Kubhururuka Namapapiro Samakondo
MUNHU anonzwa sei pashure pokutsungirira makore mashanu mumisasa yechibharo yeNazi? Apera mwoyo here? Akasharara here? Achida kutsiva here?
Kunyange zvazvo kungaratidzika kuva kwechienzi, mumwe murume akadaro akanyora, kuti: “Upenyu hwangu hwakapfumiswa kupfuura zvandaisambogona kukarira.” Nei iye akanzwa nenzira iyoyo? Iye akatsanangura, kuti: “Ndakawana utiziro mumapapiro oWokumusorosoro, uye ndakawana kuzadzikwa kwamashoko omuporofita Isaya, apo iye akati: ‘Avo vanovimba naJehovha vachawanazve simba. Ivo vachatsigirwa namapapiro samakondo. . . . Vachafamba vasingaziyi.’”—Isaya 40:31.
Uyu murume wechiKristu, ane muviri wakatambudzwa nokubatwa kunotyisa zvikurusa kunofungidzirika, akanga ane chimiro chendangariro icho chakabhururuka mudenga nenzira yokufananidzira, chimiro chendangariro icho utsinye hweNazi hwaisagona kukurira. Kufanana naDhavhidhi iye akawana utiziro mumumvuri “wamapapiro” aMwari. (Pisarema 57:1) Uyu muKristu akashandisa mufananidzo wakashandiswa nomuporofita Isaya, achienzanisa simba rake romudzimu neiro regondo rinobhururuka richiramba richikwira mudenga.
Unombonzwa waremedzwa nezvinetso here? Pasina panikiro iwewo ungada kuwana utiziro mumapapiro oWokumusorosoro, ku“bhururuka namapapiro samakondo.” Kuti unzwisise kuti ikoku kunobvira sei, kunobetsera kuziva chimwe chinhu pamusoro pegondo, iro rinowanzoshandiswa nenzira yokufananidzira muMagwaro.
Pasi Pomureza weGondo
Pashiri dzose idzo vanhu vakare vakacherekedza, gondo rakanga riri zvichida raiyemurwa zvikurusa nemhaka yesimba raro uye kubhururuka kwaro kwakaisvonaka. Mauto akare akawanda, kubatanidza ayo eBhabhironi, Persia, uye Roma, aifora pasi pomureza wegondo. Uto raKoreshi Mukuru rakanga riri rimwe raiwawa. Bhaibheri rakaporofita kuti uyu mambo wePersia aizova akafanana nanyajambwa aibva kumabvazuva kuti aparadze Umambo hweBhabhironi. (Isaya 45:1; 46:11) Mazana maviri amakore pashure pokunge uhwu uporofita hwanyorwa, mauto aKoreshi, ayo akanga ane makondo pamireza yawo yehondo, akadenha guta reBhabhironi kamwe kamwe kufanana negondo riri kudya nyajambwa waro.
Nguva pfupi yapfuura zvikuru, varwi vakadai saCharlemagne naNapoleon uye nyika dzakadai seUnited States neGermany dzakasarudzawo gondo sechiratidzo chadzo. VaIsraeri vakarayirwa kusanamata mifananidzo yemakondo kana kuti chimwe chisikwa chipi nechipi. (Eksodho 20:4, 5) Bva, vanyori veBhaibheri vakanongedzera kumaitiro egondo kuti vaenzanisire shoko ravo. Nokudaro gondo, shiri inowanzodudzwa zvikurusa muMagwaro, rinoshandiswa kufananidzira zvinhu zvakadai souchenjeri, dziviriro youmwari, uye kukurumidza.
