-
Maziso Ako Akatarira Kupi?Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2018 | July
-
-
5-7. Idambudziko ripi rakamuka vaIsraeri vachangobuda muIjipiti, uye Mosesi akarigadzirisa sei?
5 Papera mwedzi miviri kubva pakabuda vaIsraeri muIjipiti, pane dambudziko rakakura rakamuka vasati vatombosvika paGomo reSinai. Vanhu vakatanga kunyunyuta pamusana pekushayikwa kwemvura. Vakatanga kunyunyutira Mosesi, uye zvinhu zvakawedzera kuoma zvekuti Mosesi akachema kuna Jehovha achiti: “Ndoita sei nevanhu ava? Munguva pfupi vachanditema nematombo!” (Eks. 17:4) Jehovha akapa Mosesi mirayiridzo yakajeka. Mosesi paaiva muHorebhi aifanira kutora tsvimbo yake orova dombo, uye mvura yaizobuda padombo racho. Bhaibheri rinoti: “Mosesi akazoita saizvozvo varume vakuru vaIsraeri vakatarira.” VaIsraeri vakawana mvura yekunwa yakawanda, uye dambudziko racho rakabva rapera.—Eks. 17:5, 6.
-
-
Maziso Ako Akatarira Kupi?Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2018 | July
-
-
11. Kurova kwakaita Mosesi dombo kunogona kunge kwakavhiringa sei chishamiso chaJehovha?
11 Panogona kunge paine zvimwe zvakatsamwisa Jehovha. Matombo ari munharaunda yeMeribha yekutanga anonzi magranite uye akasimba chaizvo. Pasinei nekuti munhu aizorova dombo racho zvakasimba sei, hapana aizombotarisira kuti pabude mvura. Zvisinei, matombo ari munharaunda yeMeribha yechipiri anonzi malimestone akasiyana naiwayo uye haana kunyanya kuoma. Nzvimbo dzine malimestone dzinowanzova nemvura inenge yakaungana nechepasi mumatombo acho. Vanhu vanogona kuboora dombo racho vobudisa mvura. Mosesi paakarova dombo rakadaro kaviri, vaIsraeri vanogona kunge vakafunga here kuti mvura yakangobudawo nekurova kwaainge aita kwete nesimba raJehovha? Kurova kwaakaita dombo pane kuriudza kuti ribudise mvura kwakaita kuti zviite sekuti Jehovha akanga asina kumboita chishamiso here?b Hatizivi.
-