirwawo norukudzo rwedu nemhaka yomuenzaniso wakaisvonaka waakatigadzira mukukudza Baba vake vokudenga. Aigona kusanotaura, kuti: “Ndinokudza Baba vangu.” (Johane 8:49) Panguva dzose akaunza rukudzo kuna Jehovha Mwari kupfurikidza namashoko ake nezviito. Nokudaro, paakaporesa mumwe munhu, nhauro yeBhaibheri inoti, kwete kuti vanhu vakapa Jesu mbiri, asi kuti “vakakudza Mwari.” (Marko 2:12) Naizvozvo, pamugumo woushumiri hwake hwapasi, Jesu aigona kuti nenzira yakarurama mumunyengetero kuna Baba vake vokudenga: “Ndakakukudzai panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiriite.”—Johane 17:4.
Chaakatiitira
14. Rufu rwaJesu rwakatiitirei chinomuita kuti afanirwe norukudzo?
14 Uye Jesu Kristu akafanirwa zvikuru sei norukudzo rwedu nemhaka yezvose zvaakatiitira! Akafira zvivi zvedu kuti tigone kuyananiswa naJehovha Mwari. Jesu akati pamusoro pake amene: “Mwanakomana womunhu akauya, kwete kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake ruve rudzikinuro mutsinhano navazhinji.” (Mateo 20:28, NW) Nokudaro rufu rwake rwakaita kuti kubvirire zvose izvo Umambo huchatiitira isu vanhu: upenyu husingafi mumatenga nokuda kwavane 144 000 avo vanoumba mwenga wake noupenyu husingaperi muparadhiso yapasi nokuda kwamamirioni avamwe vanobvumikisa kutenda kwavo neteerero mumuedzo.—Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 14:1-3; 21:3, 4.
15. Muenzanisoi mumwe wokuzivisa kwaJesu hunhu hwaBaba vake kwatiri?
15 Jesu Kristu anofanirwawo norukudzo nemhaka yokuti, soMudzidzisi Mukuru, akazivisa zvakakwana kuda kwaBaba vake nohunhu kwatiri. Somuenzaniso, muMharidzo yake yapaGomo, iye akanongedzera kurupo rwaBaba vake mukutumira zuva nemvura pavakanaka navakaipa zvakafanana uye ipapo ndokuti: “Muve vakakwana, saBaba venyu vari kudenga vakakwana.”—Mateo 5:44-48.
16. Muapostora Pauro akapeta sei nzira yakafanirwa norukudzo yaJesu?
16 Muapostora Pauro akasanopeta nzira inofanirwa norukudzo yaJesu paakanyora, kuti: “Kunyange akanga akafanana naMwari, haana kuti kuenzana naMwari ndichinhu chinofanira kubatisiswa; asi wakazvidurura [iye,] akazviita muranda, akafanana navanhu; akati awanikwa nomufananidzo womunhu, akazvininipisa, akateerera kusvikira parufu, irwo rufu [padanda rokutambudzira, NW].”—VaFiripi 2:5-8.
Makudzire Atinogona Kuita Mwanakomana
17, 18. Tinogona kuunza rukudzo kuna Jesu Kristu munzirai dzakasiana-siana?
17 Sezvo Jesu Kristu pasina panikiro achifanirwa norukudzo rwedu, tinosvika pamubvunzo unoti: Tinogona sei kukudza Mwanakomana? Tinoita saizvozvo kupfurikidza nokushandisa kutenda muchibairo chake chorudzikinuro, uye tinobvumikisa kutenda ikoko kupfurikidza nokuita nhano dziri madikanwa dzorupfidzo, kutendeuka, tsauriro, uye rubhapatidzo. Kupfurikidza nokusvika kuna Jehovha mumunyengetero muzita raJesu, tinokudza Jesu. Tinomukudzazve patinoteerera mashoko ake: “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, asimudze [danda rake rokutambudzira, NW], anditevere.” (Mateo 16:24) Tinokudza Jesu Kristu patinoteerera miraidzo yake yokuramba tichitsvaka Umambo hwaMwari pakutanga nokururama kwake, uye tinomukudza patinoteerera murairo wake wokugoverana mubasa rokuita vadzidzi. Zvakare, tinokudza Jesu patinoratidzira rudo rwouhama rwaakati rwaizozivisa vateveri vake vose vechokwadi.—Mateo 6:33; 28:19, 20; Johane 13:34, 35.
18 Uyezve, tinounza rukudzo kuMwanakomana kupfurikidza nokugamuchira zita rake, tichizvidana timene kuti maKristu, uye ipapo kupfurikidza nokurarama mukuwirirana nezita iroro nomufambiro wedu wakaisvonaka. (Mabasa 11:26; 1 Petro 2:11, 12) Muapostora Petro akataura kuti tinofanira kusanotevera nhano dzaJesu. (1 Petro 2:21) Kupfurikidza nokudarozvo kumutevedzera mumufambiro wedu wose, tinomukudzawo. Uye zvirokwazvo, patinochengeta gore negore Chirangaridzo chorufu rwaKristu, tinomupa rukudzo chairwo.—1 VaKorinte 11:23-26.
19, 20. (a) Itusoi idzo Jesu anopa kuvateveri vake nokuda kwokumukudza, zvino nomunguva yemberi? (b) Chivimboi chatinogona kuva nacho pamusoro poMwanakomana?
19 Itusoi idzo Jesu anopa kuvadzidzi vake nokuda kwokutevera nzira inomukudza? Iye akati: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu akasiya imba, kana vanun’una, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, kana vana, kana minda, nokuda kwangu neevhangeri, usingazopiwi zvine zana nenguva ino, dzimba navanun’una, nehanzvadzi, namadzimai, navana neminda, pamwe chete nokuvengwa, noupenyu husingaperi nenguva inouya.”—Marko 10:29, 30.
20 Kunodaro kuti kana tikarega zvimwe zvinhu nokuda kwaJesu, iye achava nechokwadi chokuti tinotuswa. Jesu anotivimbisa, kuti: “Mumwe nomumwe uchandipupura pamberi pavanhu, neni ndichamupupurawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.” (Mateo 10:32) Naizvozvo kunyange sezvo Baba vokudenga vachikudza avo vanovakudza, tinogona kuva nechivimbo chokuti Mwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waJehovha achatevedzera Baba vake muna ikoku, kunyange sezvo Mwanakomana achiita muzvimwe zvinhu.
Waizopindura Sei?
◻ Vazhinji vari muchiKristudhomu vanozvidza sei Mwanakomana?
◻ Chipupuriroi icho Jesu akapa pamusoro pokuvapo kwake kwapamberi pokuva munhu?
◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvikonzero zvatinazvo zvokukudza Jesu?
◻ Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzatinogona kukudza nadzo Jesu?
◻ Kukudza Jesu Kristu kunoguma nebetseroi?