Ziso Regondo
Kuona kukuru kwegondo nguva dzose kwave kuri kwechirevo. Kunyange zvazvo gondo rendarama risingawanzorema anopfuura makirogiramu 5, ziso raro iguru zvikuru kupfuura romunhu, uye kuona kwaro kukuru zvikuru. Jehovha amene, achirondedzera kuna Jobho mano egondo okutsvaka zvokudya zvaro, akati: “Meso aro anozviona zviri kure.” (Jobho 39:27, 29) Alice Parmelee, mubhuku rake rinonzi All the Birds of the Bible, anoshuma kuti “gondo pane imwe nguva rakaona hove yakafa ichiyangarika munyanza kure namakiromita mashanu ndokuenda zvakanaka kunzvimbo chaiyoiyo. Gondo harina kungokwanisa bedzi kuona chinhu chiduku riri panzvimbo iri kure kupfuura izvo munhu aigona, asi shiri yacho yakaramba yakanangidzira ngwariro pahove nguva dzose mukuenda kwayo kwamakiromita 5.”
Nemhaka yokuona kukuru kwegondo, iro chiratidzo chakafanira chouchenjeri, rimwe ramavara makuru aJehovha. (Enzanisa naEzekieri 1:10; Zvakazarurwa 4:7.) Nei kwakadaro? Uchenjeri hunobatanidza kufanoona migumisiro yechiito chipi nechipi chatingaita. (Zvirevo 22:3) Gondo, nemano aro okuona zviri kure, rinogona kuona ngozi iri kure zvikuru ndokungwarira, kungofanana nomurume akachenjera womumufananidzo waJesu, uyo akafanoona bviro yedutu ndokuvakira imba yake paruware. (Mateo 7:24, 25) Nenzira inofadza, mumutauro weSpanish, kurondedzera mumwe munhu segondo kunoreva kuti iye ane nzwisiso kana kuti uchenjeri.
Kana ukambova nomukana wokuona gondo riri pedyo, cherekedza nzira yarinoshandisa nayo maziso aro. Haringokuringi bedzi; panzvimbo pezvo, kunoratidzika kuva rinoongorora udzame huri hwose hwechitarisiko chako. Nenzira yakafanana, munhu akachenjera anonzvera nhau nenzira yokungwarira asati aita chisarudzo panzvimbo pokuvimba namano ake omuzvarirwo kana kuti mirangariro yake. (Zvirevo 28:26) Nepo kuona kukuru kuchiriita chiratidzo chakafanira chevara roumwari rouchenjeri, kubhururuka kwaro kwakaisvonaka kunoshandiswawo nenzira yokufananidzira navanyori veBhaibheri.
“Kufamba Kwegondo Mudenga”
“Kufamba kwegondo mudenga” kunoshamisa nokuda kwezvose zviri zviviri kumhanya kwaro uye nzira yarinoratidzika nayo kuva rinobhururuka pasina nhamburiko kwazvo, risingateveri nzira inoratidzirwa uye risingasiyi nzira. (Zvirevo 30:19) Kumhanya kwegondo kunonongedzerwa kwakuri pana Mariro aJeremia 4:19, apo varwi veBhabhironi vanorondedzerwa: “Avo vakadzingana nesu, vakamhanyisa kupfuura makondo okudenga; vakadzingana nesu pamakomo, vakatigarira murenje.” Apo gondo rinotenderera muchadenga rinoona nyajambwa waro, iro rinovhura mapapiro aro uye rinodzika zvikuru, umo rinogona kusvika kumhanya kunosvika kumakiromita 130 paawa, maererano nemimwe mishumo. Nenzira isingashamisi, Magwaro anoshandisa gondo serimwe shoko rokumhanya, zvikurukuru maererano neuto ravarwi.—2 Samueri 1:23; Jeremia 4:13; 49:22.
Isaya, pano rumwe rutivi, anonongedzera kukubhururuka kusina nhamburiko kwegondo. “Asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.” (Isaya 40:31) Chakavanzika chokubhururuka kwegondo chii? Kubhururuka kunoda nhamburiko shoma sezvo gondo richishandisa mhepo inopisa, kana kuti zvikamu zvemhepo inodziya inokwira. Mhepo inopisa haioneki, asi gondo rine unyanzvi hwokuiwana. Mhepo inopisa yangowanika, gondo rinovhura mapapiro aro nomuswe uye rinotenderera mukati mechikamu chemhepo inodziya, iyo inokwidza gondo mudenga zvikuru. Apo urefu hwakakwana hunowanwa, rinopfuurira kumhepo inopisa inotevera, uko muitiro wacho unodzokororwa. Munzira iyi gondo rinogona kugara riri muchadenga kwamaawa akati richishandisa simba shomanene.
Muna Israeri, zvikurukuru muMupata Unoparirwa Nokutsemuka Kwapasi uyo unobva kuEzioni-gebheri pamahombekombe eGungwa Dzvuku kusvikira kuDhani kuchamhembe, makondo anooneka zvikuru. Iwo mazhinji zvikurukuru mukati mechirimo uye mumatsutso apo anotama. Mumakore akati anenge makondo 100 000 akaverengwa. Apo zuva ramangwanani rinodziyisa mhepo, mazana eshiri dziri nyajambwa anogona kuonwa achibhururuka mumawere anoganhura Mupata Unoparirwa Nokutsemuka Kwapasi.
Kubhururuka kusina nhamburiko kwegondo muenzaniso wakaisvonaka wenzira iyo simba raJehovha rinogona kutisimudza nayo mumudzimu uye mumirangariro kuti tigogona kupfuurira nebasa redu. Kungofanana negondo risingagoni kubhururuka kuurefu hwakadaro richishandisa simba raro rimene, hatigoni kubudirira kana tikavimba nemano edu timene. “Ndingaita zvose naiye unondipa simba,” akatsanangura kudaro muapostora Pauro. (VaFiripi 4:13) Kufanana negondo iro rinotsvaka mhepo inopisa isingaoneki nguva dzose, tino“ramba tichikumbira” simba rinobata basa raJehovha risingaoneki kupfurikidza neminyengetero yedu yakasimba nguva dzose.—Ruka 11:9, 13, NW.
Makondo anotama kazhinji kazhinji anowana mhepo inopisa kupfurikidza nokucherekedza dzimwe shiri dziri nyajambwa. Wezvoruzivo rwomuzvarirwo D. R. Mackintosh akashuma kuti pane imwe nhambo makondo 250 nemagora akaoneka achipoterera mudenga mumhepo inopisa imwe cheteyo. VaKristu nhasi nenzira yakafanana vanogona kudzidza kuvimba nesimba raJehovha kupfurikidza nokutevedzera mienzaniso yokutendeka yevamwe vabatiri voumwari.—Enzanisa na1 VaKorinte 11:1.
Mumumvuri Wemapapiro Egondo
Imwe yenhambo dzine ngozi zvikurusa youpenyu hwegondo ndeapo rinodzidza kubhururuka. Makondo akati anofa mukuedza. Rudzi rwusina ruzivo rwokuzviwanira rwaIsraeri rwakangawo rwuri mungozi apo rwakabva muEgipita. Nokudaro mashoko aJehovha kuvaIsraeri akanga akafanira zvikurusa: “Makaona zvandakaitira vaEgipita, uye kuti ndakakutakurai imi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri.” (Eksodho 19:4) Pane mishumo yamakondo anotakura shiri duku kwechinguvana pamusana wawo kuti duku yacho isadonha mukuedza kwayo kwokutanga kubhururuka. G. R. Driver, achitsinhira muPalestine Exploration Quarterly pamishumo yakadaro, akati: “Mufananidzo [weBhaibheri] ipapoka hausi kubhururukawo zvako kwokufungidzira asi kwakavakirwa paidi chairoiro.”
Makondo vabereki vomuenzaniso mudzimwe nzirawo. Iwo haagoveri bedzi vaduku vawo pokugara nezvokudya zvenguva dzose asi mai vacho vanocheka-cheka nenzira yokungwarira nyama iyo baba vanounza kudendere kuti mwana wegondo agogona kuimedza. Sezvo matendere avo kazhinji kazhinji akavakirwa pamawere kana kuti mumiti mirefu, shiri duku dzinoratidzirwa kumamiriro okunze. (Jobho 39:27, 28) Zuva rinopisa, rinozivikanwa kunyika dzeBhaibheri, raigona kuparira rufu rweshiri duku dai kwakanga kusiri nemhaka yetarisiro yavabereki vayo. Gondo guru rinovhura mapapiro aro, pane dzimwe nguva kwamaawa panguva, kuti rifukidze manyana aro.
Nokudaro kwakafanira zvikuru kuti mapapiro egondo anoshandiswa muMagwaro sechiratidzo chedziviriro youmwari. Dheuteronomio 32:9-12 inorondedzera nzira iyo Jehovha akadzivirira nayo vaIsraeri mukati merwendo rwavo rwomurenje: “Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake; Jakobho ndiyo nhaka yake yakayerwa. Wakamuwana munyika yesango, murenje risina chinhu, rinotyisa; wakamukomberedza, nokumutarira, nokumuchengeta semboni yeziso rake; segondo rinomutsa vana varo, richiengerera pamusoro pavana varo, richitambanudza mapapiro aro, richivagamuchira richivabereka pamapapiro aro; saizvozvo Jehovha, iye oga, wakamutungamirira.” Jehovha achatipa dziviriro imwe cheteyo yorudo kana tikavimba naye.
Nzira Yokupukunyuka Nayo
Pane dzimwe nguva apo tinotarisana nezvinetso, tingazviwana timene tichishuva kutiza zvinetso zvedu zvose. Izvozvo ndizvo chaizvoizvo izvo Dhavhidhi akanzwa. (Enzanisa nePisarema 55:6, 7.) Asi kunyange zvazvo Jehovha akavimbisa kutibatsira sezvo tinotarisana nemiedzo nokutambura mutsika ino, iye haagoveri kupukunyuka kwakakwana. Tine vimbiso yeBhaibheri: “Hakuna muidzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.”—1 VaKorinte 10:13.
“Nzira yokubuda nayo” kana kuti “nzira yokupukunyuka nayo” (King James Version) inobatanidza kudzidza kuvimba naJehovha. Izvi ndizvo izvo Max Liebster, ane tsinhiro dzanokorwa mashoko pakuvamba kwenyaya ino, akawana. Mukati mamakore ake omumisasa, iye akasvika pakuziva uye kuvimba naJehovha. Seizvo Max akawana, Jehovha anotisimbisa kupfurikidza neShoko rake, mudzimu wake, uye sangano rake. Kunyange mumisasa, Zvapupu zvakatsvaka vatendi biyazvo ndokuzvipira kuvapa betsero yomudzimu, vachigoverana mifungo yapaMagwaro uye mabhuku eBhaibheri api kana api akanga achiwanika. Uye seizvo vapukunyuki vakatendeka vakapupurira nguva nenguva, Jehovha akavasimbisa. “Ndakaramba ndichikumbira Jehovha kuti abetsere,” anotsanangura kudaro Max, “uye mudzimu wake wakandisimbisa.”
Muedzo upi kana upi watinotarisana nawo, tinogona nenzira yakafanana kuvimba nomudzimu mutsvene waMwari, chero bedzi tikaramba tichiukumbira. (Mateo 7:7-11) Tasimbaradzwa neiri “simba rinopfuura renguva dzose,” tichabhururuka panzvimbo pokuwisirwa pasi nezvinetso zvedu. Ticharamba tichifamba munzira yaJehovha, uye hatisati tichizoneta. Tichabhururuka namapapiro samakondo.—2 VaKorinte 4:7, NW; Isaya 40:31.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]
Harikuringi
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]
Foto: Cortesía de GREFA
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 10]
Foto: Cortesía de Zoo de Madrid