RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • na pp. 14-16
  • MaKristu neZita

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • MaKristu neZita
  • Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu neZita
  • MaKristu Apakuvamba
  • Chikonzero Nei Tichifanira Kuziva Zita raMwari
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • Kudza Zita Guru raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Zita raMwari—Kushandiswa Kwaro uye Zvarinoreva
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Zita raMwari
    Mukai!—2017
Ona Zvimwe
Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
na pp. 14-16

MaKristu neZita

HAKUNOMUNHU angagona kutaura zvechokwadi chaizvoizvo apo vaJudha chaivoivo vakarega kududza zita raMwari zvinonzwika uye panzvimbo paro ndokutsiva mashoko echiHebheru nokuda kwaMwari naIshe Changamire. Vamwe vanodavira kuti zita raMwari rakapfuura kushandiswa kwezuva riri rose zvikuru kwazvo pamberi penguva yaJesu. Asika pano hufakazi hwakasimba hwokuti muprista mukuru akapfuurira kuridudza paminamato yorudzidziso napatembere—zvikurukuru pazuva reYananiso—kutozosvikira chaizvoizvo apo tembere yakaparadzwa muna 70 N.V. Nokuda kwechikonzero ichecho, apo Jesu aiveri pasi pano, kududzwa kwezitaro kwaizivikanwa, kunyange zvazvo zvimwe rakanga risingashandiswi zvakapararira.

Neiko vaJudha vakarega kududza zita raMwari? Zvimwe, kutambanuko yakati kuti, nokuda kwokushandiswa zvisina kufanira kwamashoko omurairo wechitatu: “Iwe hausati uchifanira kureva zita raJehovha Mwari wako nenzira isina maturo.” (Eksodho 20:7) Chokwadika, uyu murairo hauna kurambidza kushandiswa kwezita raMwari. Nezvisizvo, neiko vabatiri vaMwari vakadai saDhavhidhi vakarishandisa nomutoo wakasununguka zvikuru uyewo vachiwana chikomborero chaJehovha? Asika neiko Mwari akaridudza kuna Mosesi achiudza Mosesi kundotsanangura kuna vaIsraeri akanga ari uyo akanga amutuma?—Pisarema 18:1-3, 6, 13; Eksodho 6:2-8.

Hunyanguvezvo, pakuzosvika panguva yaJesu pakanga pane kombamiro yakasimba yokurangarira mirairo ine mifungo yaMwari ndokuiturikira nenzira isina mufungo zvikuru. Somuenzaniso, wechina weMirairo Gumi waigombedzera vaJudha kuchengeta zuva rechinomwe revhiki rimwe nerimwe sezuva rokuzorora, Sabata. (Eksodho 20:8-11) VaJudha chaivoivo vakarangarira murairo iwowo kumwero inonyomba, vachiita mirao isingaverengeki yokudzora kunyange chiito chidukusa chaigona kana kuti chaisagona kuitwa paSabata. Kwakanga kusingapanikiriki mumudzimu mumwe chetewo kuti ivo vakarangarira murairo unomufungo, kuti zita raMwari harifaniri kuzvidzwa, kukunyanyisa kusina mufungo zvikurusa, vachitaura kuti zitaro harizati richifanira kutombodudzwa.a

Jesu neZita

Ko Jesu aizotevera gamuchidzanwa rakadaro risati riri rapamagwaro here? Nyangwe napaduku pose zvapo! Zvamazvirokwazvo iye haana kurega kuita mabasa okuporesa paSabata, kunyange zvazvo ikoku kwakareva kuputsa mirairo yakaitwa navanhu yavaJudha uye kunyange kutopinza upenyu hwake mungozi. (Mateo 12:9-14) Chokwadi, Jesu akashoora vaFarise savanyengeri nokuti magamuchidzanwa avo aipfuura Shoko rakafuridzirwa raMwari. (Mateo 15:1-9) Nokudaro, hakubviri kuti iye aizoregera kududza zita raMwari, zvikurukuru mukurangarira idi rokuti zita rake rimene, Jesu, raireva kuti “Jehovha Ruponeso.”

Pane imwe nhambo, Jesu akamira musinagoge ndokurava chikamu chamashoko chomupumburu wamanyoro waIsaya. Chikamu chaakarava chakanga chiri icho isu nhasi tinoidza kuti Isaya 61:1, 2, apo zita raMwari rinooneka kanopfuura kamwe. (Ruka 4:16-21) Ko iye aizodai akaramba kududza zita raMwari here, achiritsiva na“Ishe” kana kuti “Mwari”? Chokwadika aiwa. Ikoku kwaizodai kwakareva kutevera gamuchidzanwa risati riri rapamagwaro ravatungamiriri vorudzidziso vechiJudha. Panzvimbo pakwo, tinorava, kuti: “Iye akanga achivadzidzisa somunhu ane chiremera, uye kwete savanyori vavo.”—Mateo 7:29.

Chokwadi, sezvatadzidza pakuvamba vamba, iye akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuna Mwari: “Zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateo 6:9) Uye mumunyengetero pausiku pamberi pokuurayiwa kwake, iye akati kuna Baba vake: “Ndaratidzira zita renyu kuvanhu vamakandipa vakabva munyika . . . Baba Vatsvene, varindei nokuda kwezita renyu mumene ramakandipa.”—Johane 17:6, 11.

Pamsoro peidzi nongedzero dzakaitwa naJesu kuzita raMwari, bhuku rinonzi Der Name Gottes (Zita raMwari) rinotsanangura, papeji 76, kuti: “Isu tinofanira kunzwisisa idi rinokatyamadza rokuti kunzwisiswa kweTestamente yeKare yegamuchidzanwa kwokuwadzanyura kwaMwari ndokwokuti ndiko kuwadzanyurwa kwezita rake uye kuti irori rinopfuuridzirwa kusvikira kumativi okupedzisira eTestamente yeKare, hungu, rinopfuurira kunyange mumativi okupedzisira eTestamente Itsva, umo, somuenzaniso pana Johane 17:6, tinorava kuti: “Ndazivisa zita renyu.’”

