-
Mibvunzo Inobva KuvaverengiNharireyomurindi—2010 | March 15
-
-
Ezekieri 18:20, iyo inoti, “Mwanakomana haazovi nemhosva yokukanganisa kwababa,” inopesana here naEksodho 20:5, inoti Jehovha “anoranga vanakomana nokuda kwokukanganisa kwemadzibaba”?
Magwaro aya haasi kupesana. Kungoti imwe ndima iri kutaura nezvokuti munhu anofanira kuzvidavirira, uye imwe yacho iri kutaura kuti kukanganisa kunoitwa nomunhu kunogona kuipira zvizvarwa zvinozotevera.
-
-
Mibvunzo Inobva KuvaverengiNharireyomurindi—2010 | March 15
-
-
Zvakadini nenyevero yatinowana pana Eksodho 20:5, mumwe weMitemo Gumi? Ipapawo panoda kuti tiongorore kuri kubva mashoko acho nekwaari kuenda. Jehovha akaita sungano yoMutemo norudzi rwaIsraeri. VaIsraeri pavakaudzwa mitemo yesungano yacho, vakataura pachena kuti: “Tinoda kuita zvose zvataurwa naJehovha.” (Eks. 19:5-8) Saka rudzi rwacho rwose rwakatanga kuva noukama naJehovha hwaivasiyanisa nemamwe marudzi. Izvi zvinoratidza kuti pana Eksodho 20:5 aitaura norudzi rwacho rwose.
VaIsraeri pavairamba vakatendeka kuna Jehovha, zvinhu zvaivafambira zvakanaka uye vaikomborerwa zvikuru. (Revh. 26:3-8) Asiwo pavairega kumuteerera zvaivaipira. Rudzi rwaIsraeri parwakaramba Jehovha rukatevera vamwe vanamwari venhema, akarega kuvakomborera uye haana kuvadzivirira; rudzi rwacho rwakatambura. (Vat. 2:11-18) Ichokwadi kuti pane vamwe vakaramba vakaperera kuna Mwari uye vaichengeta mirayiro yake pasinei nokuti vamwe vose vorudzi rwacho vakanga vava kunamata zvidhori. (1 Madz. 19:14, 18) Vakaramba vakatendeka ava vanofanira kunge vakaona nhamo nokuda kwezvivi zvaiitwa norudzi rwacho, asi Jehovha akavaitira mutsa une rudo.
VaIsraeri pavakange votyora mitemo yaJehovha zviri pachena zvokuti zita rake rakaguma rava kuzvidzwa nemamwe marudzi, Jehovha akavaranga paakarega vachiitwa nhapwa nevaBhabhironi. Zviri pachena kuti chirango ichi chakapiwa vamwe vanhu vakanga vakanganisa uye rudzi rwacho rwose. (Jer. 52:3-11, 27) Zvechokwadi, Bhaibheri rinoratidza kuti zvivi zvakaitwa norudzi rwaIsraeri zvakanga zvakakura chaizvo zvokuti zvizvarwa zvitatu, zvina, kana kuti zvakatowanda zvakatambura nokusateerera kwemadzitateguru avo, sezvinotaurwa pana Eksodho 20:5.
MuShoko raMwari munewo nhoroondo dzinoratidza kuti dzimwe mhuri dzakatambura nemhaka yezvivi zvakaitwa nevabereki vavo. Mupristi Mukuru Eri akatsamwisa Jehovha paakarega vanakomana vake “vakanga vari varume pasina” vachiita zvounzenza vari vapristi. (1 Sam. 2:12-16, 22-25) Nokuti Eri akakudza vanakomana vake kudarika Jehovha, Mwari akati mhuri yaEri yaizobviswa pakuva vapristi, izvo zvakatangira pamuzukuru chibvi wake Abhiyatari. (1 Sam. 2:29-36; 1 Madz. 2:27) Pfungwa iri pana Eksodho 20:5 inojekeswawo pane zvakaitika kuna Gehazi. Akashandisa chinzvimbo chake chokuva mushumiri waErisha zvisina kunaka achiitira kuti awane zvinhu pakarapwa mukuru mukuru weuto rokuSiriya ainzi Naamani. Jehovha akashandisa Erisha kuti amuudze mutongo waaizomupa, achiti: “Maperembudzi aNaamani achanamatira iwe nevana vako nokusingagumi.” (2 Madz. 5:20-27) Saka vazukuru vaGehazi vakaoneswa nhamo nezvaakakanganisa.
Sezvo Jehovha ari iye Musiki uye Mupi Woupenyu, ane kodzero yokusarudza chirango chakakodzera uye chakarurama. Mienzaniso yakurukurwa pamusoro apa inoratidza kuti vana kana kuti vazukuru vanogona kutambura nokuda kwechivi chakaitwa nemadzitateguru avo. Kunyange zvakadaro, Jehovha “anonzwa kuchema kwevanotambudzika” uye munhu anenge anyengetera kwaari nomwoyo wose anogona kumubata zvakasiyana nezvaanenge achiitira vamwe uye anogona kutoita kuti asarwadziwa sezviri kuita vamwe.—Job. 34:28.
-