Hungu, kwaizova kusava nomufungo zvikurusa kufunga kuti Jesu akarega kushandisa zita raMwari, zvikuru apo iye ainokora mashoko muzvikamu izvozvo zvaMagwaro echiHebheru zvinaro.

MaKristu Apakuvamba

Ko vateveri vaJesu muzana rokutanga ramakore vakashandisa zita raMwari here? Ivo vakanga varairwa naJesu kuita vanhu vamarudzi ose vadzidzi. (Mateo 28:19, 20) Vazhinji vavanhu vaizoparidzirwa vakanga vasingafungi nezvaMwari uyo akanga azvizivisa amene kuvaJudha kupfurikidza nezita rinonzi Jehovha. Ko maKristu aizokwanisa sei kuzivisa Mwari wechokwadi kwavari? Hakuzati kwaizova kwakaringanira here kumuidza kuti Mwari kana kuti Ishe? Nyangwe. Marudzi akanga ana vamwari vao vamene namadzishe. (1 VaKorinte 8:5) Ko maKristu aizogona sei kuita mutsaukano wakajeka pakati paMwari wechokwadi nevenhema? Kupfurikidza bedzi nokushandisa zita raMwari wechokwadi.

Nokuda kwechikonzero ichecho, mudzidzi Jakobho akataura mukati medare ravakuru paJerusarema, kuti: “Simioni arondedzera kwazvo matendeudzire akaita Mwari ngwariro yake kumarudzi kwenguva yokutanga kuti agotora maari rudzi nokuda kwezita rake. Uye mashoko avaPorofita anobvumirana nakwo.” (Mabasa 15:14, 15) Muapostora Petro, mukutaura kwake kunosanozivikanwa paPentekosta, akaratidzira rutivi runokosha rweshoko rechiKristu apo iye akanokora mashoko omuporofita Joere: “Munhu ari wose anodana pazita raJehovha uchakotsekana.”—Joere 2:32; Mabasa 2:21.

Muapostora Pauro haasiyi panikiro pamsoro pokukosha kwezita raMwari kwaari. Mutsamba yake yakanyorerwa vaRoma, iye anonokora mashoko mashoko mamwe chetewo akaitwa nomuporofita Joere ndokupfuurira kukurudzira maKristu biyake kuratidzira kutenda kwao kutaura ikoko kupfurikidza nokubuda kundoparidzira pamsoro pezita raMwari kuna vamwe kuti ivavawo, vagoponeswa. (VaRoma 10:13-15) Gare gare iye akanyora mutsamba yake yakatumirwa kuna Timotio, kuti: “Munhu ari ose anodudza zita raJehovha ngaarambe kusarurama.” (2 Timotio 2:19) Pakupera kwezana rokutanga ramakore, muapostora Johane akashandisa zita raMwari mumanyoro ake. Shoko rokuti “Hareruya,” rinoreva kuti “Rumbidza Jah” rinooneka raonekazve mubhuku raZvakazarurwa.—Zvakazarurwa 19:1, 3, 4, 6.

Zvisinei, Jesu navateveri vake vakanga vaporofita kuti kutsauka pakutenda kwaizoitika muungano yechiKristu. Muapostora Petro akanga anyora, kuti: “Pakati penyu pachavawo navadzidzisi venhema.” (2 Petro 2:1; onawo Mateo 13:36-43; Mabasa 20:29, 30; 2 VaTesaronika 2:3; 1 Johane 2:18, 19.) Idzi nyevero dzakazadzika. Mumwe muuyo wakanga uri wokuti kukosha kwezita raMwari kwakarega kushandiswa. Rakatosvika pakubviswa mumakopi nomushanduro dzeBhaibheri! Ngationei kuti ikoko kwakaitika sei.

[Mashoko Omuzasi]

a Vamwe vanokarakadza chimwe chikonzero: VaJudha vangave vakapesvedzerwa noruzivo rwechiGiriki. Somuenzaniso, Philo, muzivi wechiJudha weAlexandria uyo anenge akararama panguva imwe cheteyo naJesu, akapesvedzerwa zvikurukuru nomuzivi wechiGiriki Plato, uyo iye aifunga kuti akafuridzirwa nomutoo woumwari. Lexikon des Judentums (Lexicon yechiJudha), pasi pepanoti “Philo,” anotsanangura kuti Philo “akabatanidza mutauro nemifungo yoruzivo rwechiGiriki (Plato) nokutenda kwakawadzanyurwa kwavaJudha” uye kuti pakuvamba iye “akanga ava nokutapura kunooneka pamadzibaba echechi echiKristu.” Philo akadzidzisa kuti Mwari akanga asingarondedzereki uye, nokuda kwechikonzero ichecho, asingadudzwi zita.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Uyu mufananidzo womuprista mukuru wechiJudha, une chiratidzo pangowani yake murevo yechiHebheru yokuti “Utsvene NdohwaJehovha,” unowanwa muVatican

[Mufananidzo uri papeji 15]

Sokuratidzira kunoita iyi shanduro ya 1805 yeGerman yeBhaibheri, apo Jesu akarava musinagoge pamupumburu wamanyoro waIsaya, iye akadudza zita raMwari zvinonzwika.—Ruka 4:18, 19

[Mifananidzo iri papeji 16]

Petro naPauro vakashandisa zita raMwari apo ivo vakanokora mashoko muchiporofita chaJoere.—Mabasa 2:21; VaRoma 10:13

